< Yochanan 10 >

1 “Most certainly, I tell you, one who doesn’t enter by the door into the sheep fold, but climbs up some other way, is a thief and a robber.
“Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo.
2 But one who enters in by the door is the shepherd of the sheep.
Munhu anopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai.
3 The gatekeeper opens the gate for him, and the sheep listen to his voice. He calls his own sheep by name and leads them out.
Murindi anomuzarurira musuo, uye makwai anonzwa inzwi rake. Anodana makwai ake nezita agoatungamirira kunze.
4 Whenever he brings out his own sheep, he goes before them; and the sheep follow him, for they know his voice.
Kana achinge abudisa makwai ake ose, anofamba ari mberi kwawo, uye makwai ake anomutevera nokuti anoziva inzwi rake.
5 They will by no means follow a stranger, but will flee from him; for they don’t know the voice of strangers.”
Asi haatongoteveri mutorwa; asi anotomutiza nokuti haazivi inzwi romweni.”
6 Yeshua spoke this parable to them, but they didn’t understand what he was telling them.
Jesu akataura mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa zvaakanga achivaudza.
7 Yeshua therefore said to them again, “Most certainly, I tell you, I am the sheep’s door.
Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai.
8 All who came before me are thieves and robbers, but the sheep didn’t listen to them.
Vose vakanditangira vaiva mbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
9 I am the door. If anyone enters in by me, he will be saved, and will go in and go out and will find pasture.
Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro.
10 The thief only comes to steal, kill, and destroy. I came that they may have life, and may have it abundantly.
Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara.
11 “I am the good shepherd. The good shepherd lays down his life for the sheep.
“Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.
12 He who is a hired hand, and not a shepherd, who doesn’t own the sheep, sees the wolf coming, leaves the sheep, and flees. The wolf snatches the sheep and scatters them.
Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira.
13 The hired hand flees because he is a hired hand and doesn’t care for the sheep.
Munhu uyu anotiza nokuti mushandi zvake uye haana hanya namakwai.
14 I am the good shepherd. I know my own, and I’m known by my own;
“Ndini mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva,
15 even as the Father knows me, and I know the Father. I lay down my life for the sheep.
Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu.
16 I have other sheep which are not of this fold. I must bring them also, and they will hear my voice. They will become one flock with one shepherd.
Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete.
17 Therefore the Father loves me, because I lay down my life, that I may take it again.
Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve.
18 No one takes it away from me, but I lay it down by myself. I have power to lay it down, and I have power to take it again. I received this commandment from my Father.”
Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.”
19 Therefore a division arose again amongst the Judeans because of these words.
Ipapo vaJudha vakapesanazve nokuda kwamashoko aya.
20 Many of them said, “He has a demon and is insane! Why do you listen to him?”
Vazhinji vavo vakati, “Akabatwa nedhimoni uye anopenga. Seiko muchimuteerera?”
21 Others said, “These are not the sayings of one possessed by a demon. It isn’t possible for a demon to open the eyes of the blind, is it?”
Asi vamwe vakati, “Aya haangavi mashoko omunhu ane dhimoni. Ko, dhimoni ringasvinudza meso ousingaoni here?”
22 It was the Feast of Hanukkah at Jerusalem.
Ipapo Mutambo woKukumikidzwa kweTemberi paJerusarema wakasvika. Yainge iri nguva yechando,
23 It was winter, and Yeshua was walking in the temple, in Solomon’s porch.
uye Jesu akanga ari mutemberi achifamba mubiravira raSoromoni.
24 The Judeans therefore came around him and said to him, “How long will you hold us in suspense? If you are the Messiah, tell us plainly.”
VaJudha vakanga vakamukomba, vakati, “Ucharamba uchitinetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu, tiudze pachena.”
25 Yeshua answered them, “I told you, and you don’t believe. The works that I do in my Father’s name, these testify about me.
Jesu akapindura akati, “Ndakakuudzai, asi hamutendi. Zvishamiso zvandinoita muzita raBaba vangu zvinondipupurira,
26 But you don’t believe, because you are not of my sheep, as I told you.
asi hamutendi nokuti hamusi makwai angu.
27 My sheep hear my voice, and I know them, and they follow me.
Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera.
28 I give eternal life to them. They will never perish, and no one will snatch them out of my hand. (aiōn g165, aiōnios g166)
Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. (aiōn g165, aiōnios g166)
29 My Father who has given them to me is greater than all. No one is able to snatch them out of my Father’s hand.
Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu.
30 I and the Father are one.”
Ini naBaba tiri vamwe.”
31 Therefore the Judeans took up stones again to stone him.
VaJudha vakanongazve matombo kuti vamutake,
32 Yeshua answered them, “I have shown you many good works from my Father. For which of those works do you stone me?”
asi Jesu akati kwavari, “Ndakakuratidzai mabasa esimba mazhinji kubva kuna Baba. Nderipiko basa ipapa ramunoda kunditakira namabwe?”
33 The Judeans answered him, “We don’t stone you for a good work, but for blasphemy, because you, being a man, make yourself God.”
Vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa ripi zvaro ipapa, asi nokuda kwokumhura Mwari, nokuti iwe, munhuwo zvake, unozviti uri Mwari.”
34 Yeshua answered them, “Isn’t it written in your law, ‘I said, you are gods’?
Jesu akavapindura akati, “Ko, hazvina kunyorwa here muMurayiro wenyu, kuti ‘Ndakati muri vamwari’?
35 If he called them gods, to whom the word of God came (and the Scripture can’t be broken),
Kana akavaidza ‘vamwari,’ avo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye Rugwaro harungaputswi,
36 do you say of him whom the Father sanctified and sent into the world, ‘You blaspheme,’ because I said, ‘I am the Son of God’?
zvakadii kuno uyo akatsaurwa naBaba saiye wavo chaiye uye wavakatuma panyika? Seiko muchindipomera mhosva yokumhura, zvandati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari’?
37 If I don’t do the works of my Father, don’t believe me.
Musanditenda kana ndisina kuita zvinoitwa naBaba vangu.
38 But if I do them, though you don’t believe me, believe the works, that you may know and believe that the Father is in me, and I in the Father.”
Asi kana ndichizviita, kunyange dai musinganditendi, tendai mabasa esimba, kuti mugoziva uye mugonzwisisa kuti Baba vari mandiri, uye ini ndiri muna Baba.”
39 They sought again to seize him, and he went out of their hand.
Vakaedzazve kumubata, asi akavapunyuka.
40 He went away again beyond the Jordan into the place where Yochanan was immersing at first, and he stayed there.
Ipapo Jesu akayambuka Jorodhani kunzvimbo yakanga ichibhabhatidzira Johani pamazuva okutanga. Akagara ikoko
41 Many came to him. They said, “Yochanan indeed did no sign, but everything that Yochanan said about this man is true.”
uye vanhu vazhinji vakauya kwaari. Vakati, “Kunyange zvake Johani asina kumboita mabasa esimba, zvose zvakataurwa naJohani pamusoro pomurume uyu zvaiva zvechokwadi.”
42 Many believed in him there.
Uye panzvimbo iyo, vazhinji vakatenda kuna Jesu.

< Yochanan 10 >