< בראשית 45 >

ולא יכל יוסף להתאפק לכל הנצבים עליו ויקרא הוציאו כל איש מעלי ולא עמד איש אתו בהתודע יוסף אל אחיו 1
Ipapo Josefa akanga asisagoni kuzvidzora pamberi pavashandiri vake vose, uye akadanidzira akati, “Munhu wose ngaabve pamberi pangu!” Saka pakanga pasisina mumwe munhu pana Josefa paakazvizivisa kuhama dzake.
ויתן את קלו בבכי וישמעו מצרים וישמע בית פרעה 2
Uye akachema zvikuru kwazvo zvokuti vaIjipita vakamunzwa, uye veimba yaFaro vakanzwa nezvazvo.
ויאמר יוסף אל אחיו אני יוסף העוד אבי חי ולא יכלו אחיו לענות אתו כי נבהלו מפניו 3
Josefa akati kuhama dzake, “Ndini Josefa! Ko, baba vangu vachiri vapenyu here?” Asi hama dzake hadzina kugona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.
ויאמר יוסף אל אחיו גשו נא אלי ויגשו ויאמר אני יוסף אחיכם אשר מכרתם אתי מצרימה 4
Ipapo Josefa akati kuhama dzake, “Swederai henyu kwandiri.” Vakati vaita izvozvo, akati, “Ndini Josefa hama yenyu, wamakatengesa kuIjipiti!
ועתה אל תעצבו ואל יחר בעיניכם כי מכרתם אתי הנה כי למחיה שלחני אלהים לפניכם 5
Uye zvino, musatambudzika uye musazvitsamwira nokuda kwokuti makanditengesa kuno, nokuti Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndigoponesa upenyu hwavanhu.
כי זה שנתים הרעב בקרב הארץ ועוד חמש שנים אשר אין חריש וקציר 6
Nokuti pava namakore maviri zvino nzara yava munyika, uye makore mashanu ari kutevera kuchange kusingarimwi kana kukohwewa.
וישלחני אלהים לפניכם לשום לכם שארית בארץ ולהחיות לכם לפליטה גדלה 7
Asi Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndikuchengeterei vanosara panyika uye kuti ndiponese upenyu hwenyu nokusunungurwa kukuru.
ועתה לא אתם שלחתם אתי הנה כי האלהים וישימני לאב לפרעה ולאדון לכל ביתו ומשל בכל ארץ מצרים 8
“Saka zvino, hamusimi makandituma kuno, asi Mwari. Akandiita baba kuna Faro, ishe weimba yake yose nomutongi weIjipiti yose.
מהרו ועלו אל אבי ואמרתם אליו כה אמר בנך יוסף שמני אלהים לאדון לכל מצרים רדה אלי אל תעמד 9
Zvino kurumidzai mudzokere kuna baba vangu mundoti kwavari, ‘Zvanzi nomwanakomana wenyu Josefa: Mwari akandiita ishe weIjipiti yose. Burukai muuye kwandiri; musanonoka.
וישבת בארץ גשן והיית קרוב אלי--אתה ובניך ובני בניך וצאנך ובקרך וכל אשר לך 10
Muchandogara munyika yeGosheni muve pedyo neni, imi, vana venyu navazukuru venyu, zvipfuwo zvenyu nemombe dzenyu nezvose zvamunazvo.
וכלכלתי אתך שם כי עוד חמש שנים רעב פן תורש אתה וביתך וכל אשר לך 11
Ndichakuriritirai ikoko, nokuti mamwe makore mashanu enzara ari kuuya. Kana zvikasadaro imi neveimba yenyu navose vamunavo mungazova varombo.’
והנה עיניכם ראות ועיני אחי בנימין כי פי המדבר אליכם 12
“Muri kuzvionera pachenyu, uye kana mununʼuna wangu uyu Bhenjamini, kuti ndini chaiye ari kutaura nemi.
והגדתם לאבי את כל כבודי במצרים ואת כל אשר ראיתם ומהרתם והורדתם את אבי הנה 13
Muudze baba vangu pamusoro pokukudzwa kwangu muIjipiti uye napamusoro pezvinhu zvose zvamaona. Uye muuye nababa vangu kuno nokukurumidza.”
ויפל על צוארי בנימן אחיו ויבך ובנימן--בכה על צואריו 14
Ipapo akawira pamutsipa womununʼuna wake Bhenjamini akachema, uye Bhenjamini akamumbundikirawo achichema.
וינשק לכל אחיו ויבך עלהם ואחרי כן דברו אחיו אתו 15
Uye akatsvoda madzikoma ake ose uye akachema pamusoro pavo. Shure kwaizvozvo, madzikoma ake akataura naye.
והקל נשמע בית פרעה לאמר באו אחי יוסף וייטב בעיני פרעה ובעיני עבדיו 16
Shoko rakati rasvika kumuzinda waFaro kuti madzikoma aJosefa akanga auya, Faro namachinda ake ose vakafara.
ויאמר פרעה אל יוסף אמר אל אחיך זאת עשו טענו את בעירכם ולכו באו ארצה כנען 17
Faro akati kuna Josefa, “Taurira hama dzako uti, ‘Itai izvi: Takudzai zvipfuwo zvenyu mudzokere kunyika yeKenani,
וקחו את אביכם ואת בתיכם ובאו אלי ואתנה לכם את טוב ארץ מצרים ואכלו את חלב הארץ 18
mundouya nababa venyu uye nemhuri kuno kwandiri. Ndichakupai nyika yakaisvonaka yeIjipiti uye mugofara nezvakakora zvenyika.’
ואתה צויתה זאת עשו קחו לכם מארץ מצרים עגלות לטפכם ולנשיכם ונשאתם את אביכם ובאתם 19
“Iwe unorayirwawo kuti uvaudze kuti, ‘Itai izvi: Torerai vana navakadzi venyu dzimwe ngoro dzinobva muIjipiti uye mundotora baba venyu mugodzoka.
ועינכם אל תחס על כליכם כי טוב כל ארץ מצרים לכם הוא 20
Musafunganya henyu nezvenhumbi dzenyu, nokuti zvakaisvonaka zvose zveIjipiti zvichava zvenyu.’”
ויעשו כן בני ישראל ויתן להם יוסף עגלות על פי פרעה ויתן להם צדה לדרך 21
Saka vanakomana vaIsraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvakanga zvarayirwa naFaro, uye akavapawo mbuva yorwendo rwavo.
לכלם נתן לאיש חלפות שמלת ולבנימן נתן שלש מאות כסף וחמש חלפת שמלת 22
Akapa mumwe nomumwe wavo nguo itsva, asi akapa Bhenjamini mazana matatu amashekeri esirivha nenguo shanu dzokupfeka.
ולאביו שלח כזאת עשרה חמרים נשאים מטוב מצרים ועשר אתנת נשאת בר ולחם ומזון לאביו--לדרך 23
Uye izvi ndizvo zvaakatumira kuna baba vake: Mbongoro hono gumi dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, nembongoro hadzi gumi dzakanga dzakatakura zviyo nechingwa nezvimwe zvembuva yorwendo.
וישלח את אחיו וילכו ויאמר אלהם אל תרגזו בדרך 24
Ipapo akaendesa hama dzake uye pavakanga voenda akati kwavari, “Musakakavadzana munzira!”
ויעלו ממצרים ויבאו ארץ כנען אל יעקב אביהם 25
Saka vakabuda muIjipiti uye vakaenda vakandosvika kuna baba vavo Jakobho kunyika yeKenani.
ויגדו לו לאמר עוד יוסף חי וכי הוא משל בכל ארץ מצרים ויפג לבו כי לא האמין להם 26
Uye vakati kwavari, “Josefa mupenyu! Uye ndiye mutongi weIjipiti yose.” Jakobho akati rukutu; haana kuvatenda.
וידברו אליו את כל דברי יוסף אשר דבר אלהם וירא את העגלות אשר שלח יוסף לשאת אתו ותחי רוח יעקב אביהם 27
Asi pavakavaudza zvose zvakanga zvarehwa naJosefa kwavari, uye paakaona ngoro dzakanga dzatumirwa kwavari naJosefa kuti dzizovatakura, mweya wababa wavo Jakobho wakamutsiridzwa.
ויאמר ישראל רב עוד יוסף בני חי אלכה ואראנו בטרם אמות 28
Uye Israeri akati, “Ndagutsikana! Mwana wangu Josefa achiri mupenyu. Ndichaenda kundomuona ndisati ndafa.”

< בראשית 45 >