< איוב 13 >

הן-כל ראתה עיני שמעה אזני ותבן לה 1
“Meso angu akaona izvi zvose, nzeve dzangu dzakanzwa dzikazvinzwisisa.
כדעתכם ידעתי גם-אני לא-נפל אנכי מכם 2
Zvamunoziva imi, neniwo ndinozviziva; handisi muduku kwamuri.
אולם--אני אל-שדי אדבר והוכח אל-אל אחפץ 3
Asi ndinoshuva kutaura naWamasimba Ose uye ndigozvidavirira nyaya yangu kuna Mwari.
ואולם אתם טפלי-שקר רפאי אלל כלכם 4
Kunyange zvakadaro, imi munondizora nhema; muri varapi vasina maturo, imi mose!
מי-יתן החרש תחרישון ותהי לכם לחכמה 5
Haiwa, dai bedzi mainyarara henyu! Nokuti hungava uchenjeri kwamuri.
שמעו-נא תוכחתי ורבות שפתי הקשיבו 6
Chinzwai zvino kuzvidavirira kwangu; teererai munzwe kudemba kwemiromo yangu.
הלאל תדברו עולה ולו תדברו רמיה 7
Ko, mungataura zvakaipa muchimiririra Mwari here? Ko, mungataura zvinonyengera muchiti matumwa naye here?
הפניו תשאון אם-לאל תריבון 8
Mungamuitira rusaruro here? Mungamiririra Mwari here?
הטוב כי-יחקר אתכם אם-כהתל באנוש תהתלו בו 9
Ko, zvingabuda zvakanaka here kana akakuedzai? Ko, mungamunyengera sokunyengera kwamunoita vanhu here?
הוכח יוכיח אתכם-- אם-בסתר פנים תשאון 10
Zvirokwazvo iye angakutsiurai kana mukaratidza rusaruro muchivande.
הלא שאתו תבעת אתכם ופחדו יפל עליכם 11
Ko, kubwinya kwake hakungakutyisei here? Ko, kutyisa kwake hakungawiri pamusoro penyu here?
זכרניכם משלי-אפר לגבי-חמר גביכם 12
Mashoko enyu anotendwa itsumo dzamadota; nhare dzenyu inhare dzevhu.
החרישו ממני ואדברה-אני ויעבר עלי מה 13
“Nyararai uye regai nditaure; ipapo chinouya kwandiri ngachiuye hacho.
על-מה אשא בשרי בשני ונפשי אשים בכפי 14
Ko, ndinozviisirei munjodzi ndichibatira upenyu hwangu mumaoko angu?
הן יקטלני לא (לו) איחל אך-דרכי אל-פניו אוכיח 15
Kunyange akandiuraya hake, asi ini ndichavimba naye; zvirokwazvo ndichadzivirira nzira dzangu pamberi pake.
גם-הוא-לי לישועה כי-לא לפניו חנף יבוא 16
Zvirokwazvo, uku ndiko kuchava kuponeswa kwangu, nokuti hakuna munhu asina umwari achasvika pamberi pake!
שמעו שמוע מלתי ואחותי באזניכם 17
Teereresai kumashoko angu, nzeve dzenyu ngadzigamuchire zvandinoreva.
הנה-נא ערכתי משפט ידעתי כי-אני אצדק 18
Zvino ndagadzirisa nyaya yangu, ndinoziva kuti ndichashayirwa mhosva.
מי-הוא יריב עמדי כי-עתה אחריש ואגוע 19
Pane angagona kundipa mhaka here? Kana aripo, ndichanyarara ndigofa hangu.
אך-שתים אל-תעש עמדי אז מפניך לא אסתר 20
“Haiwa Mwari, nditsidzirei hangu zvinhu zviviri izvi. Uye ipapo handingavandi pamberi penyu.
כפך מעלי הרחק ואמתך אל-תבעתני 21
Bvisai ruoko rwenyu rwuve kure neni, uye murege kundivhundutsa nokutyisa kwenyu.
וקרא ואנכי אענה או-אדבר והשיבני 22
Ipapo mukandidana ndichadavira. Kana kuti murege nditaure, imi mugopindura.
כמה לי עונות וחטאות-- פשעי וחטאתי הדיעני 23
Zvivi zvandakaita nezvikanganiso zvangu zvinganiko? Ndiratidzei kudarika kwangu nechivi changu.
למה-פניך תסתיר ותחשבני לאויב לך 24
Munovanzireiko chiso chenyu muchindiona somuvengi wenyu?
העלה נדף תערוץ ואת-קש יבש תרדף 25
Ko, muchatambudza shizha rinopeperetswa nemhepo here? Ko, muchadzingana nehundi yakaoma here?
כי-תכתב עלי מררות ותורישני עונות נעורי 26
Nokuti munonyora zvinhu zvinovava pamusoro pangu, uye munondigarisa nhaka yezvivi zvoujaya hwangu.
ותשם בסד רגלי-- ותשמור כל-ארחתי על-שרשי רגלי תתחקה 27
Munosunga tsoka dzangu nezvisungo; munocherechedza nzira dzangu dzose nokuisa mutaro panotsika tsoka dzangu.
והוא כרקב יבלה כבגד אכלו עש 28
“Saizvozvo munhu anopera kufanana nechinhu chakaora, senguo yakadyiwa nezvipfukuto.

< איוב 13 >