< Genesis 37 >

1 And Jacob dwelt in the land of his father's sojourning, in the land of Canaan.
Jakobho akagara munyika yakanga yambogarwa nababa vake, iyo nyika yeKenani.
2 These are the generations of Jacob. Joseph, being seventeen years old, was feeding the flock with his brothers. And he was a lad with the sons of Bilhah, and with the sons of Zilpah, his father's wives, and Joseph brought the evil report of them to their father.
Iyi ndiyo nhoroondo yaJakobho. Josefa jaya ramakore gumi namanomwe, akanga achifudza makwai pamwe chete namadzikoma ake, vanakomana vaBhiriha navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake, uye akauya namashoko akaipa kuna baba vavo pamusoro pavo.
3 Now Israel loved Joseph more than all his sons, because he was the son of his old age. And he made for him a coat of many colors.
Zvino Israeri akanga achida Josefa kupfuura vamwe vavanakomana vake, nokuti akanga aberekwa panguva youtana hwake; uye akamuitira nguo yakaisvonaka.
4 And his brothers saw that their father loved him more than all his brothers. And they hated him, and could not speak peaceably to him.
Madzikoma ake akati aona kuti baba vavo vaimuda kupfuura ani zvake pakati pavo, vakamuvenga uye vakasagona kutaura naye mashoko akanaka.
5 And Joseph dreamed a dream, and he told it to his brothers, and they hated him yet the more.
Josefa akarota hope, uye paakaudza madzikoma ake izvozvo, vakanyanya kumuvenga.
6 And he said to them, Hear, I pray you, this dream which I have dreamed.
Akati kwavari, “Inzwai hope dzandakarota idzi:
7 For, behold, we were binding sheaves in the field, and, lo, my sheaf arose, and also stood upright. And, behold, your sheaves came round about, and made obeisance to my sheaf.
Takanga tichisunga zvisote zvezviyo kumunda onei pakarepo chisote changu chakasimuka chikamira chakati twi, asi zvisote zvenyu zvakaungana zvakapoteredza changu uye zvikakotama kwachiri.”
8 And his brothers said to him, Shall thou indeed reign over us? Or shall thou indeed have dominion over us? And they hated him yet the more for his dreams, and for his words.
Madzikoma ake akati kwaari, “Ko, iwe unoda kutitonga here? Ko, zvirokwazvo uchatitonga here iwe?” Uye vakanyanyisa kumuvenga nokuda kwokurota kwake uye nokuda kwezvaakanga ataura.
9 And he dreamed yet another dream, and told it to his brothers. And said, Behold, I have dreamed a dream again. And, behold, the sun and the moon and eleven stars made obeisance to me.
Ipapo akarotazve dzimwe hope, uye akadzitaura kumadzikoma ake. Akati, “Inzwai, ndarota dzimwe hope, uye panguva iyi zuva nomwedzi nenyeredzi gumi neimwe zvanga zvichindipfugamira.”
10 And he told it to his father, and to his brothers. And his father rebuked him, and said to him, What is this dream that thou have dreamed? Shall I and thy mother and thy brothers indeed come to bow down ourselves to thee to the earth?
Paakaudza baba vake pamwe chete namadzikoma ake, baba vake vakamutsiura vakati, “Kurotai kwawakaita uku? Ko, mai vako neni namadzikoma ako tichauya kuzokupfugamira here iwe zvirokwazvo?”
11 And his brothers envied him, but his father kept the saying in mind.
Madzikoma ake akamuitira godo, asi baba vake vakazvichengeta mumwoyo mavo.
12 And his brothers went to feed their father's flock in Shechem.
Zvino madzikoma ake akanga abuda kundofudza makwai ababa vavo pedyo neShekemu,
13 And Israel said to Joseph, Are not thy brothers feeding the flock in Shechem? Come, and I will send thee to them. And he said to him, Here I am.
uye Israeri akati kuna Josefa, “Sezvaunoziva, madzikoma ako ari kufudza makwai pedyo neShekemu. Uya, ndikutume kwavari.” Iye akati, “Zvakanaka.”
14 And he said to him, Go now, see whether it is well with thy brothers, and well with the flock, and bring me word again. So he sent him out of the valley of Hebron, and he came to Shechem.
Saka akati kwaari, “Enda undoona kana zvinhu zvakanaka kumadzikoma ako nezvipfuwo, ugodzoka kwandiri neshoko.” Ipapo akamutuma achibva napaMupata weHebhuroni. Josefa akati asvika kuShekemu,
15 And a certain man found him, and, behold, he was wandering in the field. And the man asked him, saying, What do thou seek?
mumwe murume akamuwana achidzungaira musango akamubvunza akati, “Uri kutsvakeiko?”
16 And he said, I am seeking my brothers. Tell me, I pray thee, where they are feeding.
Akapindura akati, “Ndiri kutsvaka madzikoma angu. Mungandiudzawo kwavanofudzira makwai avo here?”
17 And the man said, They are departed from here, for I heard them say, Let us go to Dothan. And Joseph went after his brothers, and found them in Dothan.
Murume uya akati, “Vabva pano, ndavanzwa vachiti, ‘Ngatiendei kuDhotani.’” Saka Josefa akatevera madzikoma ake akandovawana pedyo neDhotani.
18 And they saw him afar off. And before he came near to them, they conspired against him to kill him.
Asi vakamuona achiri kure, asati asvika kwavari, vakarangana kumuuraya.
19 And they said one to another, Behold, this dreamer comes.
Vakataurirana vachiti, “Hoyo muroti uya ouya!
20 Come now therefore, and let us kill him, and cast him into one of the pits. And we will say, An evil beast has devoured him. And we shall see what will become of his dreams.
Uyai zvino timuuraye tigomukanda mune rimwe ramatsime aya tigoti akadyiwa nechikara. Ipapo tichazoona zvinobva pakurota kwake.”
21 And Reuben heard it, and delivered him out of their hand, and said, Let us not take his life.
Rubheni akati anzwa izvi, akaedza kumununura kubva mumaoko avo. Akati, “Ngatiregei kumuuraya.
22 And Reuben said to them, Shed no blood. Cast him into this pit that is in the wilderness, but lay no hand upon him, that he might deliver him out of their hand, to restore him to his father.
Regai kuteura ropa. Mukandei mutsime iri muno mugwenga, asi regai kutambanudza maoko enyu paari.” Rubheni akareva izvozvi kuti amununure kwavari uye kuti agomudzosera kuna baba vake.
23 And it came to pass, when Joseph came to his brothers, that they stripped Joseph of his coat, the coat of many colors that was on him,
Saka Josefa akati asvika kumadzikoma ake, vakamubvisa nguo yake, iyo nguo iya yakanga yakaisvonaka, yaiva nemavara-mavara yaakanga akapfeka,
24 and they took him, and cast him into the pit. And the pit was empty; there was no water in it.
uye vakamutora vakamukanda mutsime. Zvino tsime rakanga rapwa risina mvura.
25 And they sat down to eat bread. And they lifted up their eyes and looked, and, behold, a caravan of Ishmaelites was coming from Gilead, with their camels bearing spicery and balm and myrrh, going to carry it down to Egypt.
Pavakagara kuti vadye zvokudya zvavo, vakasimudza meso avo vakaona ngoro dzavaIshumaeri dzichibva kuGireadhi. Ngamera dzavo dzakanga dzakatakura zvinonhuhwira, bharimu nemura, uye vakanga vachienda nazvo kuIjipiti.
26 And Judah said to his brothers, What profit is it if we kill our brother and conceal his blood?
Judha akati kuhama dzake, “Tichawaneiko kana tikauraya mununʼuna wedu tikafushira ropa rake?
27 Come, and let us sell him to the Ishmaelites, and let not our hand be upon him, for he is our brother, our flesh. And his brothers hearkened to him.
Uyai, ngatimutengesei kuvaIshumaeri ava tirege kutambanudza maoko edu paari; pamusoro pezvo iye mununʼuna wedu, nyama yedu neropa redu.” Madzikoma ake akatenderana.
28 And there passed by Midianites, merchantmen, and they drew and lifted Joseph up out of the pit, and sold Joseph to the Ishmaelites for twenty pieces of silver. And they brought Joseph into Egypt.
Saka vashambadziri veMidhiani vakati vasvika, madzikoma ake akabudisa Josefa kubva mutsime vakamutengesa kuvaIshumaeri namashekeri makumi maviri esirivha, ivo vakaenda naye kuIjipiti.
29 And Reuben returned to the pit, and, behold, Joseph was not in the pit. And he tore his clothes,
Rubheni paakadzokera kutsime uye akawana Josefa asisimo akabvarura nguo dzake.
30 and he returned to his brothers, and said, The child is not, and I, where shall I go?
Akadzokerazve kuvanunʼuna vake akati, “Mukomana haasisimo! Zvino ndichaendepiko?”
31 And they took Joseph's coat, and killed a he-goat, and dipped the coat in the blood.
Ipapo vakatora nguo yaJosefa, vakauraya mbudzi ndokunyika nguo iya muropa.
32 And they sent the coat of many colors, and they brought it to their father, and said, We have found this. Know now whether it is thy son's coat or not.
Vakatora nguo iya yakaisvonaka vakaenda nayo kuna baba vavo vakati, “Takanonga ichi. Cherechedzai muone kana ingava nguo yomwanakomana wenyu here.”
33 And he knew it, and said, It is my son's coat. An evil beast has devoured him; Joseph is without doubt torn in pieces.
Akaiziva akati, “Inguo yomwanakomana wangu! Zvimwe zvikara zvesango zvamudya. Zvirokwazvo Josefa akabvamburwa-bvamburwa.”
34 And Jacob tore his garments, and put sackcloth upon his loins, and mourned for his son many days.
Ipapo Jakobho akabvarura nguo dzake, akapfeka nguo dzamasaga akachema mwanakomana wake kwamazuva mazhinji.
35 And all his sons and all his daughters rose up to comfort him, but he refused to be comforted, and he said, For I will go down to Sheol to my son mourning. And his father wept for him. (Sheol h7585)
Vanakomana vake navanasikana vake vose vakauya kuzomunyaradza, asi akaramba kunyaradzwa. Akati, “Kwete, ndichaburuka kuguva ndichichema mwanakomana wangu.” Saka baba vake vakamuchema. (Sheol h7585)
36 And the Midianites sold him into Egypt to Potiphar, an officer of Pharaoh's, the captain of the guard.
Zvichakadaro, vaMidhiani vakatengesa Josefa muIjipiti kuna Potifa mumwe wavabati vaFaro, mukuru wavarindi.

< Genesis 37 >