< Psalms 131 >

1 A Song of Ascents; of David. LORD, my heart is not haughty, nor mine eyes lofty; neither do I exercise myself in great matters, or in things too wonderful for me.
Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi, meso angu haana manyawi; handina hanya nezvinhu zvikuru kana zvinhu zvinonyanya kushamisa.
2 Surely I have stilled and quieted my soul; like a weaned child with his mother, my soul is with me like a weaned child.
Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu; somwana akarumurwa namai vake, somwana akarumurwa, ndizvo zvakaita mweya wangu mandiri.
3 O Israel, hope in the LORD from this time forth and for evermore.
Haiwa Israeri, isai tariro yenyu pana Jehovha, kubva zvino nokusingaperi.

< Psalms 131 >