< Luke 19 >

1 Jesus entered Jericho and made his way through the town.
Zvino Jesu wakapinda, akagura muJeriko.
2 There was a man there, known by the name of Zacchaeus, who was a senior tax collector and a rich man.
Zvino tarira, murume wainzi Zakewu nezita; iye wakange ari mutungamiriri wevateresi, uye iye waiva mufumi;
3 He tried to see what Jesus was like; but, being short, he was unable to do so because of the crowd.
uye wakatsvaka kuona Jesu kuti ndiani; asi wakange asingagoni nekuda kwechaunga, nokuti wakange ane chimiro chifupi.
4 So he ran on ahead and climbed into a mulberry tree to see Jesus, for he knew that he must pass that way.
Zvino wakamhanyira mberi, akakwira mumuonde wemusikamori kuti amuone; nokuti wakange achizopfuura nenzira iyo.
5 When Jesus came to the place, he looked up and said to him, ‘Zacchaeus, be quick and come down, for I must stop at your house today.’
Zvino Jesu wakati achisvika panzvimbo iyo, wakatarira kumusoro, akamuona, akati kwaari: Zakewu, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.
6 So Zacchaeus got down quickly, and joyfully welcomed him.
Zvino wakakurumidza kuburuka, akamugamuchira achifara.
7 On seeing this, everyone began to complain, ‘He has gone to stay with a man who is an outcast.’
Zvino vakati vazviona vakan'un'una vese vachiti: Wapinda kunogara nemurume mutadzi.
8 But Zacchaeus stood forward and said to the Master, ‘Listen, Master! I will give half my property to the poor, and, if I have defrauded anyone of anything, I will give him back four times as much.’
Asi Zakewu wakamira, akati kuna Ishe: Tarirai, hafu yefuma yangu, Ishe, ndinopa kuvarombo, uye kana ndakatora chinhu kune umwe munhu nekunyengera, ndinodzosera runa.
9 ‘Salvation has come to this house today,’ answered Jesus, ‘for even this man is a son of Abraham.
Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno; nokuti iyewo mwanakomana waAbhurahama.
10 The Son of Man has come to search for those who are lost and to save them.’
Nokuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzotsvaka nekuponesa chakarasika.
11 As the people were listening to this, Jesus went on to tell them a parable. He did so because he was near Jerusalem, and because they thought that the kingdom of God was going to be proclaimed at once.
Vakati vanzwa zvinhu izvi, wakawedzera akataura mufananidzo, nokuti wakange ava pedo neJerusarema, uye nekuti vaifunga kuti ushe hwaMwari hwobva hwodoonekereswa.
12 He said, ‘A nobleman once went to a distant country to receive his appointment to a kingdom and then return.
Naizvozvo wakati: Umwe munhu ane mbiri wakaenda kunyika iri kure, kunozvigamuchirira ushe agodzoka.
13 He called ten of his servants and gave them ten pounds of silver each, and told them to trade with them during his absence.
Zvino wakadana varanda vake gumi, ndokuvapa pondo gumi, ndokuti kwavari: Bhindaukai nayo kusvikira ndichiuya.
14 But his subjects hated him and sent envoys after him to say “We will not have this man as our king.”
Asi vanhu venyika yake vakange vachimuvenga, vakatuma nhume shure kwake, vachiti: Hatidi uyu kuti atitonge.
15 On his return, after having been appointed king, he directed that the servants to whom he had given his money should be summoned, so that he might learn what amount of trade they had done.
Zvino zvakaitika kuti adzoka agamuchira ushe, wakaraira kuti vaya varanda vaakange apa mari, vadanirwe kwaari, kuti anzwe kuti umwe neumwe wakawana zvakadini nekutengeserana.
16 The first came up, and said “Sir, your ten pounds have made a hundred.”
Wekutanga ndokusvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo gumi.
17 “Well done, good servant!” exclaimed the master. “As you have proved trustworthy in a very small matter, I appoint you governor over ten towns.”
Zvino akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka; nokuti wakange wakatendeka pachidiki-diki, uve nesimba pamusoro pemaguta gumi.
18 When the second came, he said “Your ten pounds, Sir, have produced fifty.”
Newechipiri wakasvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo shanu.
19 So the master said to him “And you I appoint over five towns.”
Akati kwaariwo: Newe, uve pamusoro pemaguta mashanu.
20 Another servant also came and said “Sir, here are your ten pounds; I have kept them put away in a handkerchief.
Zvino umwe wakasvika, achiti: Ishe, tarirai pondo yenyu, yandakange ndakachengeta mumucheka wekumeso;
21 For I was afraid of you, because you are a stern man. You take what you have not planted, and reap what you have not sown.”
nokuti ndakange ndichikutyai, nokuti muri munhu wakaoma; munotora zvamusina kuisa, muchikohwa izvo zvamusina kudzvara.
22 The master answered “Out of your own mouth I judge you, you worthless servant. You knew that I am a stern man, that I take what I have not planted, and reap what I have not sown?
Zvino wakati kwaari: Ndichakutonga nezvinobuda mumuromo mako, muranda wakaipa; wakange uchiziva kuti ini ndiri munhu wakaoma, ndichitora zvandisakaisa, nekukohwa izvo zvandisina kudzvara;
23 Then why didn’t you put my money into a bank? And I, on my return, could have claimed it with interest.
naizvozvo sei usina kuisa mari yangu mubhanga, kuti kana ndouya ndigozoitora pamwe nezvibereko.
24 Take away from him the ten pounds,” he said to those standing by, “and give them to the one who has the hundred.”
Ndokuti kune vakange vamirepo: Mutorerei pondo mupe kune ane pondo gumi.
25 “But, Sir,” they said, “he has a hundred pounds already!”
Asi vakati kwaari: Ishe, ane pondo gumi.
26 “I tell you,” he answered, “that, to him who has, more will be given, but, from him who has nothing, even what he has will be taken away.
Nokuti ndinoti kwamuri: Anazvo achapiwa; uye asina, kwaari kuchatorwa nezvaanazvo.
27 But as for my enemies, these men who would not have me as their king, bring them here and put them to death in my presence.”’
Asi vavengi vangu avo, vakange vasingadi kuti nditonge pamusoro pavo, uisai pano, muvauraye pamberi pangu.
28 After saying this, Jesus went on in front, going up to Jerusalem.
Zvino wakati areva zvinhu izvi, akapfuurira mberi, achikwira kuJerusarema.
29 It was when Jesus had almost reached Bethphage and Bethany, near the Mount of Olives, that he sent on two of the disciples.
Zvino zvakaitika oswedera kuBhetifage neBhetaniya pagomo rinonzi reMiorivhi, wakatuma vaviri vevadzidzi vake,
30 ‘Go to the village facing us,’ he said, ‘and, when you get there, you will find a foal tethered, which no one has yet ridden; untie it and lead it here.
achiti: Fambai muende mumusha wakatarisana nemwi; kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunungure, mugoriuisa.
31 And, if anybody asks you “Why are you untying it?”, you are to say this – “The Master wants it.”’
Zvino kana chero munhu akakubvunzai achiti: Munorisunungurirei? Muchataura kwaari kudai: Ishe anorida.
32 So the two who were sent went and found it as Jesus had told them.
Avo vakatumwa vakaenda vakanowana sezvaakange ataura kwavari.
33 While they were untying the foal, the owners asked them – ‘Why are you untying the foal?’
Zvino vakati vachisunungura dhongwana, varidzi varo vakati kwavari: Munosunungurirei dhongwana?
34 And the two disciples answered – ‘The Master wants it.’
Ivo ndokuti: Ishe anorida.
35 Then they led it back to Jesus, and threw their cloaks on the foal and put Jesus on it.
Zvino vakariuisa kuna Jesu; ndokukanda nguvo dzavo pamusoro pedhongwana, vakatasvisa Jesu pariri.
36 As he went along, the people kept spreading their cloaks in the road.
Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira.
37 When he had almost reached the place where the road led down the Mount of Olives, everyone of the many disciples began in their joy to praise God loudly for all the miracles that they had seen:
Zvino wakati oswedera ikozvino pamateru egomo reMiorivhi, chaunga chese chevadzidzi chikatanga kufara chichirumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ese esimba avakange vaona,
38 ‘Blessed is He who comes – our king – in the name of the Lord! Peace in heaven, and glory on high.’
vachiti: Wakaropafadzwa mambo anouya muzita raIshe; rugare kudenga, nekubwinya kumusoro-soro.
39 Some of the Pharisees in the crowd said to him, ‘Teacher, restrain your disciples.’
Uye vamwe veVaFarisi vari pakati pechaunga vakati kwaari: Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu.
40 But Jesus answered, ‘I tell you that if they are silent, the stones will call out.’
Zvino wakapindura akati kwavari: Ndinokuudzai kuti kana ava vakanyarara, mabwe achadanidzira.
41 When he drew near, on seeing the city, he wept over it, and said,
Zvino wakati aswedera, wakaona guta, akachema pamusoro paro,
42 ‘If only you had known, while yet there was time – even you – the things that make for peace! But now they have been hidden from your sight.
achiti: Dai newe waiziva, kunyange pazuva rino rako zvinhu zverugare rwako; asi zvino zvakavanzirwa meso ako.
43 For a time is coming when your enemies will surround you with earthworks, and encircle you, and hem you in on all sides;
Nokuti mazuva achasvika pamusoro pako, apo vavengi vako vachakukandira muchinjiziri wakakupoteredza, vachakukomba, nekukudzvinyidzira pamativi ese,
44 they will trample you down and your children within you, and they will not leave in you one stone on another, because you did not know the time of your visitation.’
uye vachakuputsira pasi iwe nevana vako mukati mako, havangasii mukati mako ibwe pamusoro pebwe; nokuti hauna kuziva nguva yekushanyirwa kwako.
45 Jesus went into the Temple Courts and began to drive out those who were selling,
Zvino wakapinda mutembere, akatanga kudzingira panze vakange vachitengesamo nevaitenga,
46 saying as he did so, ‘Scripture says – “My house will be a house of prayer”; but you have made it a den of robbers.’
achiti kwavari: Kwakanyorwa kuti: Imba yangu imba yemunyengetero; asi imwi maiita bako remakororo.
47 Jesus continued to teach each day in the Temple Courts; but the chief priests and teachers of the Law were eager to take his life, and so also were the leaders of the people.
Zvino waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu vakatsvaka kumuparadza.
48 Yet they could not see what to do, for the people all hung on his words.
Asi havana kuwana zvavangaita, nokuti vanhu vese vakamunamatira vachimunzwa.

< Luke 19 >