< Psalms 100 >

1 A Psalm of thanksgiving. Shout for joy to Yahweh, all you lands!
Pisarema rokuvonga. Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose.
2 Serve Yahweh with gladness. Come before his presence with singing.
Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro.
3 Know that Yahweh, he is God. It is he who has made us, and we are his. We are his people, and the sheep of his pasture.
Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari. Ndiye akatisika, uye tiri vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.
4 Enter into his gates with thanksgiving, and into his courts with praise. Give thanks to him, and bless his name.
Pindai pamasuo ake nokuvonga nomuvanze dzake nokurumbidza; chimuvongai uye murumbidze zita rake.
5 For Yahweh is good. His loving kindness endures forever, his faithfulness to all generations.
Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi; kutendeka kwake kunoramba kuripo kuzvizvarwa zvose.

< Psalms 100 >