< Genesis 43 >

1 And the famine was severe in the land.
Zvino nzara yakanga ichakanyanya munyika.
2 And it came to pass, when they had consumed the grain which they had brought from Egypt, their father said to them, Go again, buy us a little food.
Saka vakati vadya zviyo zvose zvavakanga vabva nazvo kuIjipiti, baba vavo vakati kwavari, “Dzokerai mundotitengera zvimwe zvokudya.”
3 And Judah spoke to him, saying, The man did solemnly protest to us, saying, Ye shall not see my face, except your brother be with you.
Asi Judha akati kwavari, “Murume uya akatiyambira kwazvo akati, ‘Hamungazooni chiso changuzve kunze kwokunge mununʼuna wenyu auya nemi.’
4 If thou wilt send our brother with us, we will go down and buy thee food:
Kana mukaendesa mununʼuna wedu nesu, tichaenda kundokutengerai zvokudya.
5 But if thou wilt not send him, we will not go down: for the man said to us, Ye shall not see my face, except your brother be with you.
Asi kana mukasamuendesa, hatingatongoendi, nokuti murume uya akati, ‘Hamungazooni chiso changuzve kunze kwokunge mununʼuna wenyu auya nemi.’”
6 And Israel said, Why dealt ye so ill with me, as to tell the man whether ye had yet a brother?
Israeri akabvunza akati, “Seiko makauyisa dambudziko iri pamusoro pangu zvamakaudza murume uyu kuti muno mumwe mununʼuna?”
7 And they said, The man asked us carefully concerning our state, and our kindred, saying, Is your father yet alive? have ye another brother? and we told him according to the tenor of these words: could we certainly know that he would say, Bring your brother down?
Ivo vakapindura vakati, “Murume uyu akatibvunzisisa kwazvo nezvedu uye nezvemhuri yedu. Akati, ‘Baba venyu vachiri vapenyu here? Muno mumwe mununʼuna here?’ Takangopindura mubvunzo wake zvakanaka. Ko, taiziva sei kuti aizoti, ‘Uyai nomununʼuna wenyu kuno?’”
8 And Judah said to Israel his father, Send the lad with me, and we will arise and go; that we may live, and not die, both we, and thou, and also our little ones.
Ipapo Judha akati kuna Israeri baba vake, “Tumai mukomana pamwe chete neni tibve taenda izvozvi, kuitira kuti isu nemi navana vedu tirarame uye tirege kufa.
9 I will be surety for him; of my hand shalt thou require him: if I bring him not to thee, and set him before thee, then let me bear the blame for ever:
Ini pachangu ndichava rubatso rwokuchengetedzeka kwake; musiyei muruoko rwangu pachangu. Kana ndikasadzoka naye kwamuri ndikamumisa pamberi penyu, ini ndichava nemhosva pamberi penyu muupenyu hwangu hwose.
10 For except we had delayed, surely now we had returned this second time.
Izvozvi dai tisina kunonoka, tingadai takatoenda uye takatodzoka kaviri kwose.”
11 And their father Israel said to them, If it must be so now, do this; take of the best fruits in the land in your vessels, and carry down to the man a present, a little balm, and a little honey, spices, and myrrh, nuts, and almonds:
Ipapo baba vavo Israeri vakati kwavari, “Kana zvakadaro, itai izvi zvino: Isai zvimwe zvibereko zvemichero yenyika ino zvakaisvonaka mumasaga enyu uye mugoenda nazvo sezvipo kumurume uyo, bharimu shoma shoma, nouchi hushoma shoma, zvinonhuhwira nemura, nzungu dzomupistakio namaarimondi.
12 And take double money in your hand; and the money that was returned in the mouth of your sacks, carry it again in your hand; it may be it was an oversight:
Mutakure mari yakapetwa kaviri, nokuti munofanira kudzorera mari yakanga yadzoserwa pamiromo yamasaga enyu. Zvichida kwaiva kukanganisa.
13 Take also your brother, and arise, go again to the man:
Toraiwo mununʼuna wenyu mudzokere izvozvi kumunhu uyo.
14 And God Almighty give you mercy before the man, that he may send away your other brother, and Benjamin. If I be bereaved of my children, I am bereaved.
Uye Mwari Wamasimba Ose ngaakunzwirei ngoni pamberi pomunhu uyo kuitira kuti asunungure mumwe mununʼuna wenyu naBhenjamini uye vagodzokazve nemi. Kana ndirini, kana ndafirwa navana vangu, ndafirwa hangu.”
15 And the men took that present, and they took double money in their hand, and Benjamin; and arose, and went down to Egypt, and stood before Joseph.
Saka varume vakatora zvipo nemari yakapetwa kaviri, naBhenjaminiwo. Vakakurumidza kuburuka kuIjipiti vakandozviratidza kuna Josefa.
16 And when Joseph saw Benjamin with them, he said to the ruler of his house, Bring these men home, and slaughter a beast, and make ready; for these men shall dine with me at noon.
Josefa akati achiona Bhenjamini anavo, akati kuvatariri veimba yake, “Torai varume ava muende navo kumba kwangu, muuraye chipfuwo mugogadzira zvokudya; vanofanira kudya neni masikati ano.”
17 And the man did as Joseph commanded; and the man brought the men into Joseph’s house.
Varume vakaita sezvavakanga vaudzwa naJosefa vakabva vatora varume vaya vakaenda navo kumba kwaJosefa.
18 And the men were afraid, because they were brought into Joseph’s house; and they said, Because of the money that was returned in our sacks at the first time are we brought in; that he may seek occasion against us, and fall upon us, and take us for slaves, and our donkeys.
Zvino varume vaya vakatya pavakatorwa vakaendwa navo kumba kwake. Vakafunga vakati, “Tauyiswa muno nokuda kwemari iya yakadzoserwa mumasaga edu panguva yokutanga. Anoda kutirwisa, agotikunda, agotisunga senhapwa uye agotora mbongoro dzedu.”
19 And they came near to the steward of Joseph’s house, and they spoke with him at the door of the house,
Saka vakaenda kumutariri waJosefa vakandotaura naye pamukova wokupinda mumba make.
20 And said, O sir, we came down indeed at the first time to buy food:
Vakati kwaari, “Tapota ishe, takauya kuno panguva yokutanga kuti tizotenga zvokudya.
21 And it came to pass, when we came to the inn, that we opened our sacks, and, behold, every man’s money was in the mouth of his sack, our money in full weight: and we have brought it again in our hand.
Asi patakamira pane imwe nzvimbo usiku, takazarura masaga edu uye mumwe nomumwe wedu akawana mari yake iri pamuromo wesaga, iyo mari yacho yose zvayo. Saka tadzoka nayo.
22 And other money have we brought down in our hands to buy food: we cannot tell who put our money in our sacks.
Tauyawo neimwe mari yokuti tizotenga zvokudya. Hatizivi akaisa mari yedu mumasaga edu.”
23 And he said, Peace be to you, fear not: your God, and the God of your father, hath given you treasure in your sacks: I had your money. And he brought Simeon out to them.
Iye akati, “Zvakanakai. Musatya henyu Mwari wenyu, iye Mwari wababa venyu, ndiye akakupai pfuma mumasaga enyu, ini ndakagamuchira mari yenyu.” Ipapo akabudisa Simeoni akamuuyisa kwavari.
24 And the man brought the men into Joseph’s house, and gave them water, and they washed their feet; and he gave their donkeys feed.
Mutariri uya akauyisa varume vaya mumba maJosefa, akavapa mvura kuti vashambe tsoka dzavo uye akapa mbongoro dzavo zvokudya.
25 And they made ready the present for Joseph’s coming at noon: for they heard that they should eat bread there.
Vakagadzira zvipo zvokupa Josefa pakusvika kwake masikati, nokuti vakanga vanzwa kuti vachandodya ikoko.
26 And when Joseph came home, they brought him the present which was in their hand into the house, and bowed themselves to him to the earth.
Josefa akati auya kumba, ivo vakamupa zvipo zvavakanga vapinda nazvo mumba, uye vakakotamira pasi kwaari.
27 And he asked them of their welfare, and said, Is your father well, the old man of whom ye spoke? Is he yet alive?
Akavabvunza mufaro, uye akati, “Vakadii baba venyu, mutana, vamakandiudza nezvavo? Vachiri vapenyu here?”
28 And they answered, Thy servant our father is in good health, he is yet alive. And they bowed their heads, and made obeisance.
Vakapindura vakati, “Muranda wenyu, ivo baba vedu vachiri vapenyu uye vanofara.” Uye vakakotama pasi kuti vamuremekedze.
29 And he lifted up his eyes, and saw his brother Benjamin, his mother’s son, and said, Is this your younger brother, of whom ye spoke to me? And he said, God be gracious to thee, my son.
Paakatarisa-tarisa akaona mununʼuna wake Bhenjamini, mwanakomana wamai vake chaiye, akabvunza akati, “Uyu ndiye mununʼuna wenyu gotwe, wamakandiudza nezvake here?” Uye akati, “Mwari akuitire nyasha, mwanakomana wangu.”
30 And Joseph made haste; for his heart yearned toward his brother: and he sought where to weep; and he entered into his chamber, and wept there.
Adumbirwa pakuona kwake mununʼuna wake, Josefa akakurumidza kubuda uye akatsvaka nzvimbo paangachema ari. Akapinda muimba yake yomukati akandochema ari imomo.
31 And he washed his face, and went out, and controlled himself, and said, Set on bread.
Shure kwokushamba uso hwake, akabuda uye akazvidzora, akati “Pakurai zvokudya.”
32 And they set on for him by himself, and for them by themselves, and for the Egyptians, who ate with him, by themselves: because the Egyptians might not eat bread with the Hebrews; for that is an abomination to the Egyptians.
Vakamupakurira ari oga, madzikoma vari voga, uye vaIjipita vaidya naye vari voga, nokuti vaIjipita vakanga vasingagoni kudya pamwe chete navaHebheru, nokuti zvinonyangadza kuvaIjipita.
33 And they sat before him, the firstborn according to his birthright, and the youngest according to his youth: and the men wondered one at another.
Varume vakanga vakagariswa pamberi pake zvaienderana namazera avo, kubva kudangwe kusvikira kugotwe; uye vakatarisana zvikavakatyamadza.
34 And he took and sent messes to them from before him: but Benjamin’s mess was five times so much as any of theirs. And they drank, and were merry with him.
Pavakagoverwa migove kubva patafura yaJosefa, mugove waBhenjamini wakanga wakawanda kashanu kupinda ani zvake pakati pavo. Saka vakadya nokunwa naye vakasununguka.

< Genesis 43 >