< בראשית 7 >

ויאמר יהוה לנח בא אתה וכל ביתך אל התבה כי אתך ראיתי צדיק לפני בדור הזה 1
Ipapo Jehovha akati kuna Noa, “Pindai muareka iwe nemhuri yako yose nokuti ndakuona iwe kuti wakarurama murudzi urwu.
מכל הבהמה הטהורה תקח לך שבעה שבעה--איש ואשתו ומן הבהמה אשר לא טהרה הוא שנים--איש ואשתו 2
Utore mhando dzemhuka dzose dzakanaka nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo uye mbiri mbiri pamhando dzose dzemhuka dzisina kunaka, mukono nehadzi yayo,
גם מעוף השמים שבעה שבעה זכר ונקבה לחיות זרע על פני כל הארץ 3
uyewo nomwe nomwe pamhando dzose dzeshiri, mukono nehadzi, kuti uraramise marudzi azvo akasiyana-siyana munyika yose.
כי לימים עוד שבעה אנכי ממטיר על הארץ ארבעים יום וארבעים לילה ומחיתי את כל היקום אשר עשיתי מעל פני האדמה 4
Mazuva manomwe kubva zvino ndichanayisa mvura panyika kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana, uye ndichabvisa pamusoro penyika zvisikwa zvipenyu zvose zvandakaita.”
ויעש נח ככל אשר צוהו יהוה 5
Uye Noa akaita zvose zvaakarayirwa naJehovha.
ונח בן שש מאות שנה והמבול היה מים על הארץ 6
Noa akanga ava namakore mazana matanhatu okuberekwa panguva yakanaya mvura yamafashamu panyika.
ויבא נח ובניו ואשתו ונשי בניו אתו--אל התבה מפני מי המבול 7
Uye Noa navanakomana vake nomukadzi wake navakadzi vavanakomana vake vakapinda muareka kuti vapunyuke pamvura yamafashamu.
מן הבהמה הטהורה ומן הבהמה אשר איננה טהרה ומן העוף--וכל אשר רמש על האדמה 8
Zviviri zviviri zvemhuka dzakanaka nedzisina kunaka, zviviri zviviri zveshiri nezvezvisikwa zvose zvinokambaira panyika,
שנים שנים באו אל נח אל התבה--זכר ונקבה כאשר צוה אלהים את נח 9
mukono nehadzi, zvakauya kuna Noa ndokupinda muareka, sezvakanga zvarayirwa naMwari kuna Noa.
ויהי לשבעת הימים ומי המבול היו על הארץ 10
Uye shure kwamazuva manomwe mvura yamafashamu yakasvika panyika.
בשנת שש מאות שנה לחיי נח בחדש השני בשבעה עשר יום לחדש--ביום הזה נבקעו כל מעינת תהום רבה וארבת השמים נפתחו 11
Mugore ramazana matanhatu roupenyu hwaNoa, pazuva regumi namanomwe romwedzi wechipiri, pazuva iro zvitubu zvose zvapakadzika zvakatubuka, uye masuo amafashamu okudenga akazarurwa.
ויהי הגשם על הארץ ארבעים יום וארבעים לילה 12
Uye mvura yakanaya panyika kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana.
בעצם היום הזה בא נח ושם וחם ויפת בני נח ואשת נח ושלשת נשי בניו אתם--אל התבה 13
Pazuva racho iroro, Noa navanakomana vake, Shemu, Hamu naJafeti, pamwe chete nomukadzi wake navakadzi vavanakomana vake vatatu, vakapinda muareka.
המה וכל החיה למינה וכל הבהמה למינה וכל הרמש הרמש על הארץ למינהו וכל העוף למינהו כל צפור כל כנף 14
Vakanga vane mhuka dzose dzesango namarudzi adzo, nezvipfuwo zvose namarudzi azvo neshiri dzose namarudzi adzo, nezvose zvina mapapiro.
ויבאו אל נח אל התבה שנים שנים מכל הבשר אשר בו רוח חיים 15
Zviviri zviviri pazvisikwa zvose zvino upenyu mazviri zvakauya kuna Noa zvikapinda muareka.
והבאים זכר ונקבה מכל בשר באו כאשר צוה אתו אלהים ויסגר יהוה בעדו 16
Mhuka dzaipinda dzaiva mukono nehadzi pazvipenyu zvose, sezvakanga zvarayirwa Noa naMwari. Ipapo Jehovha akamupfigira mukati.
ויהי המבול ארבעים יום על הארץ וירבו המים וישאו את התבה ותרם מעל הארץ 17
Mafashamu akaramba achingouya panyika kwamazuva makumi mana, uye mvura sezvayakaramba ichiwanda yakasimudza areka pamusoro-soro penyika.
ויגברו המים וירבו מאד על הארץ ותלך התבה על פני המים 18
Mvura zhinji yakasimuka uye ikawanda zvikuru panyika, uye areka ikayangarara pamusoro pemvura.
והמים גברו מאד מאד--על הארץ ויכסו כל ההרים הגבהים אשר תחת כל השמים 19
Yakakwira kwazvo pamusoro penyika, uye makomo ose marefu ari pasi pedenga akafukidzwa.
חמש עשרה אמה מלמעלה גברו המים ויכסו ההרים 20
Mvura zhinji yakasimuka ikafukidza makomo kusvikira pamakubhiti gumi namashanu kudzika kubva pamusoro pawo.
ויגוע כל בשר הרמש על הארץ בעוף ובבהמה ובחיה ובכל השרץ השרץ על הארץ--וכל האדם 21
Zvipenyu zvose zvinokambaira panyika zvakaparara, shiri, zvipfuwo, mhuka dzesango, zvisikwa zvose zvakafararira pamusoro penyika, namarudzi ose avanhu.
כל אשר נשמת רוח חיים באפיו מכל אשר בחרבה--מתו 22
Zvinhu zvose zvakanga zvino kufema kwoupenyu mumhino dzazvo panyika zvakafa.
וימח את כל היקום אשר על פני האדמה מאדם עד בהמה עד רמש ועד עוף השמים וימחו מן הארץ וישאר אך נח ואשר אתו בתבה 23
Zvinhu zvose zvipenyu zvaiva pamusoro penyika zvakaparadzwa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira panyika neshiri dzedenga zvakaparadzwa kubva panyika. Noa bedzi ndiye akasiyiwa navaya vaiva naye muareka.
ויגברו המים על הארץ חמשים ומאת יום 24
Mvura zhinji yakafukidza nyika kwamazuva makumi mashanu.

< בראשית 7 >

The Great Flood
The Great Flood