< 1 Kings 8 >

1 Then Solomon assembled the elders of Israel with all the heads of the tribes, the princes of the fathers’ households of the children of Israel, to King Solomon in Jerusalem, to bring up the ark of Yahweh’s covenant out of David’s city, which is Zion.
Ipapo Soromoni akaunganidza pamberi pake vakuru veIsraeri navatungamiri vamarudzi muJerusarema namadzishe emhuri dzavaIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni, Guta raDhavhidhi.
2 All the men of Israel assembled themselves to King Solomon at the feast in the month Ethanim, which is the seventh month.
Vanhu vose veIsraeri vakaungana pana Mambo Soromoni panguva yomutambo mumwedzi waEtanimi, unova mwedzi wechinomwe.
3 All the elders of Israel came, and the priests picked up the ark.
Vakuru vose veIsraeri vakati vasvika, vaprista vakatakura areka,
4 They brought up Yahweh’s ark, the Tent of Meeting, and all the holy vessels that were in the Tent. The priests and the Levites brought these up.
uye vakauyisa areka yaJehovha, neTende Rokusangana nemidziyo yose yakatsaurwa yaiva mairi. Vaprista navaRevhi vakazvitakura,
5 King Solomon and all the congregation of Israel, who were assembled to him, were with him before the ark, sacrificing sheep and cattle that could not be counted or numbered for multitude.
uye Mambo Soromoni neungano yose yeIsraeri yakanga yaungana paari, vakanga vanaye pamberi peareka, vachibayira makwai nehando zvakawanda zvokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa nokuwanda kwazvo.
6 The priests brought in the ark of Yahweh’s covenant to its place, into the inner sanctuary of the house, to the most holy place, even under the cherubim’s wings.
Ipapo vaprista vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaenda nayo kunzvimbo yayo munzvimbo tsvene yomukati metemberi, muNzvimbo Tsvene-tsvene, vakaigadzika pasi pamapapiro amakerubhi.
7 For the cherubim spread their wings out over the place of the ark, and the cherubim covered the ark and its poles above.
Makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka uye akafukidza areka namatanda ayo okutakurisa.
8 The poles were so long that the ends of the poles were seen from the holy place before the inner sanctuary, but they were not seen outside. They are there to this day.
Matanda aya akanga akareba zvokuti miromo yawo yaionekwa munhu ari paNzvimbo Tsvene pamberi penzvimbo tsvene yomukati, asi kwete munhu ari kunze kweNzvimbo Tsvene; uye achiripo nanhasi.
9 There was nothing in the ark except the two stone tablets which Moses put there at Horeb, when Yahweh made a covenant with the children of Israel, when they came out of the land of Egypt.
Muareka makanga musina chinhu kunze kwamahwendefa maviri amabwe ayo akanga aiswamo naMozisi paHorebhi, Jehovha paakaita sungano navaIsraeri mushure mokunge vabuda muIjipiti.
10 It came to pass, when the priests had come out of the holy place, that the cloud filled Yahweh’s house,
Vaprista vakati vabuda paNzvimbo Tsvene, gore rakazadza temberi yaJehovha.
11 so that the priests could not stand to minister by reason of the cloud; for Yahweh’s glory filled Yahweh’s house.
Uye vaprista vakatadza kuita shumiro yavo nokuda kwegore, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi yaJehovha.
12 Then Solomon said, “Yahweh has said that he would dwell in the thick darkness.
Ipapo Soromoni akati, “Jehovha ati anoda kugara mukati merima guru;
13 I have surely built you a house of habitation, a place for you to dwell in forever.”
zvirokwazvo ndakuvakirai temberi yakanakisisa, nzvimbo yamungagara nokusingaperi.”
14 The king turned his face around and blessed all the assembly of Israel; and all the assembly of Israel stood.
Ungano yose yaIsraeri imire ipapo, mambo akatendeukira kwavari akavaropafadza.
15 He said, “Blessed is Yahweh, the God of Israel, who spoke with his mouth to David your father, and has with his hand fulfilled it, saying,
Zvino akati: “Ngaarumbidzwe Jehovha, Mwari waIsraeri, uyo ashandisa ruoko rwake kuzadzisa zvaakavimbisa nomuromo wake kuna baba vangu Dhavhidhi.
16 ‘Since the day that I brought my people Israel out of Egypt, I chose no city out of all the tribes of Israel to build a house, that my name might be there; but I chose David to be over my people Israel.’
Nokuti akati, ‘Kubvira pazuva randakabudisa vanhu vangu Israeri kubva muIjipiti, handina kusarudza guta rorudzi rupi rweIsraeri kuti ndivake temberi, kuti Zita rangu rive ipapo, asi ndakasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu Israeri.’
17 “Now it was in the heart of David my father to build a house for the name of Yahweh, the God of Israel.
“Baba vangu Dhavhidhi, mumwoyo mavo vaida kuvakira Zita raJehovha, Mwari weIsraeri, temberi.
18 But Yahweh said to David my father, ‘Whereas it was in your heart to build a house for my name, you did well that it was in your heart.
Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Nokuti zvakanga zviri mumwoyo mako kuti uvakire Zita rangu temberi, wakaita zvakanaka kuva naizvozvo mumwoyo mako.
19 Nevertheless, you shall not build the house; but your son who shall come out of your body, he shall build the house for my name.’
Kunyange zvakadaro, iwe hausi kuzovaka temberi iyi, asi mwanakomana wako, wauchabereka ndiye achavakira Zita rangu temberi.’
20 Yahweh has established his word that he spoke; for I have risen up in the place of David my father, and I sit on the throne of Israel, as Yahweh promised, and have built the house for the name of Yahweh, the God of Israel.
“Jehovha achengeta chivimbiso chaakaita: ini ndatevera panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, uye zvino ndigere pachigaro chokutonga chaIsraeri, sokuvimbisa kwakaita Jehovha, uye ndavakira Zita raJehovha, Mwari weIsraeri, temberi.
21 There I have set a place for the ark, in which is Yahweh’s covenant, which he made with our fathers when he brought them out of the land of Egypt.”
Imomo ndakagadzira nzvimbo yeareka, iyo ine sungano yaJehovha yaakaita namadzibaba edu paakavabudisa kubva muIjipiti.”
22 Solomon stood before Yahweh’s altar in the presence of all the assembly of Israel, and spread out his hands toward heaven;
Ipapo Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha pamberi peungano yose yaIsraeri, akatambanudza maoko ake kudenga,
23 and he said, “Yahweh, the God of Israel, there is no God like you, in heaven above, or on earth beneath; who keeps covenant and loving kindness with your servants who walk before you with all their heart;
akati, “Jehovha, Mwari weIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi kumusoro kudenga kana pasi panyika, imi munochengeta sungano yorudo yavaranda venyu vanofamba pamberi penyu nomwoyo wavo wose.
24 who has kept with your servant David my father that which you promised him. Yes, you spoke with your mouth, and have fulfilled it with your hand, as it is today.
Makachengeta chivimbiso chenyu kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu; makavimbisa nomuromo wenyu uye mazvizadzisa noruoko rwenyu sezvazviri nhasi.
25 Now therefore, may Yahweh, the God of Israel, keep with your servant David my father that which you have promised him, saying, ‘There shall not fail from you a man in my sight to sit on the throne of Israel, if only your children take heed to their way, to walk before me as you have walked before me.’
“Zvino Jehovha, Mwari waIsraeri, chengeterai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, zvivimbiso zvamakamuitira pamakati, ‘Pamberi pangu hapangazoshayikwi munhu anokutevera pachigaro choushe cheIsraeri, kana vana vako vakachenjera pane zvose zvavanoita, vakafamba pamberi pangu sezvawakaita iwe.’
26 “Now therefore, God of Israel, please let your word be verified, which you spoke to your servant David my father.
Naizvozvo zvino, haiwa Mwari waIsraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu ramakavimbisa kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu riitike.
27 But will God in very deed dwell on the earth? Behold, heaven and the heaven of heavens can’t contain you; how much less this house that I have built!
“Chingava chokwadi here kuti Mwari angagara panyika? Tarirai, matenga kana nokudengadenga hazvingagoni kukukwanai. Ko, kuzoti temberi iyi yandakuvakirai!
28 Yet have respect for the prayer of your servant and for his supplication, Yahweh my God, to listen to the cry and to the prayer which your servant prays before you today;
Kunyange zvakadaro, teererai munyengetero womuranda wenyu nokukumbira kwake, haiwa Jehovha Mwari wangu. Inzwai kudanidzira nomunyengetero uri kuitwa nomuranda wenyu pamberi penyu nhasi.
29 that your eyes may be open toward this house night and day, even toward the place of which you have said, ‘My name shall be there;’ to listen to the prayer which your servant prays toward this place.
Meso enyu ngaarambe akatarisa temberi iyi usiku namasikati, nzvimbo iyi yamakataura muchiti, ‘Zita rangu richavapo,’ kuti muzonzwa munyengetero unonamatwa nomuranda wenyu akatarisa kunzvimbo ino.
30 Listen to the supplication of your servant, and of your people Israel, when they pray toward this place. Yes, hear in heaven, your dwelling place; and when you hear, forgive.
Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu Israeri pavanozonamata vakatarisa kunzvimbo ino. Inzwai muri kudenga kwamunogara, uye kana manzwa mugoregerera.
31 “If a man sins against his neighbor, and an oath is laid on him to cause him to swear, and he comes and swears before your altar in this house,
“Kana munhu achinge atadzira muvakidzani wake, akanzi apike mhiko uye akauya akapika mhiko pamberi pearitari yenyu mutemberi ino,
32 then hear in heaven, and act, and judge your servants, condemning the wicked, to bring his way on his own head, and justifying the righteous, to give him according to his righteousness.
ipapo inzwai muri kudenga uye muwane zvamunoita. Tongai pakati pavaranda venyu, mupe mhosva kumutadzi nokuisa pamusoro wake iye zvaanenge aita. Mururamisire akarurama nokumupa zvakafanira kururama kwake.
33 “When your people Israel are struck down before the enemy because they have sinned against you, if they turn again to you and confess your name, and pray and make supplication to you in this house,
“Kana vanhu venyu Israeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nokuti vakutadzirai, uye vakadzokazve kwamuri, vakapupura zita renyu, vakanamata nokukumbira kwamuri mutemberi, ino,
34 then hear in heaven, and forgive the sin of your people Israel, and bring them again to the land which you gave to their fathers.
ipapo inzwai muri kudenga mugoregerera chivi chavanhu venyu Israeri, uye mugovadzosera kunyika yamakapa madzibaba avo.
35 “When the sky is shut up and there is no rain because they have sinned against you, if they pray toward this place and confess your name, and turn from their sin when you afflict them,
“Kana denga richinge razarirwa mvura ikasanaya nokuti vanhu venyu vakutadzirai, pavanonamata vakatarisa kunzvimbo ino, uye vakapupura zita renyu, vakatendeuka kubva kuchivi chavo nokuti mavaranga,
36 then hear in heaven, and forgive the sin of your servants, and of your people Israel, when you teach them the good way in which they should walk; and send rain on your land which you have given to your people for an inheritance.
ipapo inzwai muri kudenga uye mugoregerera chivi chavaranda venyu, vanhu venyu Israeri. Vadzidzisei nzira yakanaka yavanofanira kurarama nayo, uye nayisai mvura panyika yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.
37 “If there is famine in the land, if there is pestilence, if there is blight, mildew, locust or caterpillar; if their enemy besieges them in the land of their cities, whatever plague, whatever sickness there is,
“Kana nzara kana denda zvikauya panyika, kana nyunje, kana muhuvhe, mhashu, kana ndongwe kana muvengi wavo akavakomba mune ripi zvaro ramaguta avo, zvisinei kuti inyatwa ipi kana kuti idenda ripi rauya,
38 whatever prayer and supplication is made by any man, or by all your people Israel, who shall each know the plague of his own heart, and spread out his hands toward this house,
uye, kana munyengetero kana chikumbiro chaitwa naani zvake wavanhu venyu Israeri, mumwe nomumwe achiziva zvinomutambudza mumwoyo make, akatambanudzira maoko ake kutemberi ino,
39 then hear in heaven, your dwelling place, and forgive, and act, and give to every man according to all his ways, whose heart you know (for you, even you only, know the hearts of all the children of men);
ipapo inzwai muri kudenga kwamunogara. Regererai mugowana zvamunoita; mugoitira mumwe nomumwe maererano nazvose zvaanoita, sezvo muchiziva mwoyo wake (nokuti imi chete ndimi munoziva zviri mumwoyo momunhu wose),
40 that they may fear you all the days that they live in the land which you gave to our fathers.
kuti vakutyei mazuva ose avanorarama panyika yamakapa madzibaba edu.
41 “Moreover, concerning the foreigner, who is not of your people Israel, when he comes out of a far country for your name’s sake
“Zvino kana ari mutorwa, asiri wavanhu venyu Israeri asi anouya achibva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu,
42 (for they shall hear of your great name and of your mighty hand and of your outstretched arm), when he comes and prays toward this house,
nokuti vanhu vachanzwa nezvezita renyu guru, ruoko rwenyu rune simba noruoko rwenyu rwakatambanudzwa, paanouya akanyengetera akatarisa kutemberi ino,
43 hear in heaven, your dwelling place, and do according to all that the foreigner calls to you for; that all the peoples of the earth may know your name, to fear you, as do your people Israel, and that they may know that this house which I have built is called by your name.
ipapo inzwai muri kudenga kwamunogara, uye mugoita chinhu chipi nechipi chinokumbirwa kwamuri nomutorwa uyu, kuti marudzi ose enyika azive zita renyu uye agokutyai, sezvinoitwa navanhu venyu Israeri, uye kuti vazive kuti imba ino yandavaka ine Zita renyu.
44 “If your people go out to battle against their enemy, by whatever way you shall send them, and they pray to Yahweh toward the city which you have chosen, and toward the house which I have built for your name,
“Kana vanhu venyu vakaenda kundorwa navavengi vavo, kwose kwamunovatuma, uye pavanonyengetera kuna Jehovha vakatarisa kuguta ramakasarudza netemberi yandavakira Zita renyu,
45 then hear in heaven their prayer and their supplication, and maintain their cause.
ipapo muri kudenga, inzwai munyengetero wavo nechikumbiro chavo, uye mugovabatsira pane zvavanorwira.
46 If they sin against you (for there is no man who doesn’t sin), and you are angry with them and deliver them to the enemy, so that they carry them away captive to the land of the enemy, far off or near;
“Kana vakakutadzirai, nokuti hakuna munhu asingatadzi, imi mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko omuvengi, uye akavaita nhapwa munyika yake, kure kana pedyo;
47 yet if they repent in the land where they are carried captive, and turn again, and make supplication to you in the land of those who carried them captive, saying, ‘We have sinned and have done perversely; we have dealt wickedly,’
uye kana vakapinduka pamwoyo munyika umo mavari nhapwa, uye vakatendeuka nokudemba kwamuri munyika yavatapi vavo, vakati, ‘Takaita, zvakaipa zvisakarurama;’
48 if they return to you with all their heart and with all their soul in the land of their enemies who carried them captive, and pray to you toward their land which you gave to their fathers, the city which you have chosen and the house which I have built for your name,
uye kana vakadzokera kwamuri nomwoyo nomweya wavo wose munyika yavavengi vavo avo vakavatapa vakanyengetera kwamuri vakatarisa kunyika yamakapa madzibaba avo, vakatarisa kuguta ramakasarudza netemberi yandavakira Zita renyu;
49 then hear their prayer and their supplication in heaven, your dwelling place, and maintain their cause;
ipapo, muri kudenga, kwamunogara, inzwai munyengetero wavo nechikumbiro chavo, uye mugovabatsira pane zvavanorwira.
50 and forgive your people who have sinned against you, and all their transgressions in which they have transgressed against you; and give them compassion before those who carried them captive, that they may have compassion on them
Muregerere vanhu venyu, vakakutadzirai; muvaregerere pamhosva dzose dzavakapara kwamuri, mugoita kuti vakavatapa vavanzwire tsitsi;
51 (for they are your people and your inheritance, which you brought out of Egypt, from the middle of the iron furnace);
nokuti vanhu venyu nenhaka yenyu vamakabudisa kubva muIjipiti, vira romoto.
52 that your eyes may be open to the supplication of your servant and to the supplication of your people Israel, to listen to them whenever they cry to you.
“Meso enyu ngaaone chikumbiro chomuranda wenyu nechikumbiro chavanhu venyu Israeri, uye muteerere kwavari nguva dzose pavanochema kwamuri.
53 For you separated them from among all the peoples of the earth to be your inheritance, as you spoke by Moses your servant, when you brought our fathers out of Egypt, Lord Yahweh.”
Nokuti makavasarudza pamarudzi ose enyika kuti vave nhaka yenyu, sezvamakataura nokumuranda wenyu Mozisi, imi Jehovha Mwari, pamakabudisa madzibaba edu kubva muIjipiti.”
54 It was so, that when Solomon had finished praying all this prayer and supplication to Yahweh, he arose from before Yahweh’s altar, from kneeling on his knees with his hands spread out toward heaven.
Zvino Soromoni akati apedza munyengetero uyu wose nokukumbira uku kuna Jehovha, akasimuka achibva pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga.
55 He stood and blessed all the assembly of Israel with a loud voice, saying,
Akamira akaropafadza ungano yose yeIsraeri nenzwi guru akati:
56 “Blessed be Yahweh, who has given rest to his people Israel, according to all that he promised. There has not failed one word of all his good promise, which he promised by Moses his servant.
“Jehovha ngaarumbidzwe, iye akapa zororo kuvanhu vake Israeri sezvaakavimbisa chaizvoizvo. Hapana kana shoko rimwe chete risina kuitika pazvivimbiso zvose zvakanaka zvaakapa nokumuranda wake Mozisi.
57 May Yahweh our God be with us as he was with our fathers. Let him not leave us or forsake us,
Jehovha Mwari wedu ngaave nesu sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kuzotisiya kana kutirasa.
58 that he may incline our hearts to him, to walk in all his ways, and to keep his commandments, his statutes, and his ordinances, which he commanded our fathers.
Ngaaite kuti mwoyo yedu yose ive yake, kuti tifambe munzira dzake dzose tichichengeta mirayiro, mitemo nezvaakareva izvo zvaakapa madzibaba edu.
59 Let these my words, with which I have made supplication before Yahweh, be near to Yahweh our God day and night, that he may maintain the cause of his servant and the cause of his people Israel, as every day requires;
Zvino mashoko angu aya, andanyengetera pamberi paJehovha, ngaave pedyo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, kuti asimudzire zvinorwirwa nomuranda wake nezvinorwirwa navanhu vake Israeri nezvinenge zvichidiwa zuva nezuva,
60 that all the peoples of the earth may know that Yahweh himself is God. There is no one else.
kuti vanhu vose vapanyika vazive kuti Jehovha ndiMwari, uye kuti hakuna mumwe.
61 “Let your heart therefore be perfect with Yahweh our God, to walk in his statutes, and to keep his commandments, as it is today.”
Asi mwoyo yenyu inofanira kuva yakapiwa zvachose kuna Jehovha Mwari wedu, kuti murarame nemitemo yake uye muteerere mirayiro yake sezvamuri kuita iye zvino.”
62 The king, and all Israel with him, offered sacrifice before Yahweh.
Zvino mambo navaIsraeri vose vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha.
63 Solomon offered for the sacrifice of peace offerings, which he offered to Yahweh, twenty two thousand head of cattle and one hundred twenty thousand sheep. So the king and all the children of Israel dedicated Yahweh’s house.
Soromoni akabayira chibayiro chezvipiriso zvokuwadzana kuna Jehovha; zviuru makumi maviri nezviviri zvemombe nezviuru zana namakumi maviri zvamakwai nembudzi. Saizvozvo mambo navaIsraeri vose vakakumikidza temberi yaJehovha.
64 The same day the king made the middle of the court holy that was before Yahweh’s house; for there he offered the burnt offering, the meal offering, and the fat of the peace offerings, because the bronze altar that was before Yahweh was too little to receive the burnt offering, the meal offering, and the fat of the peace offerings.
Musi iwoyo mambo akakumikidza chikamu chapakati chechivanze chaiva pamberi petemberi yaJehovha, uye ndipo paakabayira zvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, namafuta ezvipiriso zvokuwadzana nokuti aritari yendarira yaiva pamberi paJehovha yakanga yakanyanya kuita duku kuti ikwane zvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, namafuta ezvipiriso zvokuwadzana.
65 So Solomon held the feast at that time, and all Israel with him, a great assembly, from the entrance of Hamath to the brook of Egypt, before Yahweh our God, seven days and seven more days, even fourteen days.
Saka Soromoni akaita mutambo uyu panguva iyoyo, neIsraeri yose pamwe chete naye, ungano huru kwazvo, vanhu vachibva kuRebho Hamati vachisvika kuWadhi yeIjipiti. Vakaupemberera pamberi paJehovha Mwari wedu kwamazuva manomwe namamwe manomwe pamusoro, mazuva gumi namana pamwe chete.
66 On the eighth day he sent the people away; and they blessed the king, and went to their tents joyful and glad in their hearts for all the goodness that Yahweh had shown to David his servant, and to Israel his people.
Pazuva rakatevera akaita kuti vanhu vaende. Vanhu vakaropafadza mambo vakaenda kumisha yavo vane rufaro mumwoyo mavo nokuda kwezvinhu zvakanaka zvose Jehovha zvaakanga aitira muranda wake Dhavhidhi navanhu vake Israeri.

< 1 Kings 8 >