< Acts 11 >

1 Now the emissaries and the brothers who were in Judea heard that the Gentiles had also received the word of God.
Vapostori nehama dzomuJudhea yose vakanzwa kuti vedzimwe ndudzi vakanga vagamuchirawo shoko raMwari.
2 When Peter had come up to Jerusalem, those who were of the circumcision contended with him,
Saka Petro akati aenda kuJerusarema, vatendi vokudzingiswa vakamutsoropodza
3 saying, “You went in to uncircumcised men and ate with them!”
vachiti, “Iwe wakapinda mumba yavanhu vasina kudzingiswa ukandodya navo.”
4 But Peter began, and explained to them in order, saying,
Petro akatanga kurondedzera zvinhu zvose kwavari zvichitevedzana sokuitika kwazvakanga zvaita achiti,
5 “I was in the city of Joppa praying, and in a trance I saw a vision: a certain container descending, like it was a great sheet let down from heaven by four corners. It came as far as me.
“Ndakanga ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, ndikabatwa nomweya ndikaona chiratidzo. Ndakaona chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru, chichiburutswa kubva kudenga namakona acho mana, uye chakaburuka chikasvika pandaiva.
6 When I had looked intently at it, I considered, and saw the four-footed animals of the earth, wild animals, creeping things, and birds of the sky.
Ndakatarira mukati macho ndikaona mhuka dzenyika dzina makumbo mana, zvikara zvesango, nezvinokambaira uye neshiri dzedenga.
7 I also heard a voice saying to me, ‘Rise, Peter, kill and eat!’
“Ipapo ndakanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Simuka, Petro. Baya udye.’
8 But I said, ‘Not so, Lord, for nothing unholy or unclean has ever entered into my mouth.’
“Ndakapindura ndikati, ‘Zvirokwazvo kwete, Ishe! Hakuna chinhu chisina kunaka kana chine tsvina chakatombopinda mumuromo mangu.’
9 But a voice answered me the second time out of heaven, ‘What God has cleansed, don’t you call unclean.’
“Inzwi rakataurazve kechipiri richibva kudenga richiti, ‘Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari hachina kunaka.’
10 This was done three times, and all were drawn up again into heaven.
Izvi zvakaitika katatu, uye ipapo jira nezvose zvikadzoserwazve kudenga.
11 Behold, immediately three men stood before the house where I was, having been sent from Caesarea to me.
“Pakarepo varume vatatu vakanga vatumwa kwandiri vachibva kuKesaria vakamira pamba pandaigara.
12 The Spirit told me to go with them without discriminating. These six brothers also accompanied me, and we entered into the man’s house.
Mweya Mutsvene akandiudza kuti ndirege kunonoka kuenda navo. Hama nhanhatu idzi dzakaendawo neni, uye takasvikopinda mumba momurume uya.
13 He told us how he had seen the angel standing in his house and saying to him, ‘Send to Joppa and get Simon, who is called Peter,
Akatirondedzera maonero aakanga aita mutumwa mumba make, uyo akati, ‘Tuma vanhu kuJopa kuna Simoni anonzi Petro.
14 who will speak to you words by which you will be saved, you and all your house.’
Iye achakuvigirai shoko richaponesa iwe neveimba yako vose.’
15 As I began to speak, the Holy Spirit fell on them, even as on us at the beginning.
“Pandakatanga kutaura, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo samauyiro aakaita kwatiri pakutanga.
16 I remembered the word of the Lord, how he said, ‘Yochanan indeed immersed in water, but you will be immersed in the Holy Spirit.’
Ipapo ndakarangarira zvakanga zvarehwa naShe achiti, ‘Johani akabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.’
17 If then God gave to them the same gift as us when we believed in the Lord Yeshua the Messiah, who was I, that I could withstand God?”
Saka kana Mwari akavapa chipo chimwe chetecho chaakatipa isu, vakatenda muna Ishe Jesu Kristu, ko, ini ndaigova ani zvangu kuti ndipikisane naMwari?”
18 When they heard these things, they held their peace and glorified God, saying, “Then God has also granted to the Gentiles repentance to life!”
Vakati vanzwa izvozvo, vakashayiwa zvimwe zvokureva uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka zvino Mwari akapawo vedzimwe ndudzi kutendeuka kunotungamirira kuupenyu.”
19 They therefore who were scattered abroad by the oppression that arose about Stephen travelled as far as Phoenicia, Cyprus, and Antioch, speaking the word to no one except to Jews only.
Zvino vaya vakanga vaparadzirwa namatambudziko nokuda kwaSitefani vakafamba vakandosvika kuFonisia, Saipurasi neAndioki, vachitaura shoko kuvaJudha bedzi.
20 But there were some of them, men of Cyprus and Cyrene, who, when they had come to Antioch, spoke to the Hellenists, proclaiming the Lord Yeshua.
Kunyange zvakadaro, vamwe varume vaibva kuSaipurasi nokuKurini, vakaenda kuAndioki vakatanga kutaura kuvaGirikiwo, vachivataurira mashoko akanaka ezvaIshe.
21 The hand of the Lord was with them, and a great number believed and turned to the Lord.
Ruoko rwaShe rwakanga rwuri pamusoro pavo, uye vanhu vazhinji vakatenda vakatendeukira kuna She.
22 The report concerning them came to the ears of the assembly which was in Jerusalem. They sent out Barnabas to go as far as Antioch,
Mukurumbira wazvo wakasvika munzeve dzekereke yapaJerusarema, ndokubva vatuma Bhanabhasi kuAndioki.
23 who, when he had come, and had seen the grace of God, was glad. He exhorted them all, that with purpose of heart they should remain near to the Lord.
Akati asvika, akaona umboo hwenyasha dzaMwari, uye akafara, akavakurudzira vose kuti varambe vakatendeka kuna She nemwoyo yavo yose.
24 For he was a good man, and full of the Holy Spirit and of faith, and many people were added to the Lord.
Iye akanga ari munhu akanaka, azere noMweya Mutsvene nokutenda, uye vanhu vazhinji vakauya kuna She.
25 Barnabas went out to Tarsus to look for Saul.
Ipapo Bhanabhasi akaenda kuTasasi kundotsvaka Sauro,
26 When he had found him, he brought him to Antioch. For a whole year they were gathered together with the assembly, and taught many people. The disciples were first called Messianic in Antioch.
uye akati amuwana, akauya naye kuAndioki. Saka gore rose rakapera Bhanabhasi naSauro vachisangana nekereke uye vakadzidzisa vanhu vazhinji kwazvo. Vadzidzi vakanzi vaKristu kwokutanga paAndioki.
27 Now in these days, prophets came down from Jerusalem to Antioch.
Panguva iyoyo vamwe vaprofita vakaburuka vachibva kuJerusarema vachienda kuAndioki.
28 One of them named Agabus stood up and indicated by the Spirit that there should be a great famine all over the world, which also happened in the days of Claudius.
Mumwe wavo, ainzi Agabhusi, akasimuka akaprofita noMweya Mutsvene kuti nzara huru yaizopararira munyika yose yavaRoma. (Izvi zvakaitika munguva yokutonga kwaKiraudhio).
29 As any of the disciples had plenty, each determined to send relief to the brothers who lived in Judea;
Vadzidzi vakazvipira, mumwe nomumwe napaaigona napo, kuti ape rubatsiro kuhama dzaigara muJudhea.
30 which they also did, sending it to the elders by the hands of Barnabas and Saul.
Vakaita izvi, vakatumira chipo chavo naBhanabhasi naSauro kuvakuru.

< Acts 11 >