< 約書亞記 12 >

1 以色列人在約旦河外向日出之地擊殺二王,得他們的地,就是從亞嫩谷直到黑門山,並東邊的全亞拉巴之地。
Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa navaIsraeri uye nenyika yavo yavakatora kumabvazuva eJorodhani, kubva kuMupata weAnoni kusvikira kuGomo reHemoni, zvichisanganisira divi rose rokumabvazuva eArabha:
2 這二王,有住希實本、亞摩利人的王西宏。他所管之地是從亞嫩谷邊的亞羅珥和谷中的城,並基列一半,直到亞捫人的境界,雅博河
Sihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni. Aitonga kubva kuAroeri kumucheto woMupata weAnoni, kubva pakati pomupata, kusvikira kuRwizi rweJabhoki, unova muganhu wavaAmori. Izvi zvaisanganisira hafu yeGireadhi.
3 與約旦河東邊的亞拉巴,直到基尼烈海,又到亞拉巴的海,就是鹽海,通伯‧耶西末的路,以及南方,直到毗斯迦的山根。
Akatongawo kumabvazuva eArabha kubva kuGungwa reKinereti kusvikira kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), kusvikira kuBheti Jeshimoti, nokurutivi rwezasi nyasi kwemawere ePisiga.
4 又有巴珊王噩。他是利乏音人所剩下的,住在亞斯他錄和以得來。
Uyewo nenyika yaOgi mambo weBhashani, mumwe wevokupedzisira wavaRefi, akatonga muAshitaroti nomuEdhirei.
5 他所管之地是黑門山、撒迦、巴珊全地,直到基述人和瑪迦人的境界,並基列一半,直到希實本王西宏的境界。
Akatonga Gomo reHemoni, neSareka, neBhashani yose kusvikira kumuganhu wavanhu veGesheri neMaaka, nehafu yeGireadhi kusvikira kumuganhu waSihoni mambo weHeshibhoni.
6 這二王是耶和華僕人摩西和以色列人所擊殺的;耶和華僕人摩西將他們的地賜給呂便人、迦得人,和瑪拿西半支派的人為業。
Mozisi, muranda waJehovha, navaIsraeri vakavakunda. Uye Mozisi muranda waJehovha akapa nyika yavo kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi nehafu yorudzi rwaManase kuti ive nhaka yavo.
7 約書亞和以色列人在約旦河西擊殺了諸王。他們的地是從黎巴嫩平原的巴力‧迦得,直到上西珥的哈拉山。約書亞就將那地按着以色列支派的宗族分給他們為業,
Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa naJoshua navaIsraeri kurutivi rwokumavirazuva eJorodhani, kubva paBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni kusvikira kuGomo reHaraki, rinokwidza richienda kuSeiri (nyika dzavo Joshua akadzipa kumarudzi avaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo,
8 就是赫人、亞摩利人、迦南人、比利洗人、希未人、耶布斯人的山地、高原亞拉巴、山坡、曠野,和南地。
nyika yamakomo, mujinga mamakomo kwakadziva kumavirazuva, Arabha, mawere amakomo, gwenga neNegevhi, inova nyika yavaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi):
9 他們的王:一個是耶利哥王,一個是靠近伯特利的艾城王,
mambo weJeriko mumwe chete namambo weAi (pedyo neBheteri) mumwe chete
10 一個是耶路撒冷王,一個是希伯崙王,
mambo weJerusarema mumwe chete mambo weHebhuroni mumwe chete
11 一個是耶末王,一個是拉吉王,
mambo weJarumuti mumwe chete mambo weRakishi mumwe chete
12 一個是伊磯倫王,一個是基色王,
mambo weEgironi mumwe chete mambo weGezeri mumwe chete
13 一個是底璧王,一個是基德王,
mambo weDhebhiri mumwe chete mambo weGedheri mumwe chete
14 一個是何珥瑪王,一個是亞拉得王,
mambo weHoma mumwe chete mambo weAradhi mumwe chete
15 一個是立拿王,一個是亞杜蘭王,
mambo weRibhina mumwe chete mambo weAdhuramu mumwe chete
16 一個是瑪基大王,一個是伯特利王,
mambo weMakedha mumwe chete mambo weBheteri mumwe chete
17 一個是他普亞王,一個是希弗王,
mambo weTapua mumwe chete mambo weHeferi mumwe chete
18 一個是亞弗王,一個是拉沙崙王,
mambo weAfeki mumwe chete mambo weRasharoni mumwe chete
19 一個是瑪頓王,一個是夏瑣王,
mambo weMadhoni mumwe chete mambo weHazori mumwe chete
20 一個是伸崙‧米崙王,一個是押煞王,
mambo weShimuroni Meroni mumwe chete mambo weAkishafi mumwe chete
21 一個是他納王,一個是米吉多王,
mambo weTaanaki mumwe chete mambo weMegidho mumwe chete
22 一個是基低斯王,一個是靠近迦密的約念王,
mambo weKadheshi mumwe chete mambo weJokineamu muKarimeri mumwe chete
23 一個是多珥山岡的多珥王,一個是吉甲的戈印王,
mambo weDhori (muNafoti Dhori) mumwe chete mambo weGoyimi muGirigari mumwe chete
24 一個是得撒王;共計三十一個王。
mambo weTiriza mumwe chete, madzimambo makumi matatu nomumwe pamwe chete.

< 約書亞記 12 >