< Ezekiel 44 >

1 And he turned me back, toward the way of the gate of the outer sanctuary, which looked toward the east. And it was closed.
Ipapo murume uyu akandidzosera kusuo rokunze renzvimbo tsvene rakanga rakatarisa kumabvazuva, uye rakanga rakapfigwa.
2 And the Lord said to me: “This gate will be closed; it will not be opened. And man shall not cross through it. For the Lord, the God of Israel, has entered through it, and it shall be closed
Jehovha akati kwandiri, “Suo iri rinofanira kugara rakapfigwa. Harifaniri kuzarurwa; hakuna munhu angapinda naro. Rinofanira kugara rakapfigwa nokuti Jehovha, Mwari waIsraeri, akapinda napariri:
3 to the prince. The prince himself will sit at it, so that he may eat bread before the Lord; he will enter by the way of the vestibule of the gate, and he will depart by the same way.”
Muchinda pachake ndiye chete angagara mukati mesuo kuti adye ari pamberi paJehovha. Anofanira kupinda nenzira yapabiravira resuo agobuda nenzira imwe cheteyo.”
4 And he led me in, along the way of the north gate, in the sight of the house. And I saw, and behold, the glory of the Lord filled the house of the Lord. And I fell upon my face.
Ipapo murume uyu akandiuyisa nenzira yesuo rokumusoro nechemberi kwetemberi. Ndakatarisa ndikaona kubwinya kwaJehovha kuchizadza temberi yaJehovha, ndikawira pasi nechiso changu.
5 And the Lord said to me: “Son of man, set within your heart, and see with your eyes, and hear with your ears all that I am speaking to you about all the ceremonies of the house of the Lord and about all its laws. And set your heart upon the ways of the temple, along all the exits of the sanctuary.
Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, cherechedza zvakanaka, nyatsoteerera uye unzwisise zvinhu zvose zvandinokuudza maererano nemitemo yose yetemberi yaJehovha. Ucherechedze panopindwa napo mutemberi uye napanobudiwa napo panzvimbo tsvene.
6 And you shall say to the house of Israel, which provokes me: Thus says the Lord God: Let all your wicked deeds be sufficient for you, O house of Israel.
Uti kuimba inondimukira yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nhai imba yaIsraeri, chigutsikanai nezvinonyangadza zvamunoita!
7 For you bring in foreign sons, uncircumcised in heart and uncircumcised in flesh, so that they may be in my sanctuary and may defile my house. And you offer my bread, the fat, and the blood, yet you have broken my covenant by all your wicked deeds.
Pamusoro pezvinonyangadza zvamakaita, makapinza vatorwa vasina kudzingiswa pamwoyo napanyama munzvimbo yangu tsvene, muchizvidza temberi yangu muchindipa zvokudya, mafuta neropa, uye makaputsa sungano yangu.
8 And you have not observed the precepts of my sanctuary, yet you have stationed observers of my vigil in my sanctuary for yourselves.
Pachinzvimbo chokuita mabasa enyu akafanira zvinhu zvangu zvitsvene, makagadza vamwe vanhu kuti vave vatariri venzvimbo yangu tsvene.
9 Thus says the Lord God: Any foreigner, any foreign son who is in the midst of the sons of Israel, who is uncircumcised in heart and uncircumcised in flesh, shall not enter into my sanctuary.
Zvanzi naIshe Jehovha: Hakuna mutorwa asina kudzingiswa pamwoyo napanyama angapinde munzvimbo yangu tsvene, kunyange vatorwa zvavo vagere pakati pavaIsraeri.
10 And as for the Levites, they have withdrawn far away from me, in the errors of the sons of Israel, and they have gone astray from me after their idols, and they have borne their iniquity.
“‘VaRevhi vakaenda kure neni panguva yakatsauka Israeri uye vakadzungaira vachibva kwandiri vachitevera zvifananidzo zvavo vanofanira kuzvitakurira zvibereko zvechivi chavo.
11 They will be caretakers in my sanctuary, and doorkeepers at the gates of the house, and ministers to the house. They will slay the holocausts and the victims of the people. And they will stand before them, so that they may minister to them.
Vangashumira havo munzvimbo yangu tsvene, vari vatariri vamasuo etemberi uye vachishanda mairi; vangabayira havo zvibayiro zvinopiswa vagobayira zvibayiro zvavanhu, vagomira pamberi pavanhu vagovashumira.
12 But because they ministered to them in the sight their idols, and they became a stumbling block of iniquity to the house of Israel, for this reason, I have lifted up my hand against them, says the Lord God, and they will bear their iniquity.
Asi nemhaka yokuti vakavashumira pamberi pezvifananidzo zvavo vakaita kuti imba yaIsraeri iwire muchivi, naizvozvo ndakapika ruoko rwangu rwakasimudzwa kuti vanofanira kutakura vamene zvibereko zvechivi chavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
13 And they shall not draw near to me, so as to exercise the priesthood for me, and they shall not approach to any of my holy things, which are near the Holy of Holies. Instead, they will bear their shame and their wicked deeds, which they committed.
Havafaniri kuswedera kuti vandishumire savaprista kana kuswedera pane chinhu chipi nechipi chezvinhu zvangu zvitsvene kana pazvipiriso zvangu zvitsvene-tsvene; vanofanira kuzvitakurira kunyadziswa kwezvinyangadzo zvavakaita.
14 And I will make them doorkeepers of the house, for all its ministries and for all that will be done within it.
Asi hazvo ndichavaita vatariri vamabasa omutemberi nebasa rose rinofanira kuitwamo.
15 But the priests and the Levites who are the sons of Zadok, who observed the ceremonies of my sanctuary when the sons of Israel went astray from me, these shall draw near to me, so that they may minister for me. And they shall stand in my sight, so that they may offer to me the fat and the blood, says the Lord God.
“‘Asi vaprista, ivo vaRevhi nezvizvarwa zvaZadhoki, vakaita mabasa avo omunzvimbo yangu tsvene nokutendeka panguva yakatsauka vaIsraeri kubva kwandiri, ndivo vanofanira kuswedera kwandiri kuti vashumire pamberi pangu; vanofanira kumira pamberi pangu kuti vabayire zvibayiro zvamafuta neropa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
16 They shall enter into my sanctuary, and they shall draw near to my table, so that they may minister for me, and so that they may observe my ceremonies.
Ivo chete ndivo vanofanira kupinda munzvimbo yangu tsvene; ndivo chete vanofanira kuswedera patafura yangu kuti vashumire pamberi pangu vagoita basa rangu.
17 And when they enter the gates of the inner court, they shall be clothed with linen garments. Neither shall anything woolen be placed over them, when they minister within the gates of the inner and the outer court.
“‘Pavanopinda pamasuo omuruvazhe rwomukati, vanofanira kupfeka nguo dzomucheka, havafaniri kupfeka nguo dzamakushe pavanenge vachishumira pamasuo oruvazhe rwomukati kana mukati metemberi.
18 They shall have linen bands on their heads, and linen undergarments over their loins, and they shall not be girded so as to sweat.
Vanofanira kupfeka nguwani dzomucheka pamisoro yavo uye nguo dzomukati dzomucheka muzviuno zvavo. Havafaniri kufuka chinhu chinovaitisa ziya.
19 And when they go forth to the outer court to the people, they shall strip off their vestments, in which they ministered, and they shall place them in the storeroom of the sanctuary, and they shall clothe themselves with other garments. And they shall not sanctify the people in their vestments.
Pavanobuda vachipinda muruvazhe rwokunze kunova ndiko kuna vanhu, vanofanira kubvisa nguo dzavanga vachishumira nadzo vagodzisiya mumakamuri matsvene, vagopfeka dzimwe nguo, kuti varege kunatsa vanhu nenguo dzavo.
20 Now they shall not shave their heads, and they shall not grow long hair. Instead, they shall trim the hair of their heads.
“‘Havafaniri kuveura misoro yavo kana kurega bvudzi ravo richireba, asi vanofanira kugara vakachekerera bvudzi remisoro yavo.
21 And no priest shall drink wine, when he will be entering into the inner court.
Muprista haafaniri kunwa waini panguva yaanopinda muruvazhe rwomukati.
22 And they shall not take as wife a widow or one who has been divorced. Instead, they shall take virgins from the offspring of the house of Israel. But they may also take a widow, if she is the widow of a priest.
Havafaniri kuwana chirikadzi kana mukadzi akarambwa, vanofanira kuwana mhandara dzorudzi rwaIsraeri kana chirikadzi dzavaprista.
23 And they shall teach my people the difference between holy and defiled, and they shall distinguish for them between clean and unclean.
Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu mutsauko wezvitsvene nezvinhu zvisati zviri zvitsvene nokuvaratidza kusiyana kuri pakati pechisakachena nechakachena.
24 And when there has been a controversy, they shall stand in my judgments, and they shall judge. They shall observe my laws and my precepts, in all my solemnities, and they shall sanctify my Sabbaths.
“‘Vaprista vanofanira kushanda savatongi, pagakava ripi zvaro, uye vanofanira kutonga zviri pamitemo yangu. Vanofanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu pamitambo yose yakatarwa uye vanofanira kuchengetedza maSabata angu ave matsvene.
25 And they shall not enter to a dead person, lest they be defiled, except to father or mother, or son or daughter, or brother, or to a sister who does not have another man. By these, they may become unclean.
“‘Muprista haafaniri kuzvisvibisa nokuswedera pachitunha chomunhu akafa; kunyange zvakadaro hazvo, kana munhu akafa ari baba vake kana mai vake, mwanakomana wake kana mwanasikana, mukoma nomununʼuna kana hanzvadzi yanga isina kuwanikwa, ipapo angazvisvibisa hake.
26 And after he will have been cleansed, they shall number for him seven days.
Shure kwokunatswa kwake, anofanira kumirira kwamazuva manomwe.
27 And on the day when he enters into the sanctuary, to the inner court, so that he may minister to me in the sanctuary, he shall make an offering because of his offense, says the Lord God.
Pazuva raanopinda muruvazhe rwomukati rwenzvimbo tsvene kuti anoshumira munzvimbo tsvene, anofanira kupa chipiriso chake chechivi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
28 And there shall be no inheritance for them. I am their inheritance. And you shall not give them any possession in Israel. For I am their possession.
“‘Ndini chete ndichava nhaka yavaprista. Haufaniri kuvapa mugove pakati paIsraeri; ini ndichavapa mugove wavo.
29 They shall eat the victim both for sin and for offenses. And every vowed offering in Israel shall be theirs.
Vachadya zvipiriso zvezviyo, zvipiriso zvechivi nezvipiriso zvemhosva; uye zvinhu zvose zvakatsaurirwa Jehovha pakati paIsraeri zvichava zvavo.
30 And the first-fruits of all the firstborn, and all the libations out of all that is offered, shall belong to the priests. And you shall give the first-fruits of your foods to the priest, so that he may return a blessing to your house.
Zvakanakisisa, zvezvibereko zvenyu zvokutanga nezvipo zvenyu zvose zvakatsaurwa zvichava zvavaprista. Munofanira kuvapa mugove wokutanga woupfu hwakakuyiwa kuitira kuti makomborero agogara paimba yenyu.
31 The priests shall not consume anything which has died on its own, or which was seized by a beast, whether from the fowl or the cattle.”
Vaprista havafaniri kungodya zvinhu zvose, ingava shiri kana chipfuwo, chawanikwa chakafa kana chaurayiwa nezvikara zvesango.

< Ezekiel 44 >