< Højsangen 8 >

1 Oh, var du min broder, som died min moders bryst! Jeg kyssed dig derude, når vi mødtes, og blev ikke agtet ringe,
Dai chete wakanga uri sehanzvadzi kwandiri, akanwa pamazamu amai vangu! Ipapo kana ndaikuwana panze, ndaikutsvoda uye hapana aizondishora.
2 tog dig ind i min Moders hus, i min moders kamre, gav dig krydret vin at drikke, Granatæblers Most.
Ndaizokutora ndouya newe kumba kwamai vangu, ivo vakandidzidzisa. Ndaikupa waini yakaiswa zvinonhuhwira kuti unwe, nomukume wemitamba yangu.
3 Hans venstre under mit hoved, hans højre tager mig i favn.
Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.
4 Jeg besværger eder, Jerusalems Døtre: Gør ikke Kærligheden Uro, væk den ikke før den ønsker det selv!
Imi vanasikana veJerusarema ndinokurayirai: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga.
5 Hvem er hun, der kommer fra Ørkenen, støttet til sin ven? "Under Æbletræet vækked jeg dig; der nedkom din moder med dig, der nedkom hun, som dig fødte."
Ndianiko uyo ari kuuya achibva kurenje akazendamira pamudiwa wake? Mukadzi Pasi pomuti womuapuro ndakakumutsa; ipapo mai vako vakakubereka, ipapo ivo vairwadziwa vakakubereka.
6 Læg mig som en seglring om dit hjerte, som et Armbånd om din Arm! Thi Kærlighed er stærk som døden, Nidkærhed hård som Dødsriget; i dens gløder er Brændende Glød, dens lue er HERRENS Lue. (Sheol h7585)
Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso, sechisimbiso paruoko rwako; nokuti rudo rwakasimba sorufu, godo rarwo seguva harishanduki. Runopisa serimi romoto, somurazvo mukuru kwazvo. (Sheol h7585)
7 Mange Vande kan ikke slukke den, Strømme skylle den bort. Gav nogen alt Gods i sit Hus for Kærlighed, Hvem vilde agte ham ringe?
Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; nzizi hadzigoni kurukukura. Kunyange munhu akapa pfuma yose yemba yake kuti awane rudo, zvingazvidzwa chose.
8 Vi har en lille Søster, som endnu ej har bryster; hvad gør vi med med vor Søster, den dag hun får en Bejler?
Tine hanzvadzi yedu duku uye mazamu ake haasati akura. Tichaitireiko hanzvadzi yedu pazuva rokukumbirwa kwayo kuti iwanikwe?
9 Er hun en Mur, så bygger vi en krone af sølv derpå, men er hun en Dør, så spærrer vi den med Cederplanke.
Kana ari rusvingo, tichavaka shongwe dzesirivha paari. Kana ari musuo, tichamukomberedza namapuranga omusidhari.
10 Jeg er en Mur, Mine Bryster Tårne. Da blev jeg i hans Øjne som en, der finder Fred.
Ndiri rusvingo, mazamu angu akaita seshongwe. Ndizvo zvandava pamberi pake, somunhu anouyisa kugutsikana.
11 Salomo havde en Vingård i Ba'al-Hamon, til vogtere gav han den Vingård; hver kunne tjene tusind sekel Sølv på dens Frugt.
Soromoni aiva nomunda wemizambiringa muBhaari Hamoni; akapa munda wake wemizambiringa kuvanhu vairima vachimuripira. Mumwe nomumwe wavo pachibereko chawo aiuya namashekeri chiuru esirivha.
12 Jeg har for mig selv min Vingård; de tusinde, Salomo, er dine, to hundrede deres, som vogter dens Frugt.
Asi munda wangu wemizambiringa ndewangu kuti ndiupe; chiuru chamashekeri esirivha ndechako, iwe Soromoni, asi mazana maviri ndeevanochengeta michero yawo.
13 Du, som bor i Haverne, Vennerne lytter, lad mig høre din røst!
Iwe unogara mumapindu unoshandirwa neshamwari, rega ndinzwe inzwi rako!
14 Fly, min Ven, og vær som en Gazel, som den unge Hjort på Balsambjerge!
Handei mudiwa wangu, uite semhara kana setsvana pamusoro pamakomo azere zvinonhuhwira.

< Højsangen 8 >