< Numbers 19 >

1 And the LORD spoke to Moses and to Aaron, saying,
Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
2 This is the ordinance of the law which the LORD hath commanded, saying, Speak to the children of Israel, that they bring thee a red heifer without spot, in which is no blemish, and upon which never came a yoke:
“Izvi ndizvo zvinodikanwa pamurayiro wakarayirwa naJehovha. Udza vaIsraeri kuti vakuvigire tsiru dzvuku risina kuremara, kana charingapomerwa uye risina kumbosungwa pajoko.
3 And ye shall give her to Eleazar the priest, that he may bring her forth outside the camp, and one shall slay her before his face:
Uripe kuna Ereazari muprista; rinofanira kubudiswa kunze kwomusasa rigourayiwa pamberi pake.
4 And Eleazar the priest shall take of her blood with his finger, and sprinkle of her blood directly before the tabernacle of the congregation seven times:
Ipapo Ereazari muprista anofanira kutora rimwe reropa raro nomunwe agorisasa kanomwe akananga mberi kweTende Rokusangana.
5 And one shall burn the heifer in his sight; her skin, and her flesh, and her blood, with her dung, shall he burn:
Akatarisa, tsiru rinofanira kupiswa, dehwe raro, nyama yaro namazvizvi aro.
6 And the priest shall take cedar wood, and hyssop, and scarlet, and cast it into the midst of the burning of the heifer.
Muprista anofanira kutora huni dzomusidhari, hisopi newuru tsvuku agozvikanda pamusoro petsiru riri kutsva.
7 Then the priest shall wash his clothes, and he shall bathe his flesh in water, and afterward he shall come into the camp, and the priest shall be unclean until the evening.
Shure kwaizvozvo, muprista anofanira kusuka nguo dzake uye azvishambidze nemvura. Ipapo angachipinda hake mumusasa, asi achange asina kunatswa kusvikira madekwana.
8 And he that burneth her shall wash his clothes in water, and bathe his flesh in water, and shall be unclean until the evening.
Munhu acharipisa naiyewo anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura uye iyewo achava asina kuchena kusvikira madekwana.
9 And a man that is clean shall gather the ashes of the heifer, and lay them outside the camp in a clean place, and it shall be kept for the congregation of the children of Israel for a water of separation: it is a purification for sin.
“Munhu akachena achaunganidza madota etsiru agoaisa panzvimbo yakanaka iri kunze kwomusasa. Achachengetwa neungano yavaIsraeri kuti agoshandiswa pamvura yokunatsa; ndeyokunatswa kubva pachivi.
10 And he that gathereth the ashes of the heifer shall wash his clothes, and be unclean until the evening: and it shall be to the children of Israel, and to the stranger that sojourneth among them, for a statute for ever.
Munhu anounganidza madota etsiru anofanirawo kusuka nguo dzake, naiyewo achava asina kuchena kusvikira madekwana. Mutemo uyu uchagara uripo pakati pavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo.
11 He that toucheth the dead body of any man shall be unclean seven days.
“Ani naani anobata chitunha chaani zvake achava asina kuchena kwamazuva manomwe.
12 He shall purify himself with it on the third day, and on the seventh day he shall be clean: but if he shall not purify himself the third day, then the seventh day he shall not be clean.
Anofanira kuzvinatsa nemvura nezuva retatu uye nezuva rechinomwe; ipapo achava akachena.
13 Whoever toucheth the dead body of any man that is dead, and purifieth not himself, defileth the tabernacle of the LORD; and that soul shall be cut off from Israel: because the water of separation was not sprinkled upon him, he shall be unclean; his uncleanness is yet upon him.
Ani naani anobata chitunha chaani zvake akasazvinatsa anosvibisa tabhenakeri yaJehovha. Munhu uyu anofanira kubviswa pakati pavaIsraeri. Nokuti mvura yokunatsa haina kumbosaswa pamusoro pake, haana kuchena; kusachena kwake kucharamba kuri paari.
14 This is the law, when a man dieth in a tent: all that come into the tent, and all that is in the tent, shall be unclean seven days.
“Uyu ndiwo murayiro unobata pamunhu anofira mutende: Ani naani anopinda mutende uye ani zvake ari mariri achava asina kuchena kwamazuva manomwe,
15 And every open vessel, which hath no covering bound upon it, is unclean.
uye midziyo yose yakazarurwa, isina kukwidibirwa, ichava isina kuchena.
16 And whoever toucheth one that is slain with a sword in the open fields, or a dead body, or a bone of a man, or a grave, shall be unclean seven days.
“Ani naani ari musango anobata munhu akaurayiwa nomunondo kana mumwe munhu akangofawo zvake, kana munhu anobata bvupa romunhu kana guva, achava asina kuchena kwamazuva manomwe.
17 And for an unclean person they shall take of the ashes of the burnt heifer of purification for sin, and running water shall be added to them in a vessel:
“Kana munhu asina kuchena, utore dota rinobva pachipiriso chokunatsa chakapiswa ugoriisa muchirongo ugoridira mvura yakachena.
18 And a clean person shall take hyssop, and dip it in the water, and sprinkle it upon the tent, and upon all the vessels, and upon the persons that were there, and upon him that touched a bone, or one slain, or one dead, or a grave:
Ipapo munhu akachena anofanira kutora hisopi, ainyike mumvura agosasa tende nemidziyo yose uye navanhu vanga varimo. Anofanira kusasawo ani zvake akabata bvupa romunhu kana guva kana mumwe munhu akaurayiwa kana munhu akangofawo zvake.
19 And the clean person shall sprinkle upon the unclean on the third day, and on the seventh day: and on the seventh day he shall purify himself, and wash his clothes, and bathe himself in water, and shall be clean at evening.
Munhu akachena anofanira kusasa munhu asina kuchena nezuva rechitatu uye nerechinomwe, uye pazuva rechinomwe anofanira kumunatsa. Munhu ari kunatswa anofanira kusuka nguo dzake agozvishambidza nemvura, uye manheru iwayo anofanira kuva akachena.
20 But the man that shall be unclean, and shall not purify himself, that soul shall be cut off from among the congregation, because he hath defiled the sanctuary of the LORD: the water of separation hath not been sprinkled upon him; he is unclean.
Asi kana munhu asina kuchena akasazvinatsa, anofanira kubviswa paungano, nokuti iye asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha. Mvura yokunatsa haina kumbosaswa paari, nokudaro haana kuchena.
21 And it shall be a perpetual statute to them, that he that sprinkleth the water of separation shall wash his clothes; and he that toucheth the water of separation shall be unclean until the evening.
Uyu mutemo uchagara uripo kwavari. “Munhu anosasa mvura yokunatsa anofanirawo kusuka nguo dzake, uye ani naani anobata mvura yokunatsa achava asina kunaka kusvikira madekwana.
22 And whatever the unclean person toucheth shall be unclean; and the soul that toucheth it shall be unclean until the evening.
Chinhu chose chinobatwa nomunhu asina kuchena chinova chisina kuchena, uye ani naani anochibata anova asina kuchena kusvikira madekwana.”

< Numbers 19 >