< 路加福音 9 >

1 耶穌叫齊了十二個門徒,給他們能力、權柄,制伏一切的鬼,醫治各樣的病,
Zvino wakadanira pamwe vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemadhimoni ese, nekuporesa zvirwere.
2 又差遣他們去宣傳上帝國的道,醫治病人,
Akavatuma kuparidza ushe hwaMwari nekuporesa varwere.
3 對他們說:「行路的時候,不要帶柺杖和口袋,不要帶食物和銀子,也不要帶兩件褂子。
Zvino akati kwavari: Musatakura chinhu cherwendo, kana mudonzvo, kana nhava, kana chingwa, kana mari; uye musava nenguvo refu mbiri umwe neumwe.
4 無論進哪一家,就住在那裏,也從那裏起行。
Uye imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, mugobvamo.
5 凡不接待你們的,你們離開那城的時候,要把腳上的塵土跺下去,見證他們的不是。」
Uye ani nani asingakugamuchirii, kana mobuda paguta iro, zuzai kunyange guruva patsoka dzenyu, huve uchapupu hunopikisana navo.
6 門徒就出去,走遍各鄉宣傳福音,到處治病。
Zvino vakabva vakaenda vachigura nemumisha yese, vachiparidza evhangeri, nekuporesa pese-pese.
7 分封的王希律聽見耶穌所做的一切事,就游移不定;因為有人說:「是約翰從死裏復活」;
Zvino Herodhe, umwe wevatongi vana, wakanzwa zvese zvakaitwa naye; akakanganisika, nokuti zvairehwa nevamwe kuti Johwani wakange amuka kubva kuvakafa;
8 又有人說:「是以利亞顯現」;還有人說:「是古時的一個先知又活了。」
nevamwe kuti Eria waonekwa; nevamwe kuti umwe muporofita wevekare wamuka.
9 希律說:「約翰我已經斬了,這卻是甚麼人?我竟聽見他這樣的事呢?」就想要見他。
Asi Herodhe wakati: Johwani ndakagura musoro ini; asi ndiani uyu, ini wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake? Akatsvaka kumuona.
10 使徒回來,將所做的事告訴耶穌,耶穌就帶他們暗暗地離開那裏,往一座城去;那城名叫伯賽大。
Zvino vaapositori vakati vadzoka, vakamurondedzera zvese zvavakange vaita. Akavatora, akaenda navo vari vega kunzvimbo yerenje reguta rinonzi Bhetisaidha.
11 但眾人知道了,就跟着他去;耶穌便接待他們,對他們講論上帝國的道,醫治那些需醫的人。
Zvino zvaunga zvakati zvazviziva, zvikamutevera; akavagamuchira, akataura kwavari zveushe hwaMwari, akaporesa vakange vachida kuporeswa.
12 日頭快要平西,十二個門徒來對他說:「請叫眾人散開,他們好往四面鄉村裏去借宿找吃的,因為我們這裏是野地。」
Zuva raiva rotanga kuvira; vanegumi nevaviri vakaswedera vakati kwaari: Regai chaunga chiende, kuti vaende kumisha nekuruwa rwakapoteredza, vagare, vawane kudya; nokuti pano patiri panzvimbo yerenje.
13 耶穌說:「你們給他們吃吧!」門徒說:「我們不過有五個餅,兩條魚,若不去為這許多人買食物就不夠。」
Asi wakati kwavari: Vapei imwi ivo kuti vadye. Vakati: Hatina zvinopfuura zvingwa zvishanu, nehove mbiri, kunze kwekuti isu taenda kunotengera vanhu ava vese kudya.
14 那時,人數約有五千。耶穌對門徒說:「叫他們一排一排地坐下,每排大約五十個人。」
Nokuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi mumapoka, rimwe nerimwe makumi mashanu.
15 門徒就如此行,叫眾人都坐下。
Vakaita saizvozvo, vakavagarisa vese pasi.
16 耶穌拿着這五個餅,兩條魚,望着天祝福,擘開,遞給門徒,擺在眾人面前。
Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vagadzike pamberi pechaunga.
17 他們就吃,並且都吃飽了;把剩下的零碎收拾起來,裝滿了十二籃子。
Vakadya, vakaguta vese; kukanongwa zvimedu zvakasara kwavari, matengu gumi nemaviri.
18 耶穌自己禱告的時候,門徒也同他在那裏。耶穌問他們說:「眾人說我是誰?」
Zvino zvakaitika ari ega achinyengetera, vadzidzi vakange vanaye; akavabvunza, achiti: Zvaunga zvinoti ndini ani?
19 他們說:「有人說是施洗的約翰;有人說是以利亞;還有人說是古時的一個先知又活了。」
Ivo vakapindura vakati: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; nevamwe vakati: Umwe muporofita wevekare wamuka.
20 耶穌說:「你們說我是誰?」彼得回答說:「是上帝所立的基督。」
Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati: Kristu waMwari.
21 耶穌切切地囑咐他們,不可將這事告訴人,
Akavayambirisa, akaraira kuti varege kuudza munhu izvi;
22 又說:「人子必須受許多的苦,被長老、祭司長,和文士棄絕,並且被殺,第三日復活。」
achiti: Mwanakomana wemunhu anofanira kutambudzika zvikuru, nekurambwa nevakuru nevapristi vakuru nevanyori, nekuurawa, nekumutswa zuva retatu.
23 耶穌又對眾人說:「若有人要跟從我,就當捨己,天天背起他的十字架來跟從我。
Zvino wakati kune vese: Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.
24 因為,凡要救自己生命的,必喪掉生命;凡為我喪掉生命的,必救了生命。
Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani nani anorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu, iye achahuponesa.
25 人若賺得全世界,卻喪了自己,賠上自己,有甚麼益處呢?
Nokuti munhu angabatsirwa nei, kana akawana nyika yese, asi iye pachake azvitadzire kana kurasikirwa?
26 凡把我和我的道當作可恥的,人子在自己的榮耀裏,並天父與聖天使的榮耀裏降臨的時候,也要把那人當作可恥的。
Nokuti ani nani anonyara pamusoro pangu nepamashoko angu, Mwanakomana wemunhu achanyara pamusoro pake paanouya mukubwinya kwake nekwaBaba nekwevatumwa vatsvene.
27 我實在告訴你們,站在這裏的,有人在沒嘗死味以前,必看見上帝的國。」
Asi ndinokuudzai zvechokwadi: Varipo vamwe vevamire pano vasingazoraviri rufu, kusvikira vaona ushe hwaMwari.
28 說了這話以後約有八天,耶穌帶着彼得、約翰、雅各上山去禱告。
Zvino zvakaitika mazuva anenge masere mushure memashoko awa, kuti wakatora Petro naJohwani naJakobho, akakwira mugomo kunonyengetera.
29 正禱告的時候,他的面貌就改變了,衣服潔白放光。
Zvino zvakaitika mukunyengetera kwake, chimiro chechiso chake chikashanduka, uye nguvo yake ikachena, ikapenya.
30 忽然有摩西、以利亞兩個人同耶穌說話;
Zvino tarira, varume vaviri vakataura naye, vaiva Mozisi naEria.
31 他們在榮光裏顯現,談論耶穌去世的事,就是他在耶路撒冷將要成的事。
Vakaonekwa mukubwinya, vakataura zvekubva kwake kwaakange achinopedzisa paJerusarema.
32 彼得和他的同伴都打盹,既清醒了,就看見耶穌的榮光,並同他站着的那兩個人。
Asi Petro nevaiva naye vakange varemerwa nehope; asi vakati vapepuka, vakaona kubwinya kwake, nevarume vaviri vaiva vamire naye.
33 二人正要和耶穌分離的時候,彼得對耶穌說:「夫子,我們在這裏真好!可以搭三座棚,一座為你,一座為摩西,一座為以利亞。」他卻不知道所說的是甚麼。
Zvino zvakaitika pakubva kwavo paari, Petro akati kuna Jesu: Tenzi, zvakanaka kuti tive pano; zvino ngatiite matende matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.
34 說這話的時候,有一朵雲彩來遮蓋他們;他們進入雲彩裏就懼怕。
Wakati achitaura izvi, kwakauya gore rikavadzikatira; vakatya pakupinda kwavo mugore.
35 有聲音從雲彩裏出來,說:「這是我的兒子,我所揀選的,你們要聽他。」
Zvino kwakabuda inzwi mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa; inzwai iye.
36 聲音住了,只見耶穌一人在那裏。當那些日子,門徒不提所看見的事,一樣也不告訴人。
Zvino inzwi rakati raitika, Jesu akawanikwa ari ega. Asi ivo vakanyarara, vakasaudza munhu mumazuva iwayo chimwe chezvinhu zvavakange vaona.
37 第二天,他們下了山,就有許多人迎見耶穌。
Zvino zvakaitika kuti nezuva raitevera, vaburuka mugomo, chaunga chikuru chikamuchingamidza.
38 其中有一人喊叫說:「夫子!求你看顧我的兒子,因為他是我的獨生子。
Zvino tarira, murume muchaunga wakadanidzira, achiti: Mudzidzisi, ndinokukumbirisai, tarirai mwanakomana wangu nokuti ndiye wakaberekwa umwe wega wangu;
39 他被鬼抓住就忽然喊叫;鬼又叫他抽瘋,口中流沫,並且重重地傷害他,難以離開他。
zvino tarirai, mweya unomubata, pakarepo woridza mhere, uye unomugwinhisa achipupuma furo, unorema kubva paari, asi uchimusvuura.
40 我求過你的門徒,把鬼趕出去,他們卻是不能。」
Zvino ndakakumbirisa vadzidzi venyu kuti vaubudise, asi vakasagona.
41 耶穌說:「噯!這又不信又悖謬的世代啊,我在你們這裏,忍耐你們要到幾時呢?將你的兒子帶到這裏來吧!」
Jesu achipindura akati: Haiwa zera risina rutendo rakatsauka, ndichava nemwi kusvikira rinhi, ndichikuitirai moyo murefu? Uisa mwanakomana wako pano.
42 正來的時候,鬼把他摔倒,叫他重重地抽瘋。耶穌就斥責那污鬼,把孩子治好了,交給他父親。
Zvino wakati achaswedera, dhimoni rikamudambura, rikamugwinhisa zvikuru; asi Jesu akatsiura mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake.
43 眾人都詫異上帝的大能 。 耶穌所做的一切事,眾人正希奇的時候,耶穌對門徒說:
Vese ndokushamiswa zvikuru neukuru hwaMwari. Zvino vese vachakashamisika nezvese Jesu zvaakaita, akati kuvadzidzi vake:
44 「你們要把這些話存在耳中,因為人子將要被交在人手裏。」
Imwi isai mashoko awa munzeve dzenyu: Nokuti Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa mumaoko evanhu.
45 他們不明白這話,意思乃是隱藏的,叫他們不能明白,他們也不敢問這話的意思。
Asi havana kuziva chirevo ichi, uye chakange chakavanzika kwavari, kuti vasachinzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pechirevo ichi.
46 門徒中間起了議論,誰將為大。
Zvino kwakamuka nharo pakati pavo, kuti ndiani angava mukurusa kwavari.
47 耶穌看出他們心中的議論,就領一個小孩子來,叫他站在自己旁邊,
Asi Jesu wakati achiona kufunga kwemoyo wavo, akatora mucheche, akamuisa parutivi rwake,
48 對他們說:「凡為我名接待這小孩子的,就是接待我;凡接待我的,就是接待那差我來的。你們中間最小的,他便為大。」
akati kwavari: Ani nani anogamuchira mucheche uyu muzita rangu, anogamuchira ini, uye ani nani anogamuchira ini anogamuchira wakandituma; nokuti mudikisa pakati penyu mese, ndiye achava mukuru.
49 約翰說:「夫子,我們看見一個人奉你的名趕鬼,我們就禁止他,因為他不與我們一同跟從你。」
Johwani akapindura akati: Tenzi, taona umwe achibudisa madhimoni muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateverani nesu.
50 耶穌說:「不要禁止他;因為不敵擋你們的,就是幫助你們的。」
Asi Jesu akati kwaari: Musamudzivisa, nokuti uyo asingatipikisi, ndewedu.
51 耶穌被接上升的日子將到,他就定意向耶路撒冷去,
Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva ekukwidzwa kwake, kuti iye akarinzira chiso chake kuenda kuJerusarema,
52 便打發使者在他前頭走。他們到了撒馬利亞的一個村莊,要為他預備。
akatuma vatumwa pamberi pechiso chake; vakaenda, vakapinda mumusha weVaSamaria, kunomugadzirira.
53 那裏的人不接待他,因他面向耶路撒冷去。
Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chaienda kuJerusarema.
54 他的門徒雅各、約翰看見了,就說:「主啊,你要我們吩咐火從天上降下來燒滅他們,像以利亞所做的嗎?」
Zvino vadzidzi vake, Jakobho naJohwani, vakati vachizviona vakati: Ishe, munoda kuti tiraire moto uburuke kubva kudenga, uvapedze, Eria sezvaakaitawo here?
55 耶穌轉身責備兩個門徒,說:「你們的心如何,你們並不知道。
Asi wakatendeuka akavatsiura akati: Hamuzivi kuti imwi muri vemweya wakadii.
56 人子來不是要滅人的性命,是要救人的性命。」說着就往別的村莊去了。
Nokuti Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoparadza upenyu hwevanhu asi kuhuponesa. Ndokuenda kune umwe musha.
57 他們走路的時候,有一人對耶穌說:「你無論往哪裏去,我要跟從你。」
Zvino zvakaitika vachifamba munzira, umwe wakati kwaari: Ishe, ndichakuteverai kupi zvako kwamunoenda.
58 耶穌說:「狐狸有洞,天空的飛鳥有窩,只是人子沒有枕頭的地方。」
Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paanotsamhidza musoro.
59 又對一個人說:「跟從我來!」那人說:「主,容我先回去埋葬我的父親。」
Akati kune umwe: Nditevere. Asi iye akati: Ishe, nditenderei ndiende kunoviga baba vangu pakutanga.
60 耶穌說:「任憑死人埋葬他們的死人,你只管去傳揚上帝國的道。」
Asi Jesu wakati kwaari: Rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe enda unoparidza ushe hwaMwari.
61 又有一人說:「主,我要跟從你,但容我先去辭別我家裏的人。」
Umwezve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi nditenderei kutanga kuti ndinovawoneka ivo vari mumba mangu.
62 耶穌說:「手扶着誆向後看的,不配進上帝的國。」
Asi Jesu akati kwaari: Hakuna ungati kana aisa ruoko rwake pagejo, akacheukira kuzvinhu zviri shure, wakafanira ushe hwaMwari.

< 路加福音 9 >