< Izaija 12 >

1 Reći ćeš u dan onaj: Hvalim te, Jahve, razgnjevi se ti na mene, ali se odvratio gnjev tvoj i ti me utješi!
Pazuva iro muchati, “Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, kunyange makanga makanditsamwira, kutsamwa kwenyu kwakadzorwa uye makandinyaradza.
2 Evo, Bog je spasenje moje, uzdam se, ne bojim se više, jer je Jahve snaga moja i pjesma, on je moje spasenje.
Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye uye handingatyi. Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu; ava ruponeso rwangu.”
3 I s radošću ćete crpsti vodu iz izvora spasenja.
Nomufaro muchachera mvura kubva mumatsime oruponeso.
4 Reći ćete u dan onaj: Hvalite Jahvu prizivajte ime njegovo! Objavite narodima djela njegova, razglašujte uzvišenost imena njegova!
Pazuva iro muchati, “Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi, uye muparidze kuti zita rake risimudzirwe.
5 Pjevajte Jahvi, jer stvori divote, neka je to znano po svoj zemlji!
Imbirai Jehovha, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; izvi ngazvizivikanwe pasi pose.
6 Kličite i radujte se, stanovnici Siona, jer je velik među vama Svetac Izraelov!
Pururudzai uye muimbe nomufaro, imi vanhu veZioni, nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu.”

< Izaija 12 >