< Deuteronomy 1 >

1 These are the words which Moses spoke to all Israel beyond the Jordan in the wilderness, in the Arabah opposite Suf, between Paran, Tophel, Laban, Hazeroth, and Dizahab.
Aya ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsraeri vose murenje kumabvazuva kweJorodhani, mumupata weArabha wakatarisana neSufi, pakati peParani neToferi, Rabhani, Hazeroti neDhizahabhi.
2 It is eleven days’ journey from Horeb by the way of Mount Seir to Kadesh Barnea.
(Zvinotora mazuva gumi nerimwe kubva paHorebhi kuenda kuKadheshi Bharinea nenzira yokuGomo reSeiri.)
3 In the fortieth year, in the eleventh month, on the first day of the month, Moses spoke to the children of Israel according to all that the LORD had given him in commandment to them,
Mugore ramakumi mana, nezuva rokutanga romwedzi wegumi nomumwe, Mozisi akazivisa vaIsraeri zvose izvo Jehovha akamurayira pamusoro pavo.
4 after he had struck Sihon the king of the Amorites who lived in Heshbon, and Og the king of Bashan who lived in Ashtaroth, at Edrei.
Izvi zvakaitika mushure mokunge akunda Sihoni mambo wavaAmori, akanga achitonga paHeshibhoni, uye paEdhirei akanga akunda Ogi mambo weBhashani, akanga achitonga muAshitaroti.
5 Beyond the Jordan, in the land of Moab, Moses began to declare this law, saying,
Mozisi akatanga kududzira murayiro uyu, vari nechokumabvazuva kweJorodhani munzvimbo yeMoabhu, achiti:
6 “The LORD our God spoke to us in Horeb, saying, ‘You have lived long enough at this mountain.
Jehovha Mwari wedu akataura kwatiri paHorebhi akati, “Magara nguva yakakwana pagomo rino.
7 Turn, and take your journey, and go to the hill country of the Amorites and to all the places near there: in the Arabah, in the hill country, in the lowland, in the South, by the seashore, in the land of the Canaanites, and in Lebanon as far as the great river, the river Euphrates.
Putsai musasa mugoenda kunyika yezvikomo yavaAmori; muende kumarudzi ose akavakidzana muArabha, mumakomo, nemuzasi mezvikomo zvokumadokero, nomuNegevhi uye kumahombekombe egungwa, nokunyika yavaKenani uye nokuRebhanoni, kusvikira kurwizi rukuru, irwo Yufuratesi.
8 Behold, I have set the land before you. Go in and possess the land which the LORD swore to your fathers—to Abraham, to Isaac, and to Jacob—to give to them and to their offspring after them.’”
Tarirai, ndakupai nyika iyi. Endaimo mundotora nyika iyo Jehovha akapika kuti achaipa kumadzibaba enyu, kuna Abhurahama, naIsaka, naJakobho, uye nokuzvizvarwa zvavo zvaizovatevera.”
9 I spoke to you at that time, saying, “I am not able to bear you myself alone.
Panguva iyoyo ndakati kwamuri, “Mava mutoro unorema kwazvo kuti ndikutakurei ndiri ndoga.
10 The LORD your God has multiplied you, and behold, you are today as the stars of the sky for multitude.
Jehovha Mwari wenyu akawedzera kuwanda kwenyu zvokuti nhasi mawanda senyeredzi dzokudenga.
11 May the LORD, the God of your fathers, make you a thousand times as many as you are and bless you, as he has promised you!
Jehovha Mwari wamadzibaba enyu, ngaakuwedzerei rune chiuru uye ngaakuropafadzei sezvaakavimbisa!
12 How can I myself alone bear your problems, your burdens, and your strife?
Asi ini ndingatakure seiko matambudziko enyu nemitoro yenyu uye nokupokana kwenyu ndiri ndoga?
13 Take wise men of understanding who are respected among your tribes, and I will make them heads over you.”
Zvisarudzirei varume vakachenjera, vanonzwisisa uye vanokudzwa kubva kurudzi rumwe norumwe rwamarudzi enyu, ndingovagadza pamusoro penyu.”
14 You answered me, and said, “The thing which you have spoken is good to do.”
Makandipindura muchiti, “Izvo zvamataura kuti zviitwe zvakanaka.”
15 So I took the heads of your tribes, wise and respected men, and made them heads over you, captains of thousands, captains of hundreds, captains of fifties, captains of tens, and officers, according to your tribes.
Saka ndakatora varume vaitungamirira marudzi enyu, varume vakachenjera uye vaikudzwa, ndikavagadza kuti vave vakuru pamusoro penyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vevane gumi uye navatariri vamarudzi.
16 I commanded your judges at that time, saying, “Hear cases between your brothers and judge righteously between a man and his brother, and the foreigner who is living with him.
Zvino panguva iyoyo ndakarayira vatongi venyu, ndikati: Inzwai kupokana kuri pakati pehama dzenyu mugovatonga zvakanaka, ingava mhaka iri pakati pavaIsraeri voga kana pakati pomumwe wavo nomutorwa.
17 You shall not show partiality in judgment; you shall hear the small and the great alike. You shall not be afraid of the face of man, for the judgment is God’s. The case that is too hard for you, you shall bring to me, and I will hear it.”
Musaita rusarura pakutonga; inzwai vose muduku kana mukuru zvakaenzanirana. Musatya munhu upi zvake, nokuti kutonga ndokwaMwari. Uyisai kwandiri mhaka yakanyanya kukuomerai, ndigoinzwa.
18 I commanded you at that time all the things which you should do.
Uye panguva iyoyo ndakakurayirai zvose zvamaifanira kuita.
19 We traveled from Horeb and went through all that great and terrible wilderness which you saw, by the way to the hill country of the Amorites, as the LORD our God commanded us; and we came to Kadesh Barnea.
Ipapo takasimuka kubva paHorebhi tikafamba takananga kunyika yamakomo yavaAmori tikapfuura nomurenje iro rose guru rinotyisa ramakaona, uye tikasvika paKadheshi Bharinea, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.
20 I said to you, “You have come to the hill country of the Amorites, which the LORD our God gives to us.
Ipapo ndakati kwamuri, “Masvika munyika yamakomo yavaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.
21 Behold, the LORD your God has set the land before you. Go up, take possession, as the LORD the God of your fathers has spoken to you. Do not be afraid, neither be dismayed.”
Tarirai, Jehovha Mwari wenyu akupai nyika iyo. Kwirai munoitora, sezvamakaudzwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Musatya; musaora mwoyo.”
22 You came near to me, everyone of you, and said, “Let’s send men before us, that they may search the land for us, and bring back to us word of the way by which we must go up, and the cities to which we shall come.”
Ipapo imi mose makauya kwandiri mukati, “Ngatitumei varume vanofanotungamira kuti vatisorere nyika vagodzoka kuzotiudza pamusoro penzira yatingafamba nayo uye namaguta atichandosvika kwaari.”
23 The thing pleased me well. I took twelve of your men, one man for every tribe.
Pfungwa iyoyo yakanga yakandinakira; nokudaro ndakasarudza varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe.
24 They turned and went up into the hill country, and came to the valley of Eshcol, and spied it out.
Ivo vakabva vakaenda munyika yamakomo, vakasvika kumupata weEshikori vakaisora.
25 They took some of the fruit of the land in their hands and brought it down to us, and brought us word again, and said, “It is a good land which the LORD our God gives to us.”
Vakatora mimwe yemichero yenyika iyoyo, vakauya nayo kwatiri, vakati, “Inyika yakanaka yatiri kupiwa naJehovha Mwari wedu.”
26 Yet you would not go up, but rebelled against the commandment of the LORD your God.
Asi makanga musingadi kuenda; mukamukira kurayira kwaJehovha Mwari wenyu.
27 You murmured in your tents, and said, “Because the LORD hated us, he has brought us out of the land of Egypt, to deliver us into the hand of the Amorites to destroy us.
Makanyunyuta muri mumatende enyu, mukati, “Jehovha anotivenga; naizvozvo akatibudisa muIjipiti kuti azotiisa mumaoko avaAmori kuti vatiparadze.
28 Where are we going up? Our brothers have made our heart melt, saying, ‘The people are greater and taller than we. The cities are great and fortified up to the sky. Moreover we have seen the sons of the Anakim there!’”
Tichaendepiko? Hama dzedu dzatiita kuti tiore mwoyo. Dzinoti, ‘Vanhu vacho vanotikunda pasimba napakureba; maguta acho makuru uye ane masvingo akareba zvokusvika kudenga. Takaona kunyange navaAnaki ikoko.’”
29 Then I said to you, “Do not be terrified. Do not be afraid of them.
Ipapo ini ndakati kwamuri, “Musavhunduka; musavatya.
30 The LORD your God, who goes before you, he will fight for you, according to all that he did for you in Egypt before your eyes,
Jehovha Mwari wenyu, iye anokutungamirirai, achakurwirai, sezvaakakuitirai muIjipiti, pamberi penyu chaipo,
31 and in the wilderness where you have seen how that the LORD your God carried you, as a man carries his son, in all the way that you went, until you came to this place.”
uye nomurenje. Imomo makaona kuti Jehovha Mwari wenyu akakutakurai sei, sezvinoita baba kana vachitakura mwanakomana wavo, nzira dzose dzamakafamba nadzo kudzamara muchisvika panzvimbo ino.”
32 Yet in this thing you did not believe the LORD your God,
Kunyange zvakadaro, hamuna kuvimba naJehovha Mwari wenyu,
33 who went before you on the way, to seek out a place for you to pitch your tents in: in fire by night, to show you by what way you should go, and in the cloud by day.
iye akakutungamirirai parwendo rwenyu, mumoto usiku nomugore pamasikati kuti akutsvagirei nzvimbo dzokudzika matende enyu uye kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo.
34 The LORD heard the voice of your words and was angry, and swore, saying,
Jehovha paakanzwa zvamakataura, akatsamwa akapika, achiti,
35 “Surely not one of these men of this evil generation shall see the good land which I swore to give to your fathers,
“Hakungavi nomunhu mumwe wechizvarwa ichi achaona nyika yakanaka yandakapika ndichiti ndichaipa kumadzibaba enyu,
36 except Caleb the son of Jephunneh. He shall see it. I will give the land that he has trodden on to him and to his children, because he has wholly followed the LORD.”
kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune achaiona, uye ndichamupa iye nezvizvarwa zvake nyika yaakatsika netsoka dzake nokuti akateerera Jehovha nomwoyo wose.”
37 Also the LORD was angry with me for your sakes, saying, “You also shall not go in there.
Nokuda kwenyu Jehovha akanditsamwira neniwo, akati, “Newewo hauchazoipindi.
38 Joshua the son of Nun, who stands before you, shall go in there. Encourage him, for he shall cause Israel to inherit it.
Asi mutevedzeri wako, Joshua, mwanakomana waNuni, ndiye achapindamo.
39 Moreover your little ones, whom you said would be captured or killed, your children, who today have no knowledge of good or evil, shall go in there. I will give it to them, and they shall possess it.
Asi vaduku venyu avo vamakati vachatapwa, vana venyu vasati vaziva zvakanaka kubva pane zvakaipa ndivo vachapinda munyika iyi. Ndichaipa kwavari uye vachaitora.
40 But as for you, turn, and take your journey into the wilderness by the way to the Red Sea.”
Asi kana murimi, dzokai mufambe makananga kurenje nenzira yokuGungwa Dzvuku.”
41 Then you answered and said to me, “We have sinned against the LORD. We will go up and fight, according to all that the LORD our God commanded us.” Every man of you put on his weapons of war, and presumed to go up into the hill country.
Ipapo imi makapindura mukati, “Takatadzira Jehovha. Tichaenda tigondorwa, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.” Nokudaro makashonga mumwe nomumwe nhumbi dzokurwa, muchifunga kuti zvaiva nyore kukwidza kunyika yamakomo.
42 The LORD said to me, “Tell them, ‘Do not go up and do not fight; for I am not among you, lest you be struck before your enemies.’”
Asi Jehovha akataura kwandiri, akati, “Vaudze kuti, ‘Musakwidza kundorwa, nokuti handiendi nemi. Muchakundwa navavengi venyu.’”
43 So I spoke to you, and you did not listen; but you rebelled against the commandment of the LORD, and were presumptuous, and went up into the hill country.
Naizvozvo ndakakutaurirai, asi imi hamuna kuda kuteerera. Makamukira murayiro waJehovha uye mukuzvikudza kwenyu makafamba mukapinda munyika yamakomo.
44 The Amorites, who lived in that hill country, came out against you and chased you as bees do, and beat you down in Seir, even to Hormah.
VaAmori vakanga vagere mumakomo iwayo vakauya kuzokurwisai; vakakudzinganisai sezvinoita nyuchi uye vakakurovai kubva paSeiri kusvikira paHoma.
45 You returned and wept before the LORD, but the LORD did not listen to your voice, nor turn his ear to you.
Makadzoka mukachema pamberi paJehovha, asi iye haana kuteerera kuchema kwenyu uye haana kurerekera nzeve yake kwamuri.
46 So you stayed in Kadesh many days, according to the days that you remained.
Naizvozvo makagara paKadheshi mazuva mazhinji, nguva yose yamakagarapo.

< Deuteronomy 1 >