< 2 Corinthians 3 >

1 Doe we begin to praise our selues againe? or neede we as some other, epistles of recommendation vnto you, or letters of recommendation from you?
Tinotangazve kuzviratidza here? Kana tinotsvaka here, sevamwe, tsamba dzekuzviratidza kwamuri, kana dzekuratidza kunobva kwamuri?
2 Yee are our epistle, written in our hearts, which is vnderstand, and read of all men,
Imwi muri tsamba yedu, yakanyorwa mumoyo yedu, inozikanwa nekuverengwa nevanhu vese;
3 In that yee are manifest, to be the Epistle of Christ, ministred by vs, and written, not with yncke, but with the Spirite of the liuing God, not in tables of stone, but in fleshly tables of the heart.
muchiratidzwa kuti muri tsamba yaKristu inoshandiswa nesu, yakanyorwa kwete neingi, asi neMweya waMwari anorarama; kwete pamahwendefa emabwe, asi pamahwendefa enyama emoyo.
4 And such trust haue we through Christ to God:
Nechivimbo chakadai tinacho naKristu kuna Mwari;
5 Not that we are sufficient of our selues, to thinke any thing, as of our selues: but our sufficiencie is of God,
kwete kuti tinokwanisa isu pachedu kufunga chimwe chinhu sechinobva kwatiri, asi kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari;
6 Who also hath made vs able ministers of the Newe testament, not of the letter, but of the Spirite: for the letter killeth, but the Spirite giueth life.
iye wakatigonesa kuva vashumiri vesungano itsva, kwete yechakanyorwa asi yeMweya; nokuti chakanyorwa chinouraya, asi Mweya unoraramisa.
7 If then the ministration of death written with letters and ingrauen in stones, was glorious, so that the children of Israel coulde not beholde the face of Moses, for the glorie of his countenance (which glorie is done away.)
Asi kana ushumiri hwerufu, pazvinyorwa zvakavezwa pamabwe hwakasvikira mukubwinya, zvekuti vana vaIsraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMozisi nekuda kwekubwinya kwechiso chake, kwaipedzwa,
8 Howe shall not the ministration of the Spirite be more glorious?
ko shumiro yeMweya haingazovi nekubwinya kukuru here?
9 For if the ministerie of condemnation was glorious, much more doeth the ministration of righteousnesse exceede in glorie.
Nokuti kana shumiro yekupiwa mhosva iri kubwinya, shumiro yekururama ichakunda zvikuru sei mukubwinya.
10 For euen that which was glorified, was not glorified in this point, that is, as touching the exceeding glorie.
Nokuti kunyange icho chakabwinyiswa hachina kubwinyiswa pachinhu ichi nekuda kwekubwinya uku kwakanyanyisa.
11 For if that which should be abolished, was glorious, much more shall that which remaineth, be glorious.
Nokuti kana icho chinopedzwa chaiva nekubwinya, zvikuru sei icho chinogara, pakubwinya.
12 Seeing then that we haue such trust, we vse great boldnesse of speach.
Naizvozvo tine tariro yakadai, tinoshandisa ushingi ukuru mukutaura;
13 And we are not as Moses, which put a vaile vpon his face, that the children of Israel should not looke vnto the ende of that which should be abolished.
uye kwete saMozisi waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopedzwa.
14 Therefore their mindes are hardened: for vntill this day remaineth the same couering vntaken away in the reading of the olde Testament, which vaile in Christ is put away.
Asi fungwa dzavo dzakaomeswa, nokuti kusvikira zuva rino chifukidziro ichochi chichiripo chisina kubviswa pakuverengwa kwetesitamende yekare, chakapedzwa muna Kristu.
15 But euen vnto this day, whe Moses is read, the vaile is laid ouer their hearts.
Asi kusvikira zuva rino, kana kuchiverengwa Mozisi, chifukidziro chirere pamoyo wavo.
16 Neuertheles when their heart shall be turned to the Lord, the vaile shalbe taken away.
Chero rinhi kana achidzokera kuna Ishe, chifukidziro chinobviswa.
17 Nowe the Lord is the Spirite, and where the Spirite of the Lord is, there is libertie.
Zvino Ishe ndiye Mweya; uye pane Mweya waIshe pane rusununguko.
18 But we al behold as in a mirrour the glory of the Lord with open face, and are changed into the same image, from glorie to glorie, as by the Spirit of the Lord.
Asi isu tese, nechiso chakashama tichiona sepachionioni kubwinya kwaIshe, tinoshandurirwa kumufananidzo iwoyo kubva pakubwinya kuenda pakubwinya, sezvinobva kuMweya waIshe.

< 2 Corinthians 3 >