< Genesis 4 >

1 And Adam knew Eve his wife; and she conceived, and bore Cain, and said, I have gotten a man from the LORD.
Adhamu akarara nomukadzi wake Evha, uye akava nemimba akabereka Kaini. Akati, “Norubatsiro rwaJehovha, ndabereka murume.”
2 And she again bore his brother Abel. And Abel was a keeper of sheep, but Cain was a tiller of the ground.
Mushure akabereka mununʼuna wake Abheri. Zvino Abheri aiva mufudzi wamakwai, uye Kaini aiva murimi wevhu.
3 And in process of time it came to pass, that Cain brought of the fruit of the ground an offering to the LORD.
Mukufamba kwenguva, Kaini akauya nezvimwe zvezvibereko zvevhu sechipiriso kuna Jehovha.
4 And Abel, he also brought of the firstlings of his flock and of its fat. And the LORD had respect to Abel and to his offering:
Asi Abheri akauya nomugove wamafuta aibva mumhongora dzamakwai. Jehovha akagamuchira Abheri nechipiriso chake,
5 But to Cain and to his offering he had not respect. And Cain was very angry, and his countenance fell.
asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Saka Kaini akatsamwa zvikuru, uye chiso chake chikaunyana.
6 And the LORD said to Cain, Why art thou angry? and why is thy countenance fallen?
Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Wakatsamweiko? Seiko chiso chako chakaunyana?
7 If thou doest well, shalt thou not be accepted? and if thou doest not well, sin lieth at the door. And to thee shall be his desire, and thou shalt rule over him.
Kana ukaita zvakanaka, haungagamuchirwi here? Asi kana usingaiti zvakanaka, chivi chakakuvandira pamukova wako; chinoda kukubata, asi iwe unofanira kuchikunda.”
8 And Cain talked with Abel his brother: and it came to pass, when they were in the field, that Cain rose up against Abel his brother, and slew him.
Zvino Kaini akati kumununʼuna wake, “Ngatimbobuda tiende kumunda.” Uye vakati vari mumunda Kaini akarwisa mununʼuna wake Abheri akamuuraya.
9 And the LORD said to Cain, Where is Abel thy brother? And he said, I know not: Am I my brother’s keeper?
Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Aripiko mununʼuna wako Abheri?” Iye akati, “Handizivi. Ko, ndini muchengeti womununʼuna wangu here?”
10 And he said, What hast thou done? the voice of thy brother’s blood crieth to me from the ground.
Jehovha akati, “Waiteiko? Inzwa! Ropa romununʼuna wako riri kudanidzira kwandiri richibva muvhu.
11 And now art thou cursed from the earth, which hath opened her mouth to receive thy brother’s blood from thy hand;
Zvino watukwa uye wadzingwa panyika yazarura muromo wayo kuti imedze ropa romununʼuna wako kubva paruoko rwako.
12 When thou tillest the ground, it shall not henceforth yield to thee its strength; a fugitive and a vagabond shalt thou be in the earth.
Paunorima ivhu, harichazombokuberekeri zvibereko zvaro. Uchava mudzungairi asingatongozorori panyika.”
13 And Cain said to the LORD, My punishment is greater than I can bear.
Kaini akati kuna Jehovha, “Kurangwa kwangu kunopfuura zvandinokwanisa kutakura.
14 Behold, thou hast driven me this day from the face of the earth; and from thy face shall I be hid; and I shall be a fugitive and a vagabond in the earth; and it shall come to pass, that any one that findeth me shall slay me.
Nhasi muri kundidzinga kubva panyika, uye ndichavanzwa pamberi penyu; ndichava mudzungairi asina zororo panyika, uye ani naani achandiwana achandiuraya.”
15 And the LORD said to him, Therefore whoever slayeth Cain, vengeance shall be taken on him sevenfold. And the LORD set a mark upon Cain, lest any finding him should kill him.
Asi Jehovha akati kwaari, “Kwete hazvingadaro; kana munhu upi zvake akauraya Kaini, achatsiviwa kanomwe.” Ipapo Jehovha akaisa rupau pana Kaini kuitira kuti kurege kuva nomunhu anenge amuwana angazomuuraya.
16 And Cain went out from the presence of the LORD, and dwelt in the land of Nod, on the east of Eden.
Saka Kaini akabva pamberi paJehovha akandogara munyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.
17 And Cain knew his wife; and she conceived, and bore Enoch: and he built a city, and called the name of the city, after the name of his son, Enoch.
Kaini akarara nomukadzi wake, akava nemimba akamuberekera Enoki. Ipapo Kaini akanga achivaka guta, uye akaritumidza zita romwanakomana wake Enoki.
18 And to Enoch was born Irad: and Irad begat Mehujael: and Mehujael begat Methusael: and Methusael begat Lamech.
Enoki akaberekerwa Iradhi, uye Iradhi akanga ari baba vaMehujaeri, uye Mehujaeri akanga ari baba vaMetushaeri, uye Metushaeri akanga ari baba vaRameki.
19 And Lamech took to him two wives: the name of the one was Adah, and the name of the other Zillah.
Rameki akawana vakadzi vaviri, mumwe ainzi Adha uye mumwe ainzi Zira.
20 And Adah bore Jabal: he was the father of such as dwell in tents, and of such as have cattle.
Adha akabereka Jabhari, ndiye akanga ari baba vavaya vanogara mumatende vaichengeta zvipfuwo.
21 And his brother’s name was Jubal: he was the father of all such as handle the harp and flute.
Zita romununʼuna wake rainzi Jubhari; akanga ari baba wavose vanoridza rudimbwa nenyere.
22 And Zillah, she also bore Tubalcain, an instructor of every craftsman in brass and iron: and the sister of Tubalcain was Naamah.
Zira akanga ane mwanakomana, Tubhari-Kaini, aigadzira nhumbi dzemhando dzose dzendarira nedzesimbi. Hanzvadzi yaTubhari-Kaini yainzi Naama.
23 And Lamech said to his wives, Adah and Zillah, Hear my voice; ye wives of Lamech, hearken to my speech: for I have slain a man who wounded me, and a young man for hurting me.
Rameki akati kuvakadzi vake, “Adha naZira, nditeererei; imi vakadzi vaRameki, inzwai mashoko angu. Ndauraya munhu nokuti andikuvadza, nejaya nokuti randipwanya.
24 If Cain shall be avenged sevenfold, truly Lamech seventy and sevenfold.
Kana Kaini achitsiviwa kanomwe, naizvozvo Rameki kana makumi manomwe namanomwe.”
25 And Adam knew his wife again; and she bore a son, and called his name Seth: For God, said she, hath appointed me another seed instead of Abel, whom Cain slew.
Adhamu akararazve nomukadzi wake, akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Seti, achiti, “Mwari andipa mumwe mwana panzvimbo yaAbheri, sezvo Kaini akamuuraya.”
26 And to Seth, to him also there was born a son; and he called his name Enos: then began men to call upon the name of the LORD.
Setiwo akava nomwanakomana, akamutumidza zita rokuti Enoshi. Panguva iyo vanhu vakatanga kudana kuzita raJehovha.

< Genesis 4 >