< 1 Chronik 12 >

1 Dies sind die, die zu David nach Siklag kamen, als er von dem Kissohne Saul verjagt war. Auch sie gehörten zu den Helden, als Helfer im Kampfe,
Ava ndivo varume vakauya kuna Dhavhidhi paZikiragi achakavanda nokuda kwaSauro mwanakomana waKishi; uye ndivo vamwe vavarwi vakamubatsira muhondo.
2 bogenbewaffnet, geschickt, mit der Rechten und Linken Steine und Pfeile mit dem Bogen zu schleudern. Von den Benjaminiten, Sauls Brüdern,
Vakanga vapakata uta uye vaigona kupfura miseve nezvimviriri noruoko rworudyi kana rworuboshwe; vaiva hama dzaSauro dzokurudzi rwaBhenjamini.
3 der Hauptmann Achiezer und Joas, des Gibeatiters Semaa Söhne, ferner Jeziel und Pelet, Azmavets Söhne, Beraka und der Anatotiter Jehu,
Ahiezeri, mukuru wavo, naJoashi, vanakomana vaShemaya muGibheati; Jezieri naPereti vanakomana vaAzimavheti; Bheraka, Jehu muAnatoti,
4 der Gibeoniter Ismaja, ein Held unter den Dreißig und der Dreißig Anführer,
naIshimaya muGibheoni, aiva mhare pakati paMakumi Matatu; aiva mutungamiri waMakumi Matatu; Jeremia, Jahazieri, Johanani; Jozabadhi muGedherati,
5 Jeremia, Jachaziel, Jochanan, der Gederatiter Jozabad,
Eruzai, Jerimoti, Bhearia, Shemaria naShafatia muHarufi;
6 Eluzai, Jerimot, Bealja, Semarja, der Chariphiter, Sephatja,
Erikana, Ishiya, Azareri, Joezeri naJashobheami vaKorahi;
7 Elkana, Issia, Azarel, Joezer und Josbam, die Korachiter,
naJoera naZebhadhia vanakomana vaJehoramu vaibva kuGedhori.
8 und Joela und Zebadja, Jerochams Söhne aus Gedor.
Vamwe vaGadhi vakazvitsaurawo vakaenda kwaiva naDhavhidhi kunhare yake kurenje. Vaiva varwi vakashinga, vakagadzirira kurwa uye vaigona kubata nhoo nepfumo. Zviso zvavo zvaiva zviso zveshumba, uye vaimhanya semharapara mumakomo.
9 Auch von den Gaditen gingen tapfere Männer zu David auf die Feste in der Wüste, kampfgerüstete Krieger, die Schild und Lanze führten, wie Löwen anzusehen und schnellfüßig wie Gazellen auf den Bergen:
Ezeri ndiye aiva mukuru, Obhadhia ari wechipiri, Eriabhi ari wechitatu,
10 Ezer, der Hauptmann Obadia, der zweite, Eliab, der dritte,
Mishimana wechina, Jeremia wechishanu,
11 Mismatina, der vierte, Jerema, der fünfte,
Atai wechitanhatu, Erieri wechinomwe,
12 Attai, der sechste, Eliel, der siebte,
Johanani worusere, Erizabhadhi wechipfumbamwe,
13 Isanan, der achte, Elzabad, der neunte,
Jeremia wegumi naMakibhanai wegumi nomumwe.
14 Jeremia, der zehnte, Makbannai, der elfte.
VaGadhi ava ndivo vaiva vatungamiriri vamauto, mudiki ainge akaenzana nezana, uye mukuru ainge akaenzana nechiuru.
15 Diese sind aus Gads Söhnen die Heerführer. Der geringste nahm es mit hundert und der größte mit tausend auf.
Ivava ndivo vaya vakayambuka Jorodhani mumwedzi wokutanga parwainge rwakazara nokumahombekombe uye vakaita kuti vanhu vose vaigara mumipata, kumabvazuva nokumavirira, vatize.
16 Diese waren es, die den Jordan im ersten Monat überschritten, als er durch alle seine Nebenzuflüsse voll war. Und sie durchzogen alle Täler in Ost und West.
Vamwe vaBhenjamini navamwe varume vaibva kuJudha vakauyawo kuna Dhavhidhi munhare yake.
17 Etliche kamen selbst von Benjamin und Juda zur Feste Davids.
Dhavhidhi akaenda kundosangana navo akati kwavari, “Kana mauya kwandiri norugare, kuzondibatsira, ndakagadzirira kuti mubatane neni. Asi kana mauya kuzonditengesa kuvavengi vangu iwo maoko angu asina kuita zvechisimba, Mwari wamadzibaba edu ngaazvione uye akutongei.”
18 Da ging David zu ihnen hinaus und sprach sie an: "Kommt ihr zu mir in Frieden, mir beizustehen, dann vereinige ich mich von Herzen mit euch. Kommt ihr aber, mich an meine Feinde zu verraten, obschon kein Unrecht an meinen Händen klebt, so sehe unserer Väter Gott darein und räche es!"
Ipapo Mweya wakauya pana Amasi mukuru waMakumi Matatu akati, “Haiwa Dhavhidhi, tiri vako! Haiwa mwanakomana waJese, tinewe! Kubudirira, kubudirira ngakuve kwauri, uye kubudirira ngakuve kuna vanokubatsira nokuti Mwari wako achakubatsira.” Saka Dhavhidhi akavagamuchira akavaita vatungamiri veboka ravarwi vake.
19 Da hatte ein Geist den Obersten der Drei eingehüllt, Amasai. Er sprach: "Dir, David, und deinem Volke, Isaisohn, sei Heil! Dir sei Heil und deinen Helfern! Denn dein Gott hilft dir." Da nahm sie David auf und machte sie zu Hauptleuten der Kriegerschar.
Vamwe varume vokwaManase vakabatana naDhavhidhi paakaenda navaFiristia kundorwisa Sauro. Iye navanhu vake havana kubatsira vaFiristia nokuti, vapedza kubvunzana, vatongi vavo vakamudzosa vakati, “Zvichatiurayisa kana akazotitiza akandobatana namambo wake Sauro.”
20 Auch von Manasse gingen etliche zu David über, als er mit den Philistern gegen Saul in den Kampf zog. Aber diesen half er nicht. Denn die Philisterfürsten hatten ihn absichtlich fortgeschickt; sie sagten: "Er kann mit unseren Köpfen zu seinem Herrn Saul übergehen."
Dhavhidhi paakaenda kuZikiragi, ava ndivo vaiva varume vokwaManase vakabatana naye: Adhina, Jozabhadhi, Jedhieri, Mikaeri, Jozabhadhi, Erihu naZiretai, vatungamiri vemapoka echiuru muna Manase.
21 Als er nach Siklag zog, gingen von Manasse zu ihm über: Adnach, Jozabad, Jediael, Mikael, Jozabad, Elihu und Silletai, die Häupter der Tausend Manasses.
Vakabatsira Dhavhidhi paairwisana namapoka amakororo, nokuti vose vakanga vari varwi vakashinga uye vaiva vatungamiri muhondo yake.
22 Diese halfen David bei der Kampfstellung. Denn sie waren alle tapfere Männer. Sie wurden auch Anführer im Heere.
Zuva nezuva varume vakauya kuzobatsira Dhavhidhi kusvikira ava nehondo huru kwazvo, sehondo yaMwari.
23 Denn Tag für Tag kamen Leute zu David, ihm zu helfen, bis das Heer groß geworden war wie ein Gottesheer.
Uku ndiko kuwanda kwavarume vakanga vakapakata zvombo kuti vandorwa, vakauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni kuti vatore umambo hwaSauro vahupe kwaari, sezvazvakanga zvarehwa naJehovha:
24 Dies ist die Zahl des Heerbannes, der zu David nach Hebron kam, um ihm Sauls Königtum nach des Herrn Befehl zu übertragen:
Varume vokwaJudha vakanga vakapakata nhoo namapfumo vaiva zviuru zvitanhatu namazana masere uye akapakata zvombo kuti vandorwa;
25 Judas Söhne, die Schild und Lanze trugen, 6.800 zum Kriegszug Gerüstete,
varume vokwaSimeoni, varwi vakanga vakagadzirira kundorwa vaiva zviuru zvinomwe nezana;
26 von den Simeonsöhnen 7.100 tapfere Kriegsleute,
varume vokwaRevhi zviuru zvina namazana matanhatu,
27 Von den Levisöhnen 4.600
pamwe chete naJehoyadha, mutungamiri wemhuri yaAroni aiva navarume zviuru zvitatu namazana manomwe,
28 samt dem Aaronsfürsten Jojada, bei dem 3.700 waren,
naZadhoki, murwi wechidiki aiva akashinga, navakuru vamapoka makumi maviri navaviri kubva kumhuri yake;
29 und samt Sadok, einem tapferen Jüngling, dessen Familie zweiundzwanzig Anführer stellte.
varume vokwaBhenjamini, hama dzaSauro vaiva zviuru zvitatu vazhinji vavo vakanga vamboramba vachitevera Sauro kusvikira musi uyu;
30 Von den Söhnen Benjamins, Sauls Brüdern, 3.000. Bis dahin hatte die Mehrzahl von ihnen den Wachdienst für Sauls Haus gestellt.
varume vokwaEfuremu varwi vakashinga vaiva nomukurumbira kwazvo kumhuri dzavo vaiva zviuru makumi maviri namazana masere;
31 Von den Söhnen Ephraims 20.800 tapfere, in ihren Familien hochangesehene Männer.
varume vokuhafu yorudzi rwaManase vakadanwa namazita avo kuti vauye vazogadza Dhavhidhi umambo vaiva zviuru gumi nezvisere;
32 Vom Halbstamme Manasse 18.000, die namentlich bezeichnet waren, hinzugeben und David zum König zu machen.
varume vokwaIsakari vainzwisisa nguva uye vaiziva kuti Israeri yaifanira kuitei, vaiva vakuru mazana maviri nehama dzavo dzose dzaiva pasi pavo;
33 Von den Söhnen Issakars, die Einsicht in die Zeitläufte hatten, so daß sie wußten, was Israel tun sollte, 200 Hauptleute, samt allen ihren Brüdern unter ihrem Befehl.
varume vokwaZebhuruni, varwi vaiziva, vakanga vakagadzirira kurwa nezvombo zvemhando dzose, vakauya kuzobatsira Dhavhidhi nomwoyo wakaperera, vaiva zviuru makumi mashanu;
34 Von Zabulon 50.000 Kriegstüchtige, mit allerlei kriegerischen Waffen ausgestattet; bereit, sich einzuordnen.
varume vokwaNafutari vaiva chiuru chavakuru vamapoka, pamwe chete nezviuru makumi matatu nezvinomwe zvavarume vakanga vakatakura nhoo namapfumo;
35 Von Naphtali 1.000 Anführer; sie hatten 37.000 Mann mit Schild und Speer bei sich.
varume vokwaDhani, vakanga vakagadzirira kurwa, zviuru makumi maviri nezvisere namazana matanhatu;
36 Von den Daniten 28.600 Kampfgerüstete.
varume vokwaAsheri, vakanga vane unyanzvi hwokurwa uye vakagadzirira kurwa, vaiva zviuru makumi mana;
37 Von Asser 40.000 Kriegstüchtige, bereit, Krieg zu führen,
uye kubva kumabvazuva aJorodhani, varume vokwaRubheni, Gadhi nehafu yorudzi rwaManase vakanga vakapakata zvombo zvemhando dzose, vaiva zviuru zana namakumi maviri.
38 und von jenseits des Jordans, von den Rubeniten, den Gaditen und dem Halbstamme Manasse 120.000 mit allerlei Kriegswaffen.
Ava vose vaiva varume vokurwa vakazvipira kundorwa. Vakauya paHebhuroni vakagadzirira zvizere kuzogadza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri. Vamwe vaIsraeri vose vaiva nomwoyo mumwe chete wokuti vaite Dhavhidhi mambo.
39 Alle diese Kriegsleute, in Reihen geordnet, kamen einmütig nach Hebron, David zum König über ganz Israel zu machen. Auch das ganze übrige Israel war ungeteilten Herzens dabei, David zum König zu machen.
Varume vakagara mazuva matatu ipapo vaina Dhavhidhi vachidya uye vachinwa nokuti mhuri dzavo dzainge dzavavigira zvokudya.
40 Sie blieben dort bei David drei Tage, aßen und tranken. Denn ihre Brüder hatten für sie zugerichtet. Auch die ihnen nahe wohnten, bis nach Issakar, Zabulon und Naphtali hin, brachten Brot auf Eseln, Kamelen Maultieren und Rindern, Mehlspeisen, Feigen und Rosinenkuchen, Wein, Öl, Rinder und Schafe in Menge; denn Jubel herrschte in Israel.
Uyewo, vavakidzani vavo vokure kwazvo kunyange kwaIsakari, kwaZebhuruni nokwaNafutari vakauya nezvokudya zviri pambongoro, ngamera, manyurusi nenzombe. Pakanga paine zvokudya zvizhinji kwazvo zvaiti upfu, makeke amaonde, makeke amazambiringa akaoma, waini, mafuta, nzombe, namakwai nokuti mufaro wakanga uripo pakati peIsraeri.

< 1 Chronik 12 >