< Genesis 47 >

1 Then Joseph came and told Pharaoh, and said, My father and my brethren, and their flocks, and their herds, and all that they have, have come from the land of Canaan; and, behold, they are in the land of Goshen.
Josefa akaenda akandoudza Faro akati, “Baba vangu namadzikoma angu, pamwe chete nezvipfuwo zvavo uye nemombe dzavo nezvavo zvose, vauya vachibva kunyika yeKenani uye vava muGosheni zvino.”
2 And he took some of his brethren, even five men, and presented them to Pharaoh.
Akasarudza vashanu pamadzikoma ake akavaendesa pamberi paFaro.
3 And Pharaoh said to his brethren, What is your occupation? And they said to Pharaoh, Thy servants are shepherds, both we, and also our fathers.
Faro akabvunza madzikoma aJosefa akati, “Basa renyu ndereiko?” Ivo vakapindura Faro vakati, “Varanda venyu vafudzi, sezvakanga zvakangoita madzibaba edu.”
4 They said moreover to Pharaoh, We have come to sojourn in the land; for thy servants have no pasture for their flocks; for the famine is severe in the land of Canaan: now therefore, we pray thee, let thy servants dwell in the land of Goshen.
Vakatizve kwaari, “Tauya kuzogara kuno kwechinguva, nokuti nzara yakanyanya muKenani uye zvipfuwo zvavaranda venyu hazvisisina mafuro. Saka zvino, tapota regai varanda venyu vagare muGosheni.”
5 And Pharaoh spoke to Joseph, saying, Thy father and thy brethren have come to thee:
Faro akati kuna Josefa, “Baba vako namadzikoma ako vauya kwauri,
6 The land of Egypt is before thee; in the best of the land make thy father and brethren to dwell; in the land of Goshen let them dwell: and if thou knowest any able men among them, then make them rulers over my cattle.
uye nyika yeIjipiti iri pamberi pako; garisa baba vako namadzikoma ako panzvimbo yakanakisisa munyika ino. Ngavagare muGosheni. Uye kana uchiziva kuti pakati pavo pane vamwe vane zvavanokwanisa kuita, uvaite kuti vave vatariri vezvipfuwo zvangu.”
7 And Joseph brought in Jacob his father, and set him before Pharaoh: and Jacob blessed Pharaoh.
Ipapo akapinza baba vake Jakobho akavaendesa pamberi paFaro. Shure kwokuropafadzwa kwaFaro naJakobho,
8 And Pharaoh said to Jacob, How old art thou?
Faro akavabvunza akati, “Mava namakore manganiko?”
9 And Jacob said to Pharaoh, The days of the years of my pilgrimage are an hundred and thirty years: few and evil have been the days of the years of my life, nor have they attained to the days of the years of the life of my fathers in the days of their pilgrimage.
Uye Jakobho akati kuna Faro, “Makore okufamba kwangu panyika izana namakumi matatu. Makore angu akanga ari mashoma uye akaoma, uye haaenzani namakore okufamba kwamadzibaba angu.”
10 And Jacob blessed Pharaoh, and went out from before Pharaoh.
Ipapo Jakobho akaropafadza Faro akabva pamberi pake.
11 And Joseph placed his father and his brethren, and gave them a possession in the land of Egypt, in the best of the land, in the land of Rameses, as Pharaoh had commanded.
Saka Josefa akagarisa baba vake namadzikoma ake munyika yeIjipiti uye akavapa nzvimbo mudunhu rakanakisisa munyika, dunhu reRamasesi, sokurayira kwaFaro.
12 And Joseph nourished his father, and his brethren, and all his father’s household, with bread, according to their families.
Josefa akapa baba vake namadzikoma ake navose veimba yababa vake zvokudya, zvakaenzana nouwandu hwavana vavo.
13 And there was no bread in all the land; for the famine was very severe, so that the land of Egypt and all the land of Canaan fainted by reason of the famine.
Kunyange zvakadaro, kwakanga kusina zvokudya munyika yose nokuti nzara yakanga iri huru, nyika yeIjipiti nenyika yeKenani dzakaziya nokuda kwenzara.
14 And Joseph gathered all the money that was found in the land of Egypt, and in the land of Canaan, for the grain which they bought: and Joseph brought the money into Pharaoh’s house.
Josefa akaunganidza mari yose yaiwanikwa muIjipiti neKenani yomuripo wezviyo zvavaitenga, uye akaenda nayo kumuzinda waFaro.
15 And when money failed in the land of Egypt, and in the land of Canaan, all the Egyptians came to Joseph, and said, Give us bread: for why should we die in thy presence? for the money faileth.
Mari yavanhu veIjipiti nevokuKenani yakati yapera, vanhu veIjipiti yose vakauya kuna Josefa vakati, “Tipei zvokudya. Tofireiko pamberi penyu? Mari yedu yapera.”
16 And Joseph said, Give your cattle; and I will give you for your cattle, if money hath failed.
Ipapo Josefa akati, “Uyai nezvipfuwo zvenyu. Ndichakutengeserai zvokudya ndichitsinhanisa nezvipfuwo zvenyu, sezvo mari yenyu yapera.”
17 And they brought their cattle to Joseph: and Joseph gave them bread in exchange for horses, and for the flocks, and for the cattle of the herds, and for the donkeys: and he fed them with bread for all their cattle for that year.
Saka vakauya nezvipfuwo zvavo kuna Josefa, uye akavapa zvokudya achitsinhanisa namabhiza avo, makwai nembudzi dzavo, mombe nembongoro dzavo. Uye akavabudisa mugore iro nezvokudya zvokutsinhana nezvipfuwo zvavo zvose.
18 When that year was ended, they came to him the second year, and said to him, We will not hide from my lord, how that our money is spent; my lord also hath our herds of cattle; there is nothing left in the sight of my lord, but our bodies, and our lands:
Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari mugore rakatevera vakati, “Hatingavanziri ishe wedu chokwadi chokuti sezvo mari yedu yakapera uye zvipfuwo zvedu zvava zvenyu, hapasisina chasara chatingapa ishe wedu kunze kwemiviri yedu nenyika yedu.
19 Why shall we die before thy eyes, both we and our land? buy us and our land for bread, and we and our land will be servants to Pharaoh: and give us seed, that we may live, and not die, that the land be not desolate.
Tichafireiko pamberi penyu, isu nenyika yeduwo? Titengei isu nenyika yedu titsinhane nezvokudya, uye isu nenyika yedu tichava varanda vaFaro. Tipeiwo mbeu kuitira kuti tirarame uye tirege kufa, uye kuti nyika irege kuparara.”
20 And Joseph bought all the land of Egypt for Pharaoh; for the Egyptians sold every man his field, because the famine prevailed over them: so the land became Pharaoh’s.
Saka Josefa akatengera Faro nyika yose iri muIjipiti. VaIjipita vakatengesa, mumwe nomumwe munda wake, nokuti nzara yakanga iri huru kwazvo. Nyika yakava yaFaro,
21 And as for the people, he removed them to cities from one end of the borders of Egypt even to its other end.
uye Josefa akaita kuti vanhu vave varanda kubva kuna mamwe magumo eIjipiti kusvikira kuna mamwe.
22 Only the land of the priests bought he not; for the priests had a portion assigned them by Pharaoh, and ate their portion which Pharaoh gave them: therefore they sold not their lands.
Kunyange zvakadaro hazvo, haana kutenga nyika yavaprista, nokuti ivo vaigamuchira migove nguva dzose kubva kuna Faro uye vakanga vane zvokudya zvakakwana kubva pamugove wavaipiwa naFaro. Ndokusaka vasina kutengesa nyika yavo.
23 Then Joseph said to the people, Behold, I have bought you this day and your land for Pharaoh: lo, here is seed for you, and ye shall sow the land.
Josefa akati kuvanhu, “Zvino zvandakutengai nhasi imi nenyika yenyu kuti muve vaFaro, heyi mbeu yokuti mudyare muminda.
24 And it shall come to pass in the harvest, that ye shall give the fifth part to Pharaoh, and four parts shall be your own, for seed of the field, and for your food, and for them of your households, and for food for your little ones.
Asi pamunokohwa, mupe chikamu chimwe chete kubva muzvishanu chazvo kuna Faro. Zvimwe zvikamu zvina kubva muzvishanu mungazvichengeta henyu sembeu dzomuminda nezvokudya zvenyu navari mudzimba dzenyu navana venyu.”
25 And they said, Thou hast saved our lives: let us find grace in the sight of my lord, and we will be Pharaoh’s servants.
Ivo vakati, “Makaponesa upenyu hwedu. Ngatiwanei hedu nyasha pamberi penyu ishe wedu; tichava varanda kuna Faro.”
26 And Joseph made it a law over the land of Egypt to this day, that Pharaoh should have the fifth part; except the land of the priests only, which became not Pharaoh’s.
Saka Josefa akasimbisa izvi somurayiro pamusoro penyika muIjipiti, murayiro uyu uchiri kushanda nanhasi, kuti chikamu chimwe chete kubva muzvishanu chezvibereko ndechaFaro. Nyika yavaprista bedzi ndiyo yakanga isiri yaFaro.
27 And Israel dwelt in the land of Egypt, in the country of Goshen; and they had possessions in it, and grew, and multiplied exceedingly.
Zvino vaIsraeri vakagara muIjipiti mudunhu reGosheni. Vakawana pfuma ikoko, vakabereka vana uye vakawanda zvikuru.
28 And Jacob lived in the land of Egypt seventeen years: so the whole age of Jacob was an hundred and forty and seven years.
Jakobho akagara muIjipiti kwamakore gumi namanomwe, uye akararama kwamakore zana namakumi mana namanomwe.
29 And the time drew near that Israel must die: and he called his son Joseph, and said to him, If now I have found grace in thy sight, put, I pray thee, thy hand under my thigh, and deal kindly and truly with me; bury me not, I pray thee, in Egypt:
Nguva yokufa kwaIsraeri yakati yaswedera, akadana mwanakomana wake Josefa uye akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi pako, isa ruoko rwako pasi pechidya changu uye ugovimbisa kuti uchandinzwira ngoni uye uchava wakatendeka. Usandiviga muIjipiti,
30 But I will lie with my fathers, and thou shalt carry me out of Egypt, and bury me in their buryingplace. And he said, I will do as thou hast said.
asi pandinozorora namadzibaba angu, mundibudise muIjipiti munondiviga pavakavigwa.” Iye akati, “Ndichaita sezvamareva.”
31 And he said, Swear to me. And he swore to him. And Israel bowed himself upon the bed’s head.
Ivo vakati, “Ndipikire.” Ipapo Josefa akapika kwaari, uye Israeri akanamata akasendamira pamusoro wetsvimbo yake.

< Genesis 47 >