< Romans 13 >

1 Let every soul be in subjection to the higher authorities, for there is no authority except from God, and those who exist are ordained by God.
Munhu wose anofanira kuzviisa pasi pavatungamiri venyika, nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari. Vane simba rokutonga vakaiswapo naMwari.
2 Therefore he who resists the authority withstands the ordinance of God; and those who withstand will receive to themselves judgment.
Saka naizvozvo, anoramba kuteerera vari kutonga, ari kumukira zvakaiswapo naMwari, uye vanoita izvi vanozvitsvagira kutongwa.
3 For rulers are not a terror to the good work, but to the evil. Do you desire to have no fear of the authority? Do that which is good, and you will have praise from the authority,
Nokuti vatongi havatyisi vaya vanoita zvakanaka, asi vanotyisa vaya vanoita zvakaipa. Unoda kusunungurwa here kuti usatya ane simba rokutonga? Ipapo ita zvakanaka uye achakurumbidza.
4 for he is a servant of God to you for good. But if you do that which is evil, be afraid, for he doesn’t bear the sword in vain; for he is a servant of God, an avenger for wrath to him who does evil.
Nokuti iye muranda waMwari anofanira kuti akuitire zvakanaka. Asi kana ukaita zvakaipa, itya, nokuti iye haabati munondo pasina. Nokuti iye ndiye muranda waMwari, mutumwa wokutsamwa, anoranga vaiti vezvakaipa.
5 Therefore you need to be in subjection, not only because of the wrath, but also for conscience’ sake.
Naizvozvo, zvinokosha kuzviisa pasi pavabati, kwete nokuti tinotya kurangwa chete, asi nokuda kwehanawo.
6 For this reason you also pay taxes, for they are servants of God’s service, continually doing this very thing.
Ndokusaka muchiripawo mitero, nokuti vabati varanda vaMwari, vanopa nguva yavo yose pakutonga.
7 Therefore give everyone what you owe: if you owe taxes, pay taxes; if customs, then customs; if respect, then respect; if honor, then honor.
Ripirai vose vamunofanira kuripira: Kana uri mutero, ripai mutero; kana iri miripo, ngairipwe, kana kuri kutya, kuna vanofanira kutyiwa, kana rwuri rukudzo, kuna vanofanira kukudzwa.
8 Owe no one anything, except to love one another; for he who loves his neighbor has fulfilled the law.
Musava nechikwereti kumunhu, kunze kwechikwereti chorudo mumwe kuno mumwe, nokuti anoda mumwe azadzisa murayiro.
9 For the commandments, “You shall not commit adultery,” “You shall not murder,” “You shall not steal,” “You shall not covet,” and whatever other commandments there are, are all summed up in this saying, namely, “You shall love your neighbor as yourself.”
Nokuti mirayiro inoti, “Usaita upombwe,” “Usauraya,” “Usaba”, “Usachiva,” uye kana mumwe murayiro upi noupi zvawo ungavako, zvakaunganidzwa pamutemo unoti, “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe.”
10 Love doesn’t harm a neighbor. Love therefore is the fulfillment of the law.
Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa. Naizvozvo rudo runozadzisa murayiro.
11 Do this, knowing the time, that it is already time for you to awaken out of sleep, for salvation is now nearer to us than when we first believed.
Uye itai izvi, muchinzwisisa nguva ino. Nguva yasvika zvino yokuti mupepuke kubva kuhope, nokuti ruponeso rwedu rwava pedyo zvino kupfuura zuva ratakatanga kutenda.
12 The night is far gone, and the day is near. Let’s therefore throw off the deeds of darkness, and let’s put on the armor of light.
Usiku hwava kutopfuura; kwava kutoedza. Saka ngatirasei mabasa edu erima uye tipfeke nhumbi dzokurwa dzechiedza.
13 Let’s walk properly, as in the day; not in reveling and drunkenness, not in sexual promiscuity and lustful acts, and not in strife and jealousy.
Ngatiraramei zvakafanira mararamiro apamasikati, tisingaiti kutamba kwakaipa uye nokudhakwa, kana upombwe, kana utere, kana gakava kana godo.
14 But put on the Lord Jesus Christ, and make no provision for the flesh, for its lusts.
Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, uye musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.

< Romans 13 >