< Isaiah 10 >

1 Woe unto them that decree unrighteous decrees, and to the writers that write perverseness:
Vane nhamo vanodzika mitemo isina kururama, neavo vanopa mitemo inodzvinyirira,
2 to turn aside the needy from judgment, and to take away the right of the poor of my people, that widows may be their spoil, and that they may make the fatherless their prey!
kuti vadzivise varombo kodzero dzavo uye vadzivise kururamisirwa kwavakadzvinyirirwa vavanhu vangu, vachipamba chirikadzi uye vachibira nherera.
3 And what will ye do in the day of visitation, and in the desolation which shall come from far? to whom will ye flee for help? and where will ye leave your glory?
Muchaita sei pazuva rokutongwa, njodzi painouya ichibva kure? Muchatizira kuna aniko kuti mubatsirwe? Upfumi hwenyu muchahusiyepiko?
4 They shall only bow down under the prisoners, and shall fall under the slain. For all this his anger is not turned away, but his hand is stretched out still.
Hapana chichasara asi kungokotama pakati penhapwa, kana kuwira pakati pavakaurayiwa. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake ruchakangosimudzwa.
5 Ho Assyrian, the rod of mine anger, the staff in whose hand is mine indignation!
“Une nhamo iwe Asiria, shamhu yokutsamwa kwangu, iye akabata tsvimbo yehasha dzangu mumaoko ake!
6 I will send him against a profane nation, and against the people of my wrath will I give him a charge, to take the spoil, and to take the prey, and to tread them down like the mire of the streets.
Ndiri kumutuma kurudzi rusina Mwari, ndinomutuma kuvanhu vanonditsamwisa, kundokomba nokutora nokubvuta zvakapambwa, nokuvatsikirira pasi sedope riri mumigwagwa.
7 Howbeit he meaneth not so, neither doth his heart think so; but it is in his heart to destroy, and to cut off nations not a few.
Asi izvi handizvo zvaanoda, izvi handizvo zvaanga achifunga; vavariro yake ndeyokuparadza, kupedza chose marudzi mazhinji.
8 For he saith, Are not my princes all of them kings?
Anoti, ‘Ko, machinda angu haazi madzimambo ose here?
9 Is not Calno as Carchemish? is not Hamath as Arpad? is not Samaria as Damascus?
Karino harina kuita sezvakaita Karikemishi here? Ko, Hamati harina kufanana neAripadhi, uye Samaria harina kufanana neDhamasiko here?
10 As my hand hath found the kingdoms of the idols, whose graven images did excel them of Jerusalem and of Samaria;
Ruoko rwangu sezvarwakatora umambo hwezvifananidzo, umambo hune zvifananidzo zvakakunda zveJerusarema neSamaria,
11 shall I not, as I have done unto Samaria and her idols, so do to Jerusalem and her idols?
ko, handichaitiri Jerusarema nezvifananidzo zvaro sezvandakaitira Samaria nezvifananidzo zvayo here?’”
12 Wherefore it shall come to pass, that when the Lord hath performed his whole work upon mount Zion and on Jerusalem, I will punish the fruit of the stout heart of the king of Assyria, and the glory of his high looks.
Kana Ishe achinge apedza basa rake rose pamusoro peGomo reZioni neJerusarema, achazoti, “Ndicharanga mambo weAsiria nokuda kwokuzvikudza kwomwoyo wake namanyawi emeso ake.
13 For he hath said, By the strength of my hand I have done it, and by my wisdom; for I am prudent: and I have removed the bounds of the peoples, and have robbed their treasures, and I have brought down as a valiant man them that sit [on thrones]:
Nokuti iye anoti, “‘Nesimba ramaoko angu ndakaita izvi, uye nouchenjeri hwangu, nokuti ndinonzwisisa. Ndakabvisa miganhu yendudzi, ndikapamba pfuma yavo; semhare ndakakunda madzimambo avo.
14 and my hand hath found as a nest the riches of the peoples; and as one gathereth eggs that are forsaken, have I gathered all the earth: and there was none that moved the wing, or that opened the mouth, or chirped.
Sezvinoita munhu anosvasvavira mudendere, saizvozvo ruoko rwangu rwakananavira pfuma yamarudzi; savarume vanounganidza mazai akasiyiwa, saizvozvo ndakaunganidza nyika dzose; hakuna yakapfakanyisa bapiro, kana kushamisa muromo wayo kuti irire.’”
15 Shall the axe boast itself against him that heweth therewith? shall the saw magnify itself against him that shaketh it? as if a rod should shake them that lift it up, or as if a staff should lift up [him that is] not wood.
Ko, demo ringazvirumbidza kupfuura iye anoritemesa here? Kana jeko ringazvirumbidza pamusoro pounorishandisa here? Zvinozoita sokunge tsvimbo inosimudza uyo anoitakura, kana mudonzvo kusimudza uyo asati ari huni!
16 Therefore shall the Lord, the Lord of hosts, send among his fat ones leanness; and under his glory there shall be kindled a burning like the burning of fire.
Naizvozvo, Ishe Jehovha Wamasimba Ose, achatumira denda rinoonza pamusoro pavarwi vakafuta; pasi pokubwinya kwake moto uchatungidzwa kufanana nemirazvo inopfuta.
17 And the light of Israel shall be for a fire, and his Holy One for a flame: and it shall burn and devour his thorns and his briers in one day.
Chiedza chaIsraeri chichava moto, noMutsvene wavo murazvo womoto; muzuva rimwe chete uchapfuta ugopedza minzwa yake norukato rwake.
18 And he shall consume the glory of his forest, and of his fruitful field, both soul and body: and it shall be as when a standardbearer fainteth.
Kubwinya kwamasango ake neminda yake yakaorera kuchaparadzwa chose, kufanana nomurwere anoramba achipera.
19 And the remnant of the trees of his forest shall be few, that a child may write them.
Uye miti yakasara yamasango ake ichava mishoma kwazvo, zvokuti mwana angagona kuinyora pasi.
20 And it shall come to pass in that day, that the remnant of Israel, and they that are escaped of the house of Jacob, shall no more again stay upon him that smote them; but shall stay upon the LORD, the Holy One of Israel, in truth.
Pazuva iro vakasara veIsraeri, vakapunyuka veimba yaJakobho, havachazovimbi naye iye akavarova, asi zvirokwazvo vachavimba naJehovha, Mutsvene waIsraeri.
21 A remnant shall return, [even] the remnant of Jacob, unto the mighty God.
Vakasara vachadzokera, vakasara vaJakobho, vachadzokera kuna Mwari Ane Simba.
22 For though thy people Israel be as the sand of the sea, [only] a remnant of them shall return: a consumption [is] determined, overflowing with righteousness.
Kunyange vanhu vako, iwe Israeri, vakaita sejecha regungwa, vachasara chete ndivo vachadzokera. Kuparadzwa kwakatotemwa, kuzere nokururama.
23 For a consummation, and that determined, shall the Lord, the LORD of hosts, make in the midst of all the earth.
Ishe, Jehovha Wamasimba Ose achapedzisa kuparadzwa kwakatemerwa nyika yose.
24 Therefore thus saith the Lord, the LORD of hosts, O my people that dwellest in Zion, be not afraid of the Assyrian: though he smite thee with the rod, and lift up his staff against thee, after the manner of Egypt.
Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose: “Haiwa, vanhu vangu vanogara muZioni, musatya vaAsiria, vanokurovai nomudonzvo nokukusimudzirai tsvimbo, sezvakaitwa neIjipiti.
25 For yet a very little while, and the indignation shall be accomplished, and mine anger, in their destruction.
Nokuti nenguva duku duku kutsamwa kwangu pamusoro penyu kuchapera, uye hasha dzangu dzichanangana nokuparadzwa kwavo.”
26 And the LORD of hosts shall stir up against him a scourge, as in the slaughter of Midian at the rock of Oreb: and his rod shall be over the sea, and he shall lift it up after the manner of Egypt.
Jehovha Wamasimba Ose achavarova netyava, samarovero aakaita vaMidhia padombo reOrebhi, uye achasimudza tsvimbo yake pamusoro pemvura zhinji, sezvaakaita muIjipiti.
27 And it shall come to pass in that day, that his burden shall depart from off thy shoulder, and his yoke from off thy neck, and the yoke shall be destroyed because of the anointing.
Pazuva iro mitoro yavo ichabviswa pamapfudzi enyu, nejoko ravo pamitsipa yenyu; joko richavhuniwa, nokuti manyanya kufuta.
28 He is come to Aiath, he is passed through Migron; at Michmash he layeth up his baggage:
Vanopinda muAyati; vopfuura nomuMigironi; vochengeta nhumbi paMikimashi.
29 they are gone over the pass; they have taken up their lodging at Geba: Ramah trembleth; Gibeah of Saul is fled.
Vanopfuura napamupata, vagoti, “Tichadzika matende paGebha usiku.” Rama rinobvunda; Gibhea raSauro rinotiza.
30 Cry aloud with thy voice, O daughter of Gallim! hearken, O Laishah! O thou poor Anathoth!
Ridza mhere, iwe mukunda weGarimi! Teerera, iwe Raisha! Newe Anatoti unonzwisa urombo!
31 Madmenah is a fugitive; the inhabitants of Gebim gather themselves to flee.
Madhimena riri kutiza; vanhu veGebhimi vanovanda.
32 This very day shall he halt at Nob: he shaketh his hand at the mount of the daughter of Zion, the hill of Jerusalem.
Zuva ranhasi vachamira paNobhi; vachakunga chibhakera chavo pagomo remwanasikana weZioni, pachikomo cheJerusarema.
33 Behold, the Lord, the LORD of hosts, shall lop the boughs with terror: and the high ones of stature shall be hewn down, and the lofty shall be brought low.
Tarirai, Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, achatema matavi nesimba guru. Miti mirefu refu ichawiswa, uye yakareba ichadzikiswa.
34 And he shall cut down the thickets of the forest with iron, and Lebanon shall fall by a mighty one.
Achatema matenhere esango nedemo; Rebhanoni ichawa pamberi paIye Ane Simba.

< Isaiah 10 >