< Mark 1 >

1 The beginning of the Good News of Jesus Christ the Son of God.
Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.
2 As it is written in Isaiah the Prophet, "See, I am sending My messenger before Thee, Who will prepare Thy way";
Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi: “Ndichatuma nhume yangu mberi kwako, uyo achagadzira nzira yako,”
3 "The voice of one crying aloud: 'In the Desert prepare a road for the Lord: Make His highways straight.'"
“inzwi rounodana murenje, richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’”
4 So John the Baptizer came, and was in the Desert proclaiming a baptism of the penitent for forgiveness of sins.
Uye saizvozvo Johani akauya, achibhabhatidza murenje uye achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti varegererwe zvivi.
5 There went out to him people of all classes from Judaea, and the inhabitants of Jerusalem of all ranks, and were baptized by him in the river Jordan, making open confession of their sins.
Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusarema vakaenda kwaari. Vachireurura zvivi zvavo, vakabhabhatidzwa naye muRwizi rweJorodhani.
6 As for John, his garment was of camel's hair, and he wore a loincloth of leather; and his food was locusts and wild honey.
Johani aipfeka nguo dzamakushe engamera, nebhanhire reganda muchiuno chake, uye aidya mhashu nouchi hwesango.
7 His announcement was, "There is One coming after me mightier than I--One whose sandal-strap I am unworthy to stoop down and unfasten.
Uye iyi ndiyo yakanga iri mharidzo yake: “Shure kwangu kuchauya mumwe ane simba kupfuureni wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake.
8 I have baptized you with water, but He will baptize you with the Holy Spirit."
Ndinokubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene.”
9 At that time Jesus came from Nazareth in Galilee and was baptized by John in the Jordan;
Panguva iyoyo Jesu akauya achibva kuNazareta muGarirea uye akabhabhatidzwa naJohani muJorodhani.
10 and immediately on His coming up out of the water He saw an opening in the sky, and the Spirit like a dove coming down to Him;
Jesu paakanga ava kubuda mumvura, akaona denga richizarurwa uye Mweya achiburukira pamusoro pake senjiva.
11 and a voice came from the sky, saying, "Thou art My Son dearly loved: in Thee is My delight."
Uye inzwi rakauya richibva kudenga richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, wandinoda, wandinofarira kwazvo.”
12 At once the Spirit impelled Him to go out into the Desert,
Pakarepo Mweya akamutumira kurenje,
13 where He remained for forty days, tempted by Satan; and He was among the wild beasts, but the angels waited upon Him.
uye akanga ari murenje kwamazuva makumi mana, achiedzwa naSatani. Akanga ari pamwe chete nemhuka dzesango uye vatumwa vakamushandira.
14 Then, after John had been thrown into prison, Jesus came into Galilee proclaiming God's Good News.
Mushure mokunge Johani aiswa mutorongo, Jesu akaenda kuGarirea, achiparidza vhangeri raMwari.
15 "The time has fully come," He said, "and the Kingdom of God is close at hand: repent, and believe this Good News.
Akati, “Nguva yasvika. Umambo hwaMwari hwaswedera. Tendeukai mutende vhangeri!”
16 One day, passing along the shore of the Lake of Galilee, He saw Simon and Andrew, Simon's brother, throwing their nets in the Lake; for they were fisherman.
Jesu paakanga achifamba pamahombekombe eGungwa reGarirea, akaona Simoni nomununʼuna wake Andirea vachikanda usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove.
17 "Come and follow me," said Jesus, "and I will make you fishers for men."
Jesu akati, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”
18 At once they left their nets and followed Him.
Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo vakamutevera.
19 Going on a little further He saw James the son of Zabdi and his brother John: they also were in the boat mending the nets, and He immediately called them.
Akati afamba chinhambwe zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani vari mugwa, vachigadzira usvasvi hwavo.
20 They therefore left their father Zabdi in the boat with the hired men, and went and followed Him.
Haana kunonoka, akavadana, uye vakasiya baba vavo, Zebhedhi, mugwa vaine vashandi vavo, vakamutevera.
21 So they came to Capernaum, and on the next Sabbath He went to the synagogue and began to teach.
Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa.
22 The people listened with amazement to His teaching--for there was authority about it: it was very different from that of the Scribes--
Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro.
23 when all at once, there in their synagogue, a man under the power of a foul spirit screamed out:
Pakarepo mumwe murume akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti,
24 "What have you to do with us, Jesus the Nazarene? Have you come to destroy us? I know who you are--God's Holy One."
“Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani, imi Mutsvene waMwari!”
25 But Jesus reprimanded him, saying, "Silence! come out of him."
Jesu akarayira akati, “Nyarara! Buda maari!”
26 So the foul spirit, after throwing the man into convulsions, came out of him with a loud cry.
Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru.
27 And all were amazed and awe-struck, so they began to ask one another, "What does this mean? Here is a new sort of teaching--and a tone of authority! And even to foul spirits he issues orders and they obey him!"
Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.”
28 And His fame spread at once everywhere in all that part of Galilee.
Mukurumbira wake wakapararira munyika yose yeGarirea.
29 Then on leaving the synagogue they came at once, with James and John, to the house of Simon and Andrew.
Vakati vachangobva musinagoge, vakaenda naJakobho naJohani kumba kwaSimoni naAndirea.
30 Now Simon's mother-in-law was ill in bed with a fever, and without delay they informed Him about her.
Ambuya vaSimoni vakanga vavete pamubhedha vachirwara nefivha, uye vakaudza Jesu nezvavo.
31 So He went to her, and taking her hand He raised her to her feet: the fever left her, and she began to wait upon them.
Saka akaenda kwavari, akabata ruoko rwavo akavabatsira kusimuka. Fivha yakabva mavari vakatanga kuvashandira.
32 When it was evening, after sunset people came bringing Him all who were sick and the demoniacs;
Manheru acho iwayo zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vairwara navakanga vakabatwa namadhimoni.
33 and the whole town was assembled at the door.
Guta rose rakaungana pamukova,
34 Then He cured numbers of people who were ill with various diseases, and He drove out many demons; not allowing the demons to speak, because they knew who He was.
uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani.
35 In the morning He rose early, while it was still quite dark, and leaving the house He went away to a solitary place and there prayed.
Mangwanani-ngwanani, kuchakasviba, Jesu akamuka akabuda mumba akaenda kunzvimbo yaakanga ari oga, ikoko akandonyengetera.
36 And Simon and the others searched everywhere for Him.
Simoni navamwe vake vakaenda kundomutsvaka,
37 When they found Him they said, "Every one is looking for you."
uye vakati vamuwana, vakati, “Vanhu vose vanokutsvakai!”
38 "Let us go elsewhere, to the neighbouring country towns," He replied, "that I may proclaim my Message there also; because for that purpose I came from God."
Jesu akapindura akati, “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidzawo ikoko. Ndizvo zvandakauyira.”
39 And He went through all Galilee, preaching in the synagogues and expelling the demons.
Saka akafamba nomuGarirea yose, achiparidza mumasinagoge avo uye achidzinga madhimoni.
40 One day there came a leper to Jesus entreating Him, and pleading on his knees. "If you are willing," he said, "you are able to cleanse me."
Mumwe murume akanga ana maperembudzi akauya kwaari akapfugama, akamukumbira zvikuru achiti, “Kana muchida, munogona kundinatsa.”
41 Moved with pity Jesus reached out His hand and touched him. "I am willing," He said; "be cleansed."
Jesu akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya. Akati, “Ndinoda. Chinatswa!”
42 The leprosy at once left him, and he was cleansed.
Pakarepo maperembudzi akabva paari uye akaporeswa.
43 Jesus at once sent him away, strictly charging him,
Jesu akamuendesa pakarepo akamuyambira zvikuru achiti,
44 and saying, "Be careful not to tell any one, but go and show yourself to the Priest, and for your purification present the offerings that Moses appointed as evidence for them."
“Chenjera kuti urege kuudza mumwe munhu. Asi enda, undozviratidza kumuprista ugobayira chipiriso chakarayirwa naMozisi chokuporeswa kwako, chive chapupu kwavari.”
45 But the man, when he went out, began to tell every one and to publish the matter abroad, so that it was no longer possible for Jesus to go openly into any town; but He had to remain outside in unfrequented places, where people came to Him from all parts.
Asi iye akabuda akatanga kutaura akasununguka, achiparadzira shoko iro. Nokuda kwaizvozvo, Jesu haana kuzogona kupinda muguta zviri pachena asi akagara kunze, kunzvimbo dzakanyarara. Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachiuya kwaari vachibva kumativi ose.

< Mark 1 >