< Galaterne 1 >

1 Paulus, Apostel, ikke af Mennesker, ikke heller ved noget Menneske, men ved Jesus Kristus og Gud Fader, som oprejste ham fra de døde,
Pauro mupostori, asina kutumwa zvichibva kuvanhu kana kumunhu, asi naJesu Kristu naMwari Baba, iye akamumutsa kubva kuvakafa,
2 og alle Brødrene, som ere med mig, til Menighederne i Galatien:
nehama dzose dzineni, kukereke dziri muGaratia:
3 Nåde være med eder og Fred fra Gud Fader og vor Herre Jesus Kristus,
Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu,
4 som gav sig selv for vore Synder, for at han kunde udfri os af den nærværende onde Verden, efter vor Guds og Faders Villie, (aiōn g165)
akazvipa nokuda kwezvivi zvedu kuti atisunungure kubva munyika yakaipa yazvino, maererano nokuda kwaMwari Baba vedu, (aiōn g165)
5 ham være Æren i Evigheders Evighed! Amen. (aiōn g165)
ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni. (aiōn g165)
6 Jeg undrer mig over, at I så snart lade eder føre bort fra ham, som kaldte eder til Kristi Nåde, hen til et anderledes Evangelium;
Ndinoshamiswa kuti munokurumidza kusiya uyo akakudanai nenyasha dzaKristu muchitsaukira kune rimwe vhangeri,
7 hvilket dog ikke er et andet, men det er kun nogle, som forvirre eder. og ville vende op og ned på Kristi Evangelium.
risati riri vhangeri chairo kana napaduku. Zviri pachena kuti vamwe vanhu vanoda kukukanganisai vachiedza kushandura vhangeri raKristu.
8 Men selv om vi eller en Engel fra Himmelen forkynder eder Evangeliet anderledes; end vi have forkyndt eder det, han være en Forbandelse!
Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi!
9 Som vi før have sagt, så siger jeg nu igen: Dersom nogen forkynder eder Evangeliet anderledes, end I have modtaget det, han være en Forbandelse!
Sezvatakamboreva, tinodarozve zvino tichiti: Kana kuno munhu upi zvake ari kuparidza kwamuri vhangeri kunze kweramakagamuchira, ngaave akatukwa nokusingaperi!
10 Taler jeg da nu Mennesker til Villie, eller Gud? eller søger jeg at behage Mennesker? Dersom jeg endnu vilde behage Mennesker, da var jeg ikke en Kristi Tjener.
Ko, ndiri kuedza kuzviratidza kuvanhu here kana kuti kuna Mwari? Kana kuti ndiri kuedza kufadza vanhu here? Dai ndakanga ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu.
11 Men jeg kundgør eder, Brødre! at det Evangelium, som er forkyndt af mig, er ikke Menneskeværk;
Ndinoda kuti muzive, hama, kuti vhangeri randakaparidza harisi chimwe chinhu chakangomuka mumunhu.
12 thi heller ikke jeg har modtaget det eller er bleven undervist derom af noget Menneske, men ved Åbenbarelse at Jesus Kristus.
Handina kurigamuchira kubva kumunhu upi zvake uye handina kuridzidziswa, asi ndakarigamuchira nokuzarurirwa kunobva kuna Jesu Kristu.
13 I have jo hørt om min Vandel forhen i Jødedommen, at jeg over al Måde forfulgte Guds Menighed og søgte at udrydde den.
Nokuti makanzwa zvamararamiro angu akare muchiJudha, kuti ndakatambudza zvikuru sei kereke yaMwari uye ndikaedza kuiparadza.
14 Og jeg gik videre i Jødedommen end mange jævnaldrende i mit Folk, idet jeg var langt mere nidkær for mine fædrene Overleveringer.
Ndakanga ndichishingaira kwazvo muchiJudha ndichipfuura vaJudha vazhinji vezera rangu uye ndakanga ndichishingairira tsika dzamadzibaba angu.
15 Men da det behagede Gud, som fra min Moders Liv havde udtaget mig og havde kaldet mig ved sin Nåde,
Asi Mwari akanditsaura kubva pakuzvarwa kwangu uye akandidana nenyasha dzake, paakafadzwa nazvo
16 at åbenbare sin Søn i mig, for at jeg skulde forkynde Evangeliet om ham iblandt Hedningerne: da spurgte jeg straks ikke Kød og Blod til Råds,
kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri kuti ndimuparidze pakati pavaHedheni, handina kutongobvunza munhu,
17 drog heller ikke op til Jerusalem, til dem, som før mig vare Apostle, men jeg drog bort til Arabien og vendte atter tilbage til Damaskus.
uye handina kuenda kuJerusarema kuti ndinoona vaya vakanga vari vapostori vakanditangira, asi nokukurumidza ndakaenda kuArabhia ndikazodzokazve kuDhamasiko pashure.
18 Senere, tre År efter, drog jeg op til Jerusalem for at blive kendt med Kefas og blev hos ham i femten Dage.
Ipapo shure kwamakore matatu, ndakakwira kuJerusarema kuti ndinozivana naPetro uye ndikandogara naye kwamazuva gumi namashanu.
19 Men nogen anden af Apostlene så jeg ikke, men kun Jakob, Herrens Broder.
Handina kuona vamwe vavapostori, kunze kwaJakobho mununʼuna waShe.
20 Men hvad jeg skriver til eder - se, for Guds Åsyn vidner jeg, at jeg ikke lyver.
Ndinotaura chokwadi pamberi paMwari kuti zvandinokunyorerai izvi hadzisi nhema.
21 Derefter kom jeg til Syriens og Kilikiens Egne.
Pashure ndakaenda kuSiria nokuSirisia.
22 Men personlig var jeg ukendt for Judæas Menigheder i Kristus;
Ndakanga ndisingazivikanwi pachiso kukereke dzeJudhea dziri muna Kristu.
23 de hørte kun sige: Han, som forhen forfulgte os, forkynder nu Evangeliet om den Tro, som han forhen vilde udrydde;
Vakangonzwa zvakaziviswa bedzi zvokuti, “Munhu uya aititambudza kare ava kuparidza zvino kutenda kuya kwaakanga achiedza kuparadza.”
24 og de priste Gud for mig.
Uye vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.

< Galaterne 1 >