< 2 Samuel 23 >

1 Now these are the last words of David. David the son of Jesse said, and the man who was raised on high, the anointed of the God of Jacob, and the sweet psalmist of Israel, said,
Aya ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi: “Chirevo chaDhavhidhi mwanakomana waJese, Chirevo chomurume akasimudzirwa noWokumusoro-soro, murume akazodzwa naMwari waJakobho, muimbi wenziyo waIsraeri:
2 The Spirit of the LORD spoke by me, and his word was on my tongue.
“Mweya waJehovha wakataura kubudikidza neni; shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.
3 The God of Israel said, the Rock of Israel spoke to me, He that ruleth over men must be just, ruling in the fear of God.
Mwari waIsraeri akataura, Dombo raIsraeri akati kwandiri: ‘Kana munhu achitonga vanhu mukururama, kana achitonga mukutya Mwari,
4 And he shall be as the light of the morning, when the sun riseth, even a morning without clouds; as the tender grass springing out of the earth by clear shining after rain.
akaita sechiedza chamangwanani pakubuda kwezuva mangwanani kusina makore, sokujeka kwezuva shure kwokunaya kwemvura kunomeresa uswa kubva pasi.’
5 Although my house is not so with God; yet he hath made with me an everlasting covenant, ordered in all things, and sure: for this is all my salvation, and all my desire, although he maketh it not to grow.
“Ko, imba yangu haisi yakadaro kuna Mwari here? Nokuti akaita sungano isingaperi neni, yakarongwa uye yakasimbiswa pazvinhu zvose. Ko, haachazozadzisi ruponeso rwangu uye agondipa zvose zvandinoda here?
6 But the worthless, all of them shall be as thorns thrust away, because they cannot be taken with hands:
Asi vanhu vakaipa vacharasirwa parutivi seminzwa, isingaunganidzwi noruoko.
7 But the man that shall touch them must be armed with iron and the staff of a spear; and they shall be utterly burned with fire in the same place.
Ani naani anobata minzwa anoshandisa mudziyo wesimbi kana rwiriko rwepfumo; uye ichapiswa zvachose pairi ipapo.”
8 These are the names of the mighty men whom David had: The Tachmonite that sat in the seat, chief among the captains; the same was Adino the Eznite: he lifted up his spear against eight hundred, whom he slew at one time.
Aya ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi: Joshebhi-Bhashebheti, muTakemoni, akanga ari mukuru waVatatu; akasimudza pfumo rake achirwa navarume mazana masere, akavauraya panguva imwe chete.
9 And after him was Eleazar the son of Dodo the Ahohite, one of the three mighty men with David, when they defied the Philistines that were there gathered together to battle, and the men of Israel had gone away:
Aimutevera akanga ari Ereazari, mwanakomana waDhodhai muAhohi. Somumwe wavarume vatatu voumhare, akanga ana Dhavhidhi pavakashora vaFiristia vakanga vakaungana paPasi Dhamimi kuti vazorwa. Ipapo varume veIsraeri vakadzokera shure,
10 He arose, and smote the Philistines until his hand was weary, and his hand clung to the sword: and the LORD wrought a great victory that day; and the people returned after him only to strip the slain.
asi iye akamira akabaya vaFiristia kusvikira ruoko rwake rwaneta uye rwanamatira pamunondo. Jehovha akaita kuti vakunde kwazvo zuva iroro; uye varwi vakadzokera kuna Ereazari, asi kundokutunura nhumbi dzavakafa chete.
11 And after him was Shammah the son of Agee the Hararite. And the Philistines were gathered together into a troop, where was a piece of ground full of lentiles: and the people fled from the Philistines.
Aimutevera akanga ari Shama mwanakomana weAgi muHarari. VaFiristia vakati vaungana pamwe chete panzvimbo yakanga ine munda wakanga uzere nenyemba, varwi vavaIsraeri vakatiza pamberi pavo.
12 But he stood in the midst of the ground, and defended it, and slew the Philistines: and the LORD wrought a great victory.
Asi Shama akanyatsomira pakati pomunda. Akaudzivirira akauraya vaFiristia, uye Jehovha akauyisa kukunda kukuru.
13 And three of the thirty leaders went down, and came to David in the harvest time to the cave of Adullam: and the troop of the Philistines encamped in the valley of Rephaim.
Panguva yokukohwa, vatatu pakati pavakuru makumi matatu vakaburuka kuna Dhavhidhi kubako reAdhurami, nguva iyoyo hondo yavaFiristia yakanga yakadzika misasa muMupata weRefaimi.
14 And David was then in a strong hold, and the garrison of the Philistines was then in Bethlehem.
Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye hondo yavaFiristia yakanga iri paBheterehema.
15 And David longed, and said, O that one would give me drink of the water of the well of Bethlehem, which is by the gate!
Dhavhidhi akapanga mvura akati, “Haiwa, dai mumwe andiwanirawo mvura yokunwa patsime riri pedyo reBheterehema!”
16 And the three mighty men broke through the host of the Philistines, and drew water out of the well of Bethlehem, that was by the gate, and took it, and brought it to David: nevertheless he would not drink of it, but poured it out to the LORD.
Saka mhare nhatu dzakapinda napakati pavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaitakura vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa, akaidururira pasi kuna Jehovha.
17 And he said, Be it far from me, O LORD, that I should do this: is not this the blood of the men that went in jeopardy of their lives? therefore he would not drink it. These things did these three mighty men.
Akati, “Ngazvive kure neni, Jehovha, kuti ndiite izvi! Ko, iri harisi ropa ravarume vakaendako vachiisa upenyu hwavo panjodzi here?” Uye Dhavhidhi akaramba kuinwa. Izvi ndizvo zvakaitwa nemhare nhatu.
18 And Abishai, the brother of Joab, the son of Zeruiah, was chief among three. And he lifted up his spear against three hundred, and slew them, and had the name among three.
Abhishai mununʼuna waJoabhu mwanakomana waZeruya akanga ari mukuru waVatatu. Akasimudza pfumo rake kuti arwe navarume mazana matatu, akavauraya, nokudaro akava nomukurumbira saVatatu.
19 Was he not most honourable of three? therefore he was their captain: yet he attained not to the first three.
Ko, haana kupiwa kuremekedzwa kukuru kupfuura vaya Vatatu here? Iye akazova mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengwa pakati pavo.
20 And Benaiah the son of Jehoiada, the son of a valiant man, of Kabzeel, who had done many deeds, he slew two lionlike men of Moab: he went down also and slew a lion in the midst of a pit in time of snow:
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari munhu woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita zvinhu zvikuru. Akauraya varume vaviri veMoabhu vakanga vari mhare. Akapindawo mugomba kuchitonhora kwazvo musi uyo, akauraya shumba imomo.
21 And he slew an Egyptian, a handsome man: and the Egyptian had a spear in his hand; but he went down to him with a staff, and plucked the spear out of the Egyptian’s hand, and slew him with his own spear.
Uye akabaya muIjipita akanga ari hofori. Kunyange zvazvo muIjipita akanga ane pfumo muruoko rwake, Bhenaya akarwa naye netsvimbo. Akabvuta pfumo rakanga riri muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake.
22 These things did Benaiah the son of Jehoiada, and had a name among three mighty men.
Ndiwo akanga ari mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akanga ano mukurumbira sowavarume vaya vatatu voumhare.
23 He was more honourable than the thirty, but he attained not to the first three. And David set him over his guard.
Akaremekedzwa zvikuru kupinda ani zvake wavaye Makumi Matatu, asi akanga asina kuverengwa pakati pavaya vatatu. Uye Dhavhidhi akamugadza kuti ave mutariri wavarindi vake.
24 Asahel the brother of Joab was one of the thirty; Elhanan the son of Dodo of Bethlehem,
Pakati pavaya Makumi Matatu paiti: Asaheri mununʼuna waJoabhu, Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema,
25 Shammah the Harodite, Elika the Harodite,
Shama muHarodhi, Erika muHarodhi,
26 Helez the Paltite, Ira the son of Ikkesh the Tekoite,
Herezi muPariti, Ira mwanakomana waIkeshi aibva kuTekoa,
27 Abiezer the Anethothite, Mebunnai the Hushathite,
Abhiezeri aibva kuAnatoti, Mebhunai muHushati,
28 Zalmon the Ahohite, Maharai the Netophathite,
Zarimoni muAhohi, Maharai muNetofati,
29 Heleb the son of Baanah, a Netophathite, Ittai the son of Ribai out of Gibeah of the children of Benjamin,
Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati, Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBhenjamini,
30 Benaiah the Pirathonite, Hiddai of the brooks of Gaash,
Bhenaya muPiratoni, Hidhai aibva kuhova dzeGaashi,
31 Abialbon the Arbathite, Azmaveth the Barhumite,
Abhi-Aribhoni muAribhati, Azimavheti muBharihumi,
32 Eliahba the Shaalbonite, of the sons of Jashen, Jonathan,
Eriabha muShaaribhoni, mwanakomana waJasheni, Jonatani
33 Shammah the Hararite, Ahiam the son of Sharar the Hararite,
mwanakomana waShama muHarari, Ahiami mwanakomana waSharari muHarari,
34 Eliphelet the son of Ahasbai, the son of the Maachathite, Eliam the son of Ahithophel the Gilonite,
Erifereti mwanakomana waAhasibhai muMaakati, Eriamu mwanakomana waAhitoferi muGironi,
35 Hezrai the Carmelite, Paarai the Arbite,
Heziro muKarimeri, Paarai muAribhiti,
36 Igal the son of Nathan of Zobah, Bani the Gadite,
Igari mwanakomana waNatani aibva kuZobha, mwanakomana waHagiri,
37 Zelek the Ammonite, Naharai the Beerothite, armourbearer to Joab the son of Zeruiah,
Zereki muAmoni, Naharai muBheeroti, mutakuri wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya,
38 Ira an Ithrite, Gareb an Ithrite,
Ira muItiri, Garebhi muItiri
39 Uriah the Hittite: thirty and seven in all.
naUria muHiti. Vose vaiva makumi matatu navanomwe pamwe chete.

< 2 Samuel 23 >