< John 14 >

1 Let not your heart be troubled: ye believe in God, believe also in me.
Moyo wenyu ngaurege kutambudzika; munotenda kuna Mwari, tendaiwo kwandiri.
2 In my Father’s house are many mansions: if [it were] not [so], I would have told you. I go to prepare a place for you.
Mumusha maBaba vangu mune dzimba zhinji dzekugara; dai zvisina kudaro, ndingadai ndakakuudzai. Ndinoenda kunokugadzirirai nzvimbo.
3 And if I go and prepare a place for you, I will come again, and receive you unto myself; that where I am, [there] ye may be also.
Zvino ndikanokugadzirirai nzvimbo, ndichauyazve ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo ini pandiri, imwi muvepowo.
4 And whither I go ye know, and the way ye know.
Uye ini pandinoenda munoziva, nenzira munoziva.
5 Thomas saith unto him, Lord, we know not whither thou goest; and how can we know the way?
Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi kwamunoenda; ko tinogona kuziva sei nzira?
6 Jesus saith unto him, I am the way, the truth, and the life: no man cometh unto the Father, but by me.
Jesu akati kwaari: Ini ndiri nzira, nechokwadi, neupenyu; hapana anouya kuna Baba, asi nekwandiri.
7 If ye had known me, ye should have known my Father also: and from henceforth ye know him, and have seen him.
Dai maindiziva, maiziva Baba vanguwo; uye kubva ikozvino munovaziva, uye makavaona.
8 Philip saith unto him, Lord, shew us the Father, and it sufficeth us.
Firipi akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, uye zvakatikwanira.
9 Jesus saith unto him, Have I been so long time with you, and yet hast thou not known me, Philip? he that hath seen me hath seen the Father; and how sayest thou [then], Shew us the Father?
Jesu akati kwaari: Ndava nemwi nguva refu yakadai, hausati wandiziva here, Firipi? Waona ini, waona Baba; zvino unoreva sei uchiti: Tiratidzei Baba?
10 Believest thou not that I am in the Father, and the Father in me? the words that I speak unto you I speak not of myself: but the Father that dwelleth in me, he doeth the works.
Hautendi here kuti ini ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri ini, handiatauri pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa.
11 Believe me that I [am] in the Father, and the Father in me: or else believe me for the very works’ sake.
Nditendei kuti ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri; kana zvisakadaro nditendei nekuda kwemabasa amene.
12 Verily, verily, I say unto you, He that believeth on me, the works that I do shall he do also; and greater [works] than these shall he do; because I go unto my Father.
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, mabasa ini andinoita iye achaaitawo, uye makuru kune awa achaaita; nokuti ini ndinoenda kuna Baba vangu.
13 And whatsoever ye shall ask in my name, that will I do, that the Father may be glorified in the Son.
Uye chero chipi chamunokumbira muzita rangu, icho ndichachiita, kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana.
14 If ye shall ask any thing in my name, I will do [it.]
Kana muchikumbira chero chipi muzita rangu, ini ndichachiita.
15 If ye love me, keep my commandments.
Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.
16 And I will pray the Father, and he shall give you another Comforter, that he may abide with you for ever; (aiōn g165)
Neni ndichakumbira Baba, naivo vachakupai umwe Munyaradzi, kuti agare nemwi nekusingaperi, (aiōn g165)
17 [Even] the Spirit of truth; whom the world cannot receive, because it seeth him not, neither knoweth him: but ye know him; for he dwelleth with you, and shall be in you.
Mweya wechokwadi, iyo nyika yausingagoni kugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva. Asi imwi munomuziva, nokuti ugere nemwi, uchava mukati menyu.
18 I will not leave you comfortless: I will come to you.
Handingakusii muri nherera; ndichauya kwamuri.
19 Yet a little while, and the world seeth me no more; but ye see me: because I live, ye shall live also.
Kuchine chinguvana, nenyika haichazondioni; asi imwi muchandiona; nokuti ini ndinorarama, imwiwo muchararama.
20 At that day ye shall know that I [am] in my Father, and ye in me, and I in you.
Nezuva iro imwi muchaziva kuti ndiri muna Baba vangu, nemwi mandiri, neni mamuri.
21 He that hath my commandments, and keepeth them, he it is that loveth me: and he that loveth me shall be loved of my Father, and I will love him, and will manifest myself to him.
Ane mirairo yangu achiichengeta, ndiye anondida; uye anondida achadikanwa naBaba vangu; neni ndichamuda, uye ndichazviratidza kwaari.
22 Judas saith unto him, not Iscariot, Lord, how is it that thou wilt manifest thyself unto us, and not unto the world?
Judhasi, kwete Isikariyoti, akati kwaari: Ishe, chii kuti munozozviratidza kwatiri, asi kwete kunyika?
23 Jesus answered and said unto him, If a man love me, he will keep my words: and my Father will love him, and we will come unto him, and make our abode with him.
Jesu akapindura akati kwaari: Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu, naBaba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari, tikaita ugaro naye.
24 He that loveth me not keepeth not my sayings: and the word which ye hear is not mine, but the Father’s which sent me.
Asingandidi, haachengeti mashoko angu; neshoko ramunonzwa harisi rangu, asi raBaba vakandituma.
25 These things have I spoken unto you, being [yet] present with you.
Zvinhu izvozvi ndazvitaura kwamuri ndigere nemwi.
26 But the Comforter, [which is] the Holy Ghost, whom the Father will send in my name, he shall teach you all things, and bring all things to your remembrance, whatsoever I have said unto you.
Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, iwo Baba wavachatuma muzita rangu, iye achakudzidzisai zvinhu zvese, uye akuyeudzirei zvese zvandakataura kwamuri.
27 Peace I leave with you, my peace I give unto you: not as the world giveth, give I unto you. Let not your heart be troubled, neither let it be afraid.
Rugare ndinosiya kwamuri; rugare rwangu ndinopa kwamuri; kwete nyika sezvainopa, ini ndinopa kwamuri. Moyo wenyu ngaurege kutambudzika, kana kutya.
28 Ye have heard how I said unto you, I go away, and come [again] unto you. If ye loved me, ye would rejoice, because I said, I go unto the Father: for my Father is greater than I.
Manzwa kuti ini ndati kwamuri: Ndinoenda, uye ndichauya kwamuri. Kana maindida, maifara, nokuti ndati: Ndinoenda kuna Baba; nokuti Baba vangu vakuru kwandiri.
29 And now I have told you before it come to pass, that, when it is come to pass, ye might believe.
Uye ikozvino ndakuudzai zvisati zvaitika; kuti kana zvoitika mungatenda.
30 Hereafter I will not talk much with you: for the prince of this world cometh, and hath nothing in me.
Handichazotaurizve zvizhinji nemwi; nokuti mutongi wenyika ino anouya, asi haana chinhu kwandiri;
31 But that the world may know that I love the Father; and as the Father gave me commandment, even so I do. Arise, let us go hence.
asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, uye Baba sezvavakandiraira, ndinoita saizvozvo. Simukai, ngatibve pano.

< John 14 >