< Luka 4 >

1 Jesus den gbie yeni m tagŋanmi, k u den ñani jurdeni bɔnga nni k l tagiŋanba tod'o k u gedi u fanfanpiegun nni.
Zvino Jesu azere neMweya Mutsvene wakadzoka achibva paJoridhani, akatungamirirwa neMweya kurenje,
2 Naani ke sitaani bign'o dan piina. U den ki dii l ba l dana. L yogu n pend i k m kom cu'o.
achiidzwa nadhiabhorosi mazuva makumi mana. Uye wakange asingadyi chinhu nemazuva iwayo; zvino akati apera pakupedzisira akazonzwa nzara.
3 Sitaani maadi Jesus: l ya tie ka tie u tienu biga, cab k l tanli n kpandi m jiem.
Zvino dhiabhorosi akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, udza ibwe iri kuti rive chingwa.
4 Jesus ŋmian'o l diani u tienu kaddaaog nni k nul k fo m jiem po baba ka
Jesu akamupindura, achiti: Kwakanyorwa kuti: Munhu haangararami nechingwa chete, asi neshoko rimwe nerimwe raMwari.
5 den duon'o pol. K waan'o u tienu diema yala n tie g tinga ne k maad'o.
Dhiabhorosi ndokumutungamidza pagomo refu, akamuratidza ushe hwese hwenyika nenguva diki-diki.
6 ba tena ya paalu baa tie u tienu diema piam kul yaal ntie l ŋandul kaan k dugn l kul den ye n nugun yo k bua ten mi bua yua.
Dhiabhorosi ndokuti kwaari: Simba iri rese ndichakupa nekukudzwa kwahwo, nokuti ndakaripiwa ini, uye ndinoripa ani nani wandinoda.
7 wani a ya tuo ki gbaani n nintuali ni l kul baa tie a yaal i.
Naizvozvo iwe kana ukandinamata pamberi pangu, zvese zvichava zvako.
8 Guani ki maad'o: ya dondi a yonmdaano u Tienu. Wan badba i ka b pug'o.
Jesu akapindura akati kwaari: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe, Mwari wako, uye umushumire iye ega.
9 gedi yen'o hal Jerusalemi k duon'o u jaanddiegu tanpolu k maad'o: a ya tie u Tienu bijua yugi k ŋa a ba m fanfanma nni k dugn i l diani:
Akamutungamirira kuJerusarema, akamuisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano;
10 k u bu cabi meleki nba ban yaa guu ŋa.
nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Acharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;
11 l guan. b bu ŋa yeni b nugi k tanli kan gbebi ba tanyeli.
uye: Pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.
12 K Jesus ŋmia i: l gɔ diani. A kan niini k bigni o yonmdaano u Tienu.
Jesu achipindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe Mwari wako.
13 Ya yognu k sitaan den gbeni o bignma kuli k u sani k fagdi k ban bo bil ya yognu pudi.
Dhiabhorosi akati apedza muedzo wese, akabva kwaari kusvikira pane imwe nguva.
14 Jesus bo ye yeni fuoŋanba paalui k lebdi Galile ko yeli doni diema kuli nni.
Zvino Jesu wakadzokera kuGarirea nesimba reMweya; mukurumbira maererano naye ukabudira kudunhu rese rakapoteredza.
15 K tundi u tienu ñɔmaama a jaandiena nni k b niba dond'o.
Iye ndokudzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa nevese.
16 K gedi nasareti dogu nni ban bo ŋub 'o naani k kua l jaandieli saba daali. nani wan bo tug g tie maama. k fii k bo cogi tienu ñɔmaama tili.
Akasvika paNazareta, paakange arerwa; netsika yake wakapinda musinagoge nemusi wesabata, akasimuka kuti averenge.
17 K bi waan'o u tienu tondo isai tili wan pɔbidi l tili ko la naan kani k b diani k:
Akapiwa rugwaro rwemuporofita Isaya. Zvino wakati azarura rugwaro, akawana nzvimbo pakange pakanyorwa kuti:
18 M yomdano fomnŋanb ye n po kelima u lugdn ki sɔgni kpaŋanba k bo muadi o ñɔmaama i cacagi danba k gɔ paagi yaaba pala biidi k yaaba tie juanma n nuali, k fie b cacagdama.
Mweya waIshe uri pamusoro pangu, naizvozvo wakandizodza, kuti ndiparidzire evhangeri kuvarombo; wakandituma kuti ndiporese vakaputsika pamoyo, kuparidza kusunungurwa kuna vakatapwa, nekuona kumapofu, ndisunungure vakatsikirirwa,
19 k gɔ muadi u tienu ŋanba binl
kudanidzira gore rakanaka raIshe.
20 K u pɔbini l tili k teni o naacenba k gedi kali. U jaanddiieogu nni k a nubina kuli fid o po.
Akapeta rugwaro, akadzosera kumuranda, akagara pasi; meso avese vaiva musinagoge akamutarisisa.
21 Dinne mɔno u bu cili yinm yaa song'o yeni kani u tienu tondo ñɔmaama tie mɔni.
Zvino akatanga kuti kwavari: Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.
22 yaab den song'o kul lden cuo'b u yaalidigu. K b tɔb maadi ki waa tie Josefi bijua kaa?
Vese vakamupupurira, vakashamisika nemashoko enyasha akabuda mumuromo make, vakati: Uyu haasi mwanakomana waJosefa here?
23 k jesus maadi bi: n bani ki bo puan i m makpanjama dogda dogd a ba ama e bia bomaadi maad'ti ŋan tienii yaala kaperinahumin dogu nni. ŋan gɔ tieni n yeni a dogun i k ti diidi.
Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura kwandiri dimikira iri: Murapi, zvirape iwe; zvese zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, zviitewo muno munyika yekwako.
24 K jesus pugn ama e mɔni baa bani k pagi u tienu tuonsɔnlo u dogu nni.
Iye ndokuti: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakuna muporofita anogamuchirwa munyika yekwake.
25 E mɔni ke maadi yi a pakuana den yabi boncianli Isaraheli dogu nni Eli yogu. lan ya yogu i ke taagi bo ba binataa yen bɔgidima. k m koncianma ba u dogu kuli nni.
Asi chokwadi ndinoti kwamuri: Chirikadzi zhinji dzaivako kuna Israeri pamazuva aEria, apo denga rakavharwa kwemakore matatu nemwedzi mitanhatu, zvekuti kwakava nenzara huru panyika yese;
26 ama den sɔno'a ba pakua yedi kani k cedi b den t sɔn'o yendi kani k u den ye Sarepta Sidon dogun nni. a i.
asi Eria haana kutumwa kune umwe wavo, kunze kwekuSarepita yeSidhoni, kumukadzi chirikadzi.
27 A gbaada den ye ki yabi Isaraheli dogu nni u tienu tuonsɔnlo Eli yogu. Ama ki baa bo paagi baa yedi. B bo paagi Sirija i ku yeli tie Naamani
Uye vane maperembudzi vazhinji vaivako kuna Israeri panguva yemuporofita Erisha; asi hakuna umwe wavo wakanatswa, kunze kwaNaamani muSiriya.
28 I yaabi den songi Jesus k ye l jaandieli n k kuli pala den biidi
Ipapo vese vakange vari musinagoge vakazara nehasha, vachinzwa zvinhu izvi.
29 b nubi kuli den fii k tudu Jesus k ñan'o hali l juali po l jaandieli n maa naan yeni k bi tud'o k lu'o tinga nni
Ndokusimuka, vakamusundidzira kunze kweguta, vakauya naye kusvika pamawere pegomo, pakange pakavakwa guta ravo, kuti vamuposhere pasi.
30 Jesus n den ñan b siiga nni k paani k caa Jesus den tieni i tundi yeni u tebigu Kafarnahumi.
Asi iye wakapfuura nepakati pavo akaenda.
31 Den gedi Kaperinahomi galile dogu nni ki tieni i tundi ba u tiemu ñɔmaama po saba daali.
Wakabva aburukira Kapenaume, guta reGarirea; uye aivadzidzisa nemasabata.
32 Yaaba den songi pala den mangi boncianli kelima u den yeni yikodi.
Vakashamisika nedzidziso yake, nokuti shoko rake rakange rine simba.
33 O ja den ye l jaandieli nni ki t tagbiid yeni mu cicibiadimu den cedi k o yign i yen paalu
Zvino musinagoge makange mune munhu aiva ane mweya wedhimoni retsvina; ukadanidzira nenzwi guru,
34 O a bua tien 'ti be ne, a cua k ŋan bianti yaa? U tienu nuŋanmo tondo.
ukati: Regai! Tinei nemwi Jesu muNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.
35 Ama k Jesus tiani yeni pabieli k maadi suon i k ña o ja ne gbanu nni. k t cicibiid yeni fuun'o k lun'o tinga b niba siiga k waa janbi ama k ñani u po.
Zvino Jesu akautsiura, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Dhimoni rakati ramuwisira pakati, rikabuda kwaari, risina kumukuvadza.
36 k l yogu k ti jawaandi kua b niba, k b maadi b lieba. Lan ñɔmaam tue be i k pia u paalu yen yikodi k yi beli i cicibiadi ban saa ña i!
Kushamisika kukavasvikira vese, vakataurirana pachavo, vachiti: Ishoko ripi iri? Nokuti nesimba nechikuriri anoraira mweya yetsvina, ikabuda.
37 ke Jesus yeli doni kaankul a dongbana nni.
Mukurumbira maererano naye ukabuda kunzvimbo dzese dzedunhu rakapoteredza.
38 Jesus n den ñani l jaandieli kan u den gedi Simo deni k sua k Simo juado ye yeni u gbanantogu, k b buali k b mia Jesus k wan tieni l bonli k paa'o
Zvino wakasimuka akabuda musinagoge, akapinda mumba maSimoni; zvino mai vemukadzi waSimoni vakange vakabatwa nefivhiri huru; vakamukumbirira kwaari.
39 k Jesus tibn i o po k cedi ko yugbaagu ñani u po. k o fii l yogu k cil suani u tienu tuona.
Zvino akakotamira pamusoro pavo, akatsiura fivhiri, ikavarega; uye pakarepo vakasimuka vakavashandira.
40 O yienu n den baa ya yogu yaaba den pia b yianba b den po, b den ba yenmi Jesus kani k u yi e nui yua kul po wan paagi.
Zvino zuva rakati rovira, vese vaiva nevarwere vezvirwere zvakasiyana-siyana vakavauisa kwaari; akaisa maoko pamusoro peumwe neumwe wavo akavaporesa.
41 I cicibiadi den ña boncianli b ssiga nni, k yigini. A tie u tienu bijua i. Ama k Jesus yi tiani ban gɔ suono kelima b den bandi k u tie Kristo.
Nemadhimoni akabuda kuvazhinji, achidanidzira achiti: Imwi muri Kristu Mwanakomana waMwari. Akaatsiura akasaatendera kutaura, nokuti akange achiziva kuti ndiKristu.
42 Lden fandi ya yogu k Jesus ñani o deni k gedi u fanfanpiegu nni. k b niba cil k kpaan; o ban t la'o k gedi o kani kaa ji bua ko seedi ŋaab'a.
Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kunzvimbo yerenje, zvaunga zvikamutsvaka, zvikauya kwaari, zvikamudzivirira kuti arege kubva kwazviri.
43 Ama k u maadi bi: l tie taladi min min muandi u tienu labanŋanli dogban tiana nni. Kelima lan yaa po i k u tienu sɔn n i.
Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira evhangeri yeushe hwaMwari kumamwe magutawo; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.
44 k ji tundi u tienu labamanli Jude jaandiel nni.
Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.

< Luka 4 >