< Judges 1 >

1 After that Ioshua was dead, the children of Israel asked ye Lord, saying, Who shall goe vp for vs against the Canaanites, to fight first against them?
Mushure mokufa kwaJoshua, vaIsraeri vakabvunza Jehovha vakati, “Ndiani pakati pedu achatanga kukwidza kundorwa navaKenani?”
2 And the Lord said, Iudah shall goe vp: behold, I haue giuen the land into his hande.
Jehovha akapindura akati, “Judha ngaaende; ndapa nyika mumaoko ake.”
3 And Iudah said vnto Simeon his brother, Come vp with me into my lot, that we may fight against the Canaanites: and I likewise will goe with thee into thy lot: so Simeon went with him.
Ipapo varume veJudha vakati kuvaSimeoni hama dzavo, “Ngatiendei tose kunyika yatakagoverwa, kuti tindorwa navaKenani. Nesuwo tichaenda nemi kumugove wenyu.” Saka vaSimeoni vakaenda navo.
4 Then Iudah went vp, and the Lord deliuered the Canaanites and the Perizzites into their hands, and they slew of them in Bezek ten thousand men.
Judha paakarwisa, Jehovha akaisa vaKenani navaPerizi mumaoko avo uye vakauraya varume zviuru gumi paBhezeki.
5 And they founde Adoni-bezek in Bezek: and they fought against him, and slewe the Canaanites, and the Perizzites.
Ipapo ndipo pavakawana Adhoni Bhezeki vakarwa naye.
6 But Adoni-bezek fled, and they pursued after him, and caught him, and cut off the thumbes of his hands and of his feete.
Adhoni Bhezeki akatiza, asi vakamudzinganisa vakamubata, vakagura zvigunwe zvake zvikuru zvomumaoko nezvigunwe zvake zvikuru zvomumakumbo.
7 And Adoni-bezek said, Seuentie Kings hauing the thumbes of their hands and of their feete cut off, gathered bread vnder my table: as I haue done, so God hath rewarded me. so they brought him to Ierusalem, and there he died.
Ipapo Adhoni Bhezeki akati, “Madzimambo makumi manomwe, vagurwa zvigunwe zvikuru zvomumaoko nezvigunwe zvikuru zvokumakumbo, vakanonga zvimedu zvezvokudya pasi petafura yangu. Zvino Mwari anditsiva pane zvandakaita kwavari.” Vakaenda naye kuJerusarema akandofira ikoko.
8 (Nowe the children of Iudah had fought against Ierusalem, and had taken it and smitten it with the edge of the sworde, and had set the citie on fire.)
Varume veJudha vakarwisawo Jerusarema vakaritora. Vakakunda guta nomunondo uye vakaripisa.
9 Afterwarde also the children of Iudah went downe to fight against the Canaanites, that dwelt in the mountaine, and towarde the South, and in the lowe countrey.
Shure kwaizvozvo, varume veJudha vakaburuka vakandorwa navaKenani vaigara munyika yezvikomo, kuNegevhi uye nomujinga mezvikomo zvokumavirira.
10 And Iudah went against the Canaanites that dwelt in Hebron, which Hebron beforetime was called Kiriath-arba: and they slewe Sheshai, and Ahiman and Talmai.
Vakaenda vakandorwa navaKenani vaigara muHebhuroni (rainzi Kiriati Abha kare) vakakunda Sheshai, Ahimani neTarimai.
11 And from thence hee went to the inhabitantes of Debir, and the name of Debir in olde time was Kiriath-sepher.
Vachibva ipapo, vakaenda vakandorwa navanhu vaigara muDhebhiri (rainzi Kiriati Seferi kare.)
12 And Caleb saide, He that smiteth Kiriath-sepher, and taketh it, euen to him wil I giue Achsah my daughter to wife.
Uye Karebhu akati, “Ndichapa mwanasikana wangu Akisa kuti ave mukadzi kumurume acharwisa uye achatapa Kiriati Seferi.”
13 And Othniel the sonne of Kenaz Calebs yonger brother tooke it, to whome hee gaue Achsah his daughter to wife.
Otinieri mwanakomana waKenazi, mununʼuna waKarebhu, akarikunda, saka Karebhu akapa mwanasikana wake Akisa kuti awanikwe naye.
14 And when shee came to him, shee mooued him to aske of her father a field, and shee lighted off her asse, and Caleb saide vnto her, What wilt thou?
Rimwe zuva akati achisvika kuna Otinieri, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake. Akati aburuka pambongoro yake, Karebhu akamubvunza akati, “Ndingakuitireiko?”
15 And shee answered him, Giue mee a blessing: for thou hast giuen me a South countrey, giue me also springs of water: and Caleb gaue her the springs aboue and the springs beneath.
Iye akapindura akati, “Ndiitirei zvakanaka. Sezvo makandipa nyika kuNegevhi, ndipeiwo matsime emvura.” Ipapo Karebhu akamupa matsime okumusoro neezasi.
16 And the childre of Keni Moses father in law went vp out of the citie of the palme trees with the children of Iudah, into the wildernesse of Iudah, that lieth in the South of Arad, and went and dwelt among the people.
Zvizvarwa zvatezvara vaMozisi, vaKeni, vakakwidza vachibva kuGuta reMichindwe vaine varume veJudha kuti vandogara pakati pavanhu vokuGwenga reJudha riri kuNegevhi pedyo neAradhi.
17 But Iudah went with Simeon his brother, and they slewe the Canaanites that inhabited Zephath, and vtterly destroied it, and called the name of the citie Hormah.
Ipapo varume veJudha vakaenda navaSimeoni hama dzavo vakandorwisa vaKenani vaigara muZefati, uye vakaparadza guta iri zvachose. Naizvozvo rakatumidzwa kuti Horima.
18 Also Iudah tooke Azzah with the coasts thereof, and Askelon with the coasts thereof, and Ekron with the coastes thereof.
Varume veJudha vakakundazve Gaza, Ashikeroni neEkironi, guta rimwe nerimwe nenyika yaro.
19 And the Lord was with Iudah, and he possessed the mountaines: for he could not driue out the inhabitantes of the valleis, because they had charrets of yron.
Jehovha akanga ana vanhu veJudha. Vakatora nyika yezvikomo kuti ive yavo, asi havana kugona kudzinga vanhu vaibva mumapani, nokuti vakanga vane ngoro dzesimbi.
20 And they gaue Hebron vnto Caleb, as Moses had saide, and hee expelled thence the three sonnes of Anak.
Sokuvimbisa kwaMozisi, Hebhuroni yakapiwa kuna Karebhu, uyo akabudisa mairi vanakomana vatatu vaAnaki.
21 But the children of Beniamin did not cast out the Iebusites, that inhabited Ierusalem: therefore the Iebusites dwell with the children of Beniamin in Ierusalem vnto this day.
Kunyange zvakadaro, vaBhenjamini vakatadza kudzinga vaJebhusi, vaigara muJerusarema; kusvikira nhasi vaJebhusi vageremo navaBhenjamini.
22 They also that were of the house of Ioseph, went vp to Beth-el, and the Lord was with them,
Zvino veimba yaJosefa vakarwisa Bheteri, uye Jehovha aiva navo.
23 And the house of Ioseph caused to viewe Beth-el (and the name of the citie beforetime was Luz)
Vakati vatuma vanhu kundosora Bheteri (rainzi Ruzi kare),
24 And the spies sawe a man come out of the citie, and they saide vnto him, Shewe vs, we praie thee, the way into the citie, and we will shewe thee mercie.
Vasori vakaona murume achibuda muguta vakati kwaari, “Tiratidze kuti tingapinda sei muguta tigokuitira zvakanaka.”
25 And when hee had shewed them the waie into the citie, they smote the citie with the edge of the sworde, but they let the man and all his housholde depart.
Saka akavaratidza, uye vakakunda guta nomunondo asi vakaponesa murume uya nemhuri yake.
26 Then the man went into the lande of the Hittites, and built a citie, and called the name thereof Luz, which is the name thereof vnto this daie.
Ipapo akaenda kunyika yavaHiti, kwaakandovaka guta akaritumidza kuti Ruzi, rinova ndiro zita raro nanhasi.
27 Neither did Manasseh destroie Bethshean with her townes, nor Taanach with her townes, nor the inhabitantes of Dor with her townes, nor the inhabitants of Ibleam with her townes, neither the inhabitants of Megiddo with her townes: but the Canaanites dwelled still in that lande.
Asi Manase haana kudzinga vanhu veBheti Shani kana veTanaki kana veDhori kana veIbhireami kana veMegidho uye nenzvimbo dzavo dzokugara dzakapoteredza, nokuti vaKenani vakanga vazvipira kuti vagare munyika iyoyo.
28 Neuerthelesse when Israel was strong, they put the Canaanites to tribute, and expelled them not wholly.
VaIsraeri vakati vasimba vakamanikidza vaKenani kuti vashande basa rechibharo asi havana kumbovadzinga zvachose.
29 Likewise Ephraim expelled not the Canaanites that dwelt in Gezer, but the Canaanites dwelt in Gezer among them.
Uye Efuremu haana kudzingawo vaKenani vaigara muGeeri, asi vaKenani vakaramba vagere pakati pavo.
30 Neither did Zebulun expell the inhabitants of Kitron, nor the inhabitants of Nahalol, but the Canaanites dwelt among them, and became tributaries.
NaZebhuruniwo haana kudzinga vaKenani vaigara muKitironi kana muNaharori, avo vakaramba vagere pakati pavo; asi vakaita kuti vaite basa rechibharo.
31 Neither did Asher cast out the inhabitants of Accho, nor the inhabitants of Zidon, nor of Ahlab, nor of Achzib, nor of Helbah, nor of Aphik, nor of Rehob,
Uye Asheri haanawo kudzinga vaya vaigara muAko kana veSidhoni kana Ahirabhi kana Akizibhi kana Heribha kana Afeki kana Rehobhi,
32 But the Asherites dwelt among the Canaanites the inhabitantes of the lande: for they did not driue them out.
uye nokuda kwaizvozvo vanhu veAsheri vakagara pakati pavaKenani avo vaigara munyika.
33 Neither did Naphtali driue out the inhabitants of Beth-shemesh, nor the inhabitants of Beth-anath, but dwelt among the Canaanites the inhabitants of the lande: neuerthelesse the inhabitantes of Beth-shemesh, and of Beth-anath became tributaries vnto them.
Nafutari haana kudzinga avo vaigara muBheti Shemeshi kana muBheti Anati; asi vaNafutari vakagarawo pakati pavaKenani vaigara munyika, uye vaya vaigara muBheti Shemeshi neBheti Anati vakava vashandi vebasa rechibharo.
34 And the Amorites droue the children of Dan into the mountaine: so that they suffered them not to come downe to the valley.
VaAmori vakasundira vaDhani kunyika yezvikomo, vakasavatendera kuburuka kuti vauye kumapani.
35 And the Ammonites dwelt still in mount Heres in Aijalon, and in Shaalbim, and when the hand of Iosephs familie preuailed, they became tributaries:
Uye vaAmori vakashingirira kuti varambe vari muGomo reHeresi, Aijaroni neShaaribhimi, asi simba reimba yaJosefa rakati richiwanda, naivowo vakamanikidzwa kushanda basa rechibharo.
36 And the coast of the Amorites was from Maaleh-akrabbim, euen from Selah and vpward.
Muganhu wavaAmori waibva paMupata weChinyavada uchisvika kuSera uye uchipfuurira mberi.

< Judges 1 >