< Genesis 32 >

1 Jacob went on his way, and the angels of God met him.
Jakobho akaendawo nenzira yake, uye vatumwa vaMwari vakasangana naye.
2 When he saw them, Jacob said, "This is God's camp." He called the name of that place Mahanaim.
Jakobho akati achivaona, akati, “Uyu ndiwo musasa waMwari!” Saka akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Mahanaimi.
3 Jacob sent messengers ahead of him to Esau, his brother, to the land of Seir, the region of Edom.
Jakobho akatuma nhume mberi kwake kumukoma wake Esau munyika yeSeiri, iyo nyika yeEdhomu.
4 He commanded them, saying, "This is what you shall tell my lord, Esau: 'This is what your servant, Jacob, says. I have lived as a foreigner with Laban, and stayed until now.
Akavarayira akati, “Izvi ndizvo zvamunofanira kutaura kuna tenzi wangu Esau kuti: ‘Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, Ndakanga ndichigara naRabhani uye ndakagarako kusvikira zvino.
5 I have cattle, donkeys, flocks, male servants, and female servants. I have sent to tell my lord, that I may find favor in your sight.'"
Ndine mombe nembongoro, makwai nembudzi, varandarume navarandakadzi. Zvino ndiri kutuma shoko iri kuna she wangu, kuti ndiwane nyasha pamberi penyu.’”
6 The messengers returned to Jacob, saying, "We came to your brother Esau. Not only that, but he comes to meet you, and four hundred men with him."
Nhume dzakati dzadzoka kuna Jakobho, dzakati kwaari, “Takaenda kumukoma wenyu Esau, uye ari kuuya zvino kuzosangana nemi, uye ana varume mazana mana.”
7 Then Jacob was very afraid and was distressed. He divided the people who were with him, and the flocks, and the herds, and the camels, into two camps;
Ipapo Jakobho akatya zvikuru uye akatambudzika, akaparadzanisa vanhu vaakanga anavo mumapoka maviri, uye makwai nemombe nengamerawo.
8 and he said, "If Esau comes to the one camp, and strikes it, then the other camp will escape."
Akafunga akati, “Kana Esau akasvika akaparadza rimwe boka, boka rasara ringapunyuka.”
9 Jacob said, "God of my father Abraham, and God of my father Isaac, who said to me, 'Return to your country, and to your relatives, and I will do you good,'
Ipapo Jakobho akanyengetera akati, “Haiwa Mwari wababa vangu Abhurahama, Mwari wababa vangu Isaka, imi Jehovha makati kwandiri, ‘Dzokera kunyika yokwako nokuhama dzako, uye ndichaita kuti ubudirire,’
10 I am not worthy of the least of all the loving kindnesses and of all the faithfulness which you have shown to your servant; for with just my staff I passed over this Jordan, and now I have become two camps.
ini handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose idzi uye nokutendeka kwamakaratidza muranda wenyu. Ndakanga ndichingova netsvimbo yangu bedzi pandakayambuka Jorodhani urwu, asi zvino ndava mapoka maviri.
11 Please deliver me from the hand of my brother, from the hand of Esau: for I fear that he will come and attack me and the mothers with the children.
Ndinokumbira kuti mundiponese kubva muruoko rwomukoma wangu Esau, nokuti ndinotya kuti achasvika akandiuraya, uyewo madzimai aya navana vavo.
12 You said, 'I will surely do you good and make your descendants as the sand of the sea, which can't be counted because there are so many.'"
Asi imi makati, ‘Zvirokwazvo ndichaita kuti ubudirire uye kuti zvizvarwa zvako zvive sejecha regungwa, risingagoni kuverengwa.’”
13 So he spent the night there and selected from what he had acquired a present for his brother Esau:
Akapedza usiku hwose ipapo, uye pane zvaakanga anazvo, akatsaurira mukoma wake Esau chipo chaiti:
14 two hundred female goats and twenty male goats, two hundred ewes and twenty rams,
mazana maviri enhunzvi dzemakwai namakumi maviri enhongo dzembudzi, mazana maviri amatunzvi amakwai namakondobwe makumi maviri,
15 thirty milk camels with their young, forty cows, ten bulls, twenty female donkeys and ten male donkeys.
ngamera hadzi, makumi matatu navana vadzo, mhou dzemombe makumi mana nehando gumi, mbongoro hadzi makumi maviri uye nehono gumi.
16 He entrusted them into the hands of his servants as separate herds, and said to his servants, "Pass over before me, and keep some distance between the herds."
Akaita kuti zvichengetwe navaranda vake, boka rimwe nerimwe riri roga, uye akati kuvaranda vake, “Tungamirai mberi kwangu, uye musiye nzvimbo pakati pamapoka.”
17 He instructed the first, saying, "When Esau my brother meets you and asks you, saying, 'Whose are you? Where are you going? Whose are these ahead of you?'
Akarayira uya akanga achitungamirira akati, “Mukoma wangu Esau paanosangana nemi uye akakubvunza achiti, ‘Uri waaniko iwe, uye uri kuendepi, uye pfuma yose iri mberi kwako ndeyani?’
18 Then you shall say, 'They are your servant, Jacob's. It is a present sent to my lord Esau. And look, he also is behind us.'"
ipapo iwe unofanira kupindura uchiti, ‘Ndezvomuranda wenyu Jakobho. Izvi zvipo zvatumirwa kuna she wangu Esau, uye iye ari kutevera mumashure medu.’”
19 He instructed also the second, and the third, and all that followed the herds, saying, "This is how you are to speak to Esau, when you find him.
Akarayirawo wechipiri, wechitatu uye navamwe vose vaitevera mapoka achiti, “Munofanira kutaura chinhu chimwe chete kuna Esau pamunosangana naye.
20 You shall say, 'Not only that, but look, your servant Jacob is behind us.'" For, he said, "I will appease him with the present that goes before me, and afterward I will meet him. Perhaps he will accept me."
Uye murangarire kuti, ‘Muranda wenyu Jakobho ari kuuya mumashure medu.’” Nokuti akafunga akati, “Ndamunyaradza nezvipo zvandiri kumutumira mberi; pandinozomuona, zvichida achandigamuchira.”
21 So the gift passed over before him, and he himself stayed that night in the camp.
Saka chipo chaJakobho chakatungamira mberi kwake, asi iye pachake akavata mumusasa. Nokuti akafunga akati, “Ndichamunyaradza nezvipo zvandiri kutumira mberi; pandinozomuona, zvichida achandigamuchira.”
22 He got up that night and took his two wives, and his two female servants, and his eleven sons and crossed over the ford of the Jabbok.
Usiku ihwohwo Jakobho akamuka akatora vakadzi vake vaviri, varandakadzi vake navanakomana vake gumi nomumwe vakayambuka pazambuko reJabhoki.
23 He took them and sent them across the stream, and sent over all his possessions.
Shure kwokuvayambutsa rukova, akayambutsawo zvose zvaakanga anazvo.
24 Then Jacob was left alone. And a man wrestled with him until the rising of the dawn.
Saka Jakobho akasara ari oga, uye mumwe murume akaita mutsimba naye kusvikira utonga hwatsvuka.
25 When he saw that he did not defeat him, he struck the socket of his hip, and Jacob's hip was dislocated as he wrestled with him.
Murume uye paakaona kuti akanga asingagoni kumukunda, akabata pahudyu yaJakobho zvokuti hudyu yakashodogoka paakanga achiita mutsimba nomunhu uyu.
26 Then he said, "Let me go, for the dawn is breaking." But Jacob said, "I won't let you go unless you bless me."
Ipapo murume uya akati, “Ndirege ndiende, nokuti utonga hwatsvuka.” Asi Jakobho akapindura akati, “Handingatongokuregei muchienda kusvikira mandiropafadza.”
27 And he said to him, "What is your name?" He said, "Jacob."
Murume uya akamubvunza akati, “Zita rako ndianiko?” Jakobho akapindura akati, “Jakobho.”
28 Then he said, "Your name will no longer be called Jacob, but Israel, because you have struggled with God and with men and have prevailed."
Ipapo murume uya akati, “Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Israeri, nokuti wakarwa naMwari uye nomunhu ukakunda.”
29 Then Jacob asked him, "Please tell me your name." But he said, "Why is it that you ask what my name is?" And he blessed him there.
Jakobho akati, “Ndapota hangu, ndiudzei zita renyu.” Asi iye akapindura akati, “Seiko uchibvunza zita rangu?” Ipapo akamuropafadza.
30 So Jacob called the name of the place Peniel: "For I have seen God face to face, and my life has been preserved."
Saka Jakobho akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Penieri, akati, “Nokuti ndaona Mwari chiso nechiso, asi handina kufa.”
31 The sun rose on him as he passed by Peniel, and he limped because of his hip.
Zuva rakakwira pamusoro pake, paakanga opfuura Penieri, uye akanga achikamhina nokuda kwehudyu yake.
32 Therefore, to this day the children of Israel do not eat the tendon of the hip socket, because he struck Jacob's hip socket near that tendon.
Naizvozvo kusvikira zuva ranhasi vaIsraeri havadyi runda rakabatanidzwa nehudyu, nokuti hudyu yaJakobho yakanga yakuvadzwa pedyo nerunda.

< Genesis 32 >