< Luc 7 >

1 Après avoir achevé de parler à l'oreille du peuple, il entra dans Capernaüm.
Zvino wakati apedza mashoko ake ese munzeve dzevanhu, akapinda muKapenaume.
2 Le serviteur d'un centurion, qui lui était cher, était malade et sur le point de mourir.
Zvino muranda weumwe mukuru wezana, waiva akakosha kwaari, wakange achirwara, achitandadza.
3 Ayant entendu parler de Jésus, il lui envoya des anciens des Juifs, le priant de venir sauver son serviteur.
Zvino wakati anzwa zvaJesu, akatuma kwaari vakuru veVaJudha, achikumbira kuti auye aporese muranda wake.
4 Lorsqu'ils arrivèrent auprès de Jésus, ils le supplièrent instamment en disant: « Il est digne que tu fasses cela pour lui,
Zvino ivo vakati vachisvika kuna Jesu, vakamukumbirisa zvikuru, vachiti: Wakafanira kuti mumuitire izvozvi;
5 car il aime notre nation, et c'est pour nous qu'il a bâti notre synagogue. »
nokuti anoda rudzi rwedu, uye ndiye wakativakira sinagoge.
6 Jésus alla avec eux. Comme il n'était plus très loin de la maison, le centurion lui envoya des amis pour lui dire: « Seigneur, ne te tourmente pas, car je ne suis pas digne que tu viennes sous mon toit.
Zvino Jesu akaenda navo. Zvino apo akange asisiri kure neimba, mukuru wezana akatuma shamwari kwaari, achiti kwaari: Ishe, musazvitambudza; nokuti handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga reimba yangu;
7 C'est pourquoi je ne me suis même pas cru digne de venir te voir; mais dis la parole, et mon serviteur sera guéri.
naizvozvo handina kutongofunga ini pachangu ndakafanira kuuya kwamuri; asi taurai neshoko, muranda wangu achaporeswa.
8 Car moi aussi, je suis un homme placé sous autorité, ayant sous mes ordres des soldats. Je dis à l'un: « Va », et il va; à un autre: « Viens », et il vient; à mon serviteur: « Fais ceci », et il le fait ».
Nokuti iniwo ndiri munhu wakaiswa pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; ndinoti kune uyu: Enda, anoenda; uye kune umwe: Uya, anouya; nekumuranda wangu: Ita ichi, achiita.
9 En entendant ces choses, Jésus s'étonna de lui, puis il se retourna et dit à la foule qui le suivait: « Je vous le dis, je n'ai pas trouvé une si grande foi, pas même en Israël. »
Jesu wakati anzwa zvinhu izvi, akashamisika naye, akatendeuka, akati kuchaunga chaimutevera: Ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri.
10 Ceux qui avaient été envoyés, étant retournés à la maison, trouvèrent que le serviteur qui avait été malade était guéri.
Zvino avo vakange vatumwa vodzokera kumba vakawana muranda airwara ava mutano.
11 Peu après, il se rendit dans une ville appelée Naïn. Plusieurs de ses disciples, ainsi qu'une grande foule, l'accompagnèrent.
Zvino zvakaitika zuva raitevera, kuti wakaenda kuguta rainzi Naini; zvino vazhinji vevadzidzi vake nechaunga chikuru vakaenda naye.
12 Comme il approchait de la porte de la ville, voici qu'on emportait un mort, fils unique de sa mère, qui était veuve. Beaucoup de gens de la ville étaient avec elle.
Zvino, wakati achiswedera pasuwo reguta, zvino tarira, mushakabvu achibudiswa kunze, mwanakomana umwe wega wamai vake, uye ivo vaiva chirikadzi; nechaunga chikuru cheguta chakange chinaye.
13 Le Seigneur, en la voyant, eut pitié d'elle et lui dit: « Ne pleure pas. »
Zvino Ishe wakati amuona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usachema.
14 Il s'approcha et toucha le cercueil, et les porteurs s'arrêtèrent. Il dit: « Jeune homme, je te le dis, lève-toi! »
Zvino akaswedera akabata hwanyanza; zvino vatakuri vakamira; akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka!
15 Celui qui était mort se redressa et se mit à parler. Puis il le confia à sa mère.
Mushakabvu akamuka ndokugara, akatanga kutaura; akamupa kuna mai vake.
16 Tous furent saisis de crainte et glorifièrent Dieu en disant: « Un grand prophète s'est levé parmi nous » et « Dieu a visité son peuple ».
Kutya ndokubata vese; vakarumbidza Mwari, vachiti: Muporofita mukuru wamuka pakati pedu; nekuti: Mwari washanyira vanhu vake.
17 Cette nouvelle se répandit à son sujet dans toute la Judée et dans toute la région environnante.
Zvino iri shoko maererano naye rikabudira muJudhiya rese nenharaunda yese yakapoteredza.
18 Les disciples de Jean lui racontèrent toutes ces choses.
Vadzidzi vaJohwani ndokumupira zvezvinhu izvozvi zvese.
19 Jean, ayant appelé à lui deux de ses disciples, les envoya vers Jésus, en disant: « Es-tu celui qui vient, ou devons-nous en chercher un autre? »
Johwani akadanira kwaari vamwe vaviri vevadzidzi vake, akavatuma kuna Jesu achiti: Imwi ndimwi anouya here, kana tichakataririra umwe?
20 Les hommes, s'étant approchés de lui, dirent: « Jean le Baptiseur nous a envoyés vers toi, pour dire: « Es-tu celui qui vient, ou devons-nous en chercher un autre? ».
Zvino varume vakati vasvika kwaari, vakati: Johwani Mubhabhatidzi watituma kwamuri achiti: Imwi ndimwi anouya here, kana titaririre umwe?
21 En cette heure-là, il guérit beaucoup de maladies, de fléaux et d'esprits mauvais, et il rendit la vue à beaucoup d'aveugles.
Zvino munguva iyoyo akaporesa vazhinji pazvifo neurwere, nepamweya yakaipa; nekumapofu mazhinji akapa kuona.
22 Jésus leur répondit: « Allez annoncer à Jean ce que vous avez vu et entendu: que les aveugles recouvrent la vue, que les boiteux marchent, que les lépreux sont purifiés, que les sourds entendent, que les morts ressuscitent, et que la bonne nouvelle est annoncée aux pauvres.
Zvino Jesu achipindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvamakaona nezvamakanzwa; zvekuti, mapofu anoonazve, vanokamhina vanofamba, vane maperembudzi vanonatsva, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa, varombo vanoparidzirwa evhangeri.
23 Heureux celui qui ne trouve en moi aucune occasion de chute! »
Uye wakaropafadzwa ani nani asingagumbuswi neni.
24 Lorsque les messagers de Jean furent partis, il se mit à dire à la foule, au sujet de Jean: « Qu'êtes-vous allés voir dans le désert? Un roseau secoué par le vent?
Zvino vatumwa vaJohwani vakati vabva, wakatanga kutaura kuzvaunga pamusoro paJohwani, achiti: Makabudira kurenje kunoonei? Rutsanga rwunozununguswa nemhepo here?
25 Mais qu'êtes-vous allés voir? Un homme vêtu d'un doux vêtement? Voici, ceux qui sont magnifiquement vêtus et qui vivent dans la délicatesse sont dans les cours des rois.
Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vari munguvo dzinobwinya, vachirarama zvakanaka, vari mudzimba dzemadzimambo.
26 Mais vous, qu'êtes-vous allés voir? Un prophète? Oui, je vous le dis, et bien plus qu'un prophète.
Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange anopfuura zvikuru muporofita.
27 C'est celui dont il est écrit, Voici que j'envoie mon messager devant toi, qui préparera ton chemin devant toi.
Uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake, zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako.
28 « Car je vous le dis, parmi ceux qui sont nés de femmes, il n'y a pas de plus grand prophète que Jean le Baptiseur; or, celui qui est le plus petit dans le Royaume de Dieu est plus grand que lui. »
Nokuti ndinoti kwamuri: Pakati pevakaberekwa nevakadzi, hakuna muporofita mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi; asi mudikisa muushe hwaMwari mukuru kwaari.
29 Quand tout le peuple et les publicains entendirent cela, ils déclarèrent que Dieu est juste, ayant été baptisés par le baptême de Jean.
Zvino vanhu vese nevateresi vakati vachizvinzwa vakati Mwari wakarurama, zvavakange vabhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwaJohwani.
30 Mais les pharisiens et les juristes rejetèrent le conseil de Dieu, n'ayant pas été eux-mêmes baptisés par lui.
Asi VaFarisi nenyanzvi dzemutemo vakaramba zano raMwari vachizvipikisa, vakasabhabhatidzwa naye.
31 " A quoi dois-je donc comparer les gens de cette génération? A quoi ressemblent-ils?
Asi Ishe akati: Zvino vanhu vezera iri ndichavafananidza nei? Vakafanana nei?
32 Ils ressemblent à des enfants qui, assis sur la place du marché, s'interpellent les uns les autres en disant: 'Nous avons sifflé pour vous, et vous n'avez pas dansé. Nous nous sommes lamentés, et vous n'avez pas pleuré.
Vakafanana nevana vadiki vagere pamisika vachidanidzirana vachiti: Takakuridzirai nyere asi hamuna kutamba, takakuririrai asi hamuna kuchema.
33 Car Jean le Baptiste n'est venu ni manger du pain ni boire du vin, et vous dites: « Il a un démon ».
Nokuti Johwani Mubhabhatidzi akauya asingadyi chingwa kana kunwa waini, zvino moti: Ane dhimoni;
34 Le Fils de l'homme est venu en mangeant et en buvant, et vous dites: « Voici un glouton et un ivrogne, l'ami des publicains et des pécheurs ».
Mwanakomana wemunhu wauya achidya, achinwa, zvino moti: Tarirai munhu wemakaro nemunwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi.
35 La sagesse est justifiée par tous ses enfants. »
Asi uchenjeri hunonzi hwakarurama nevana vahwo vese.
36 Un des pharisiens l'invita à manger avec lui. Il entra dans la maison du pharisien et se mit à table.
Zvino umwe weVaFarisi wakamukumbira kuti adye naye; akapinda mumba memuFarisi, akagara pakudya.
37 Et voici qu'une femme de la ville, qui était pécheresse, sachant qu'il était couché dans la maison du pharisien, apporta un vase d'albâtre rempli de parfum.
Zvino tarira, mukadzi muguta iro, waiva mutadzi, wakati aziva kuti agere pakudya mumba memuFarisi, akauya nechinu chearibhasiteri chechizoro.
38 Se tenant derrière à ses pieds en pleurant, elle se mit à mouiller ses pieds avec ses larmes, les essuya avec les cheveux de sa tête, baisa ses pieds et les oignit avec le parfum.
Akamira patsoka dzake mushure make achichema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akapukuta nevhudzi remusoro wake, ndokutsvoda tsoka dzake ndokudzizodza nechizoro.
39 Le pharisien qui l'avait invité, voyant cela, se dit: « Cet homme, s'il était prophète, aurait compris qui et quelle sorte de femme c'est qui le touche, que c'est une pécheresse. »
Zvino muFarisi wakange amudana wakati achizviona, akataura mukati make, achiti: Uyu dai aiva muporofita, angadai aiziva kuti ndiani, uye ndewakadini mukadzi anomubata, nokuti mutadzi.
40 Jésus lui répondit: « Simon, j'ai quelque chose à te dire. » Il a dit: « Maître, parle. »
Jesu ndokupindura akati kwaari: Simoni, ndine chekutaura kwauri. Iye ndokuti: Mudzidzisi, revai.
41 « Un certain prêteur avait deux débiteurs. L'un devait cinq cents deniers, et l'autre cinquante.
Kwakange kune vakwereti vaviri kune umwe mukweretesi; umwe wakange ane chikwereti chamadhenario mazana mashanu, uye umwe makumi mashanu.
42 Comme ils ne pouvaient pas payer, il leur a pardonné à tous les deux. Lequel d'entre eux donc l'aimera le plus? »
Vakati vasina chekuripisa, akavakanganwira vari vaviri. Naizvozvo ndeupi wavo, taura, achamuda kupfuura umwe?
43 Simon répondit: « Celui, je suppose, à qui il a pardonné le plus. » Il lui dit: « Tu as bien jugé. »
Simoni akapindura akati: Ndinofunga ndouyo waakakanganwira kupfuura umwe. Akati kwaari: Watonga zvakarurama.
44 Se tournant vers la femme, il dit à Simon: « Vois-tu cette femme? Je suis entré dans ta maison, et tu ne m'as pas donné d'eau pour mes pieds, mais elle a mouillé mes pieds avec ses larmes, et les a essuyés avec les cheveux de sa tête.
Zvino akatendeukira kumukadzi, akati kuna Simoni: Unoona mukadzi uyu here? Ndapinda mumba mako, mvura yetsoka dzangu hauna kundipa; asi uyu wanyorevesa tsoka dzangu nemisodzi, akapusika nevhudzi remusoro wake.
45 Tu ne m'as pas donné de baiser, mais elle, depuis que je suis entré, n'a pas cessé de baiser mes pieds.
Hauna kunditsvoda, asi iye chinguri chandapinda, haana kumira kutsvoda tsoka dzangu.
46 Tu n'as pas oint ma tête d'huile, mais elle a oint mes pieds de parfum.
Nemafuta musoro wangu hauna kuuzodza; asi iye wazodza tsoka dzangu nechizoro.
47 C'est pourquoi je vous dis que ses péchés, qui sont nombreux, sont pardonnés, car elle a beaucoup aimé. Mais celui à qui on pardonne peu, aime peu. »
Naizvozvo, ndinoti kwauri: Zvivi zvake zvizhinji zvakanganwirwa, nokuti wada zvikuru; asi anokanganwirwa zvishoma, anoda zvishoma.
48 Il lui dit: « Tes péchés sont pardonnés. »
Zvino akati kwaari: Zvivi zvako zvakanganwirwa.
49 Ceux qui étaient à table avec lui se mirent à dire en eux-mêmes: « Qui est celui-ci, qui pardonne même les péchés? »
Zvino avo vakange vagere pakudya naye vakatanga kureva mukati mavo, vachiti: Ndiani uyu anokanganwirawo zvivi?
50 Il dit à la femme: « Ta foi t'a sauvée. Va en paix. »
Akati kumukadzi: Rutendo rwako rwakuponesa; enda nerugare.

< Luc 7 >