< 列王紀上 6 >

1 以色列人出埃及地後四百八十年,所羅門作以色列王第四年西弗月,就是二月,開工建造耶和華的殿。
Zvino mugore ramazana mana namakumi masere mushure mokubuda kwavaIsraeri munyika yeIjipiti, mugore rechina rokubata ushe kwaSoromoni pamusoro peIsraeri, mumwedzi waZivhi, unova mwedzi wechipiri, akatanga kuvaka temberi yaJehovha.
2 所羅門王為耶和華所建的殿,長六十肘,寬二十肘,高三十肘。
Temberi yakavakirwa Jehovha naMambo Soromoni yakanga yakareba makubhiti makumi matanhatu, ina makubhiti makumi maviri paupamhi hwayo, ina makubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo kumusoro.
3 殿前的廊子長二十肘,與殿的寬窄一樣,闊十肘;
Biravira raiva mberi kweimba huru yetemberi rakawedzera upamhi hwetemberi hwamakubhiti makumi maviri uye rakanga rakapfuurira mberi kwetemberi namakubhiti gumi.
4 又為殿做了嚴緊的窗櫺。
Akaitira temberi iyi mawindo ane upamhi hudiki.
5 靠着殿牆,圍着外殿內殿,造了三層旁屋;
Pamadziro eimba huru neeimba tsvene yomukati akavaka chivakwa chakapoteredza imba, chaiva nedzimwe dzimba kumativi.
6 下層寬五肘,中層寬六肘,上層寬七肘。殿外旁屋的樑木擱在殿牆坎上,免得插入殿牆。
Imba yapasi yaiva noupamhi hwamakubhiti mashanu, imba yapakati yaiva noupamhi hwamakubhiti matanhatu uye imba yechitatu yaiva namakubhiti manomwe. Nechokunze akavaka zvitakuriso kumativi kuti matanda arege kupinda mukati mamadziro etemberi.
7 建殿是用山中鑿成的石頭。建殿的時候,鎚子、斧子,和別樣鐵器的響聲都沒有聽見。
Pakuvaka madziro etemberi mabwe akanga avezwa chete ndiwo akashandiswa, uye hapana kunzwikwa kurira kwesando kana mbezo kana mumwe mudziyo patemberi payakanga ichivakwa.
8 在殿右邊當中的旁屋有門,門內有旋螺的樓梯,可以上到第二層,從第二層可以上到第三層。
Musuo weimba yapakati waiva kuchamhembe kwetemberi, paiva namatanho aienda kuimba yapasi, achizobva kuimba yapakati achienda kune yechitatu.
9 所羅門建殿,安置香柏木的棟樑,又用香柏木板遮蓋。
Naizvozvo akavaka temberi, uye akaipedza, akaturika denga ramatanda namapuranga emisidhari.
10 靠着殿所造的旁屋,每層高五肘,香柏木的棟樑擱在殿牆坎上。
Uye akavaka dzimba pamadziro etemberi yose. Imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti mashanu, uye dzakanga dzakabatanidzwa netemberi namatanda emisidhari.
11 耶和華的話臨到所羅門說:
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Soromoni richiti,
12 「論到你所建的這殿,你若遵行我的律例,謹守我的典章,遵從我的一切誡命,我必向你應驗我所應許你父親大衛的話。
“Pane zvetemberi iyi yauri kuvaka, kana ukatevera mitemo yangu, ukaita zvandakatema, uye ukachengeta mirayiro yangu yose nokuiteerera, ipapo ndichazadzisa chivimbiso changu newe, chandakavimbisa baba vako Dhavhidhi.
13 我必住在以色列人中間,並不丟棄我民以色列。」
Uye ndichagara pakati pavaIsraeri, uye handizorasi vanhu vangu vaIsraeri.”
14 所羅門建造殿宇。
Saka Soromoni akavaka temberi akaipedza.
15 殿裏面用香柏木板貼牆,從地到棚頂都用木板遮蔽,又用松木板鋪地。
Akaisa mapuranga emisidhari pamadziro etemberi nomukati, akaaroverera kubvira pasi kusvikira kumusoro, uye pasi pose pakanga pane mapuranga emusipuresi.
16 內殿,就是至聖所,長二十肘,從地到棚頂用香柏木板遮蔽。
Akakamura necheshure kwetemberi chimwe chikamu chakanga chakareba makubhiti makumi maviri, namapuranga emusidhari kubva pasi kusvika kumusoro kuti chive nzvimbo tsvene yomukati metemberi, Nzvimbo Tsvene-tsvene.
17 內殿前的外殿,長四十肘。
Imba huru yakanga iri pamberi peimba iyi yakanga yakareba makubhiti makumi mana.
18 殿裏一點石頭都不顯露,一概用香柏木遮蔽;上面刻着野瓜和初開的花。
Mukati metemberi makaitwa nemisidhari yakavezwa mifananidzo yemikombe namaruva akazaruka. Zvose zvaiva misidhari chete, hapana dombo raionekwa.
19 殿裏預備了內殿,好安放耶和華的約櫃。
Akagadzira nzvimbo tsvene yomukati, mukatikati metemberi, kuti agogadzikapo areka yesungano yaJehovha.
20 內殿長二十肘,寬二十肘,高二十肘,牆面都貼上精金;又用香柏木做壇,包上精金。
Mukati menzvimbo tsvene yomukati makanga makareba makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwayo makubhiti makumi maviri, uye makareba makubhiti makumi maviri pakukwirira kwamo mudenga. Akafukidza mukati mose negoridhe rakaisvonaka, uye akafukidzawo aritari namapuranga omusidhari.
21 所羅門用精金貼了殿內的牆,又用金鍊子掛在內殿前門扇,用金包裹。
Soromoni akafukidza mukati metemberi yose negoridhe rakaisvonaka, uye akaisa ngetani dzegoridhe dzakachinjika pamberi penzvimbo tsvene yomukati, iyo yakanga yakafukidzwa mukati mose negoridhe.
22 全殿都貼上金子,直到貼完;內殿前的壇,也都用金包裹。
Saka akafukidza mukati mose negoridhe. Akafukidzawo aritari yenzvimbo tsvene yomukati negoridhe.
23 他用橄欖木做兩個基路伯,各高十肘,安在內殿。
Akaita makerubhi maviri omuti womuorivhi, rimwe nerimwe rakareba makubhiti gumi, munzvimbo tsvene yomukati.
24 這一個基路伯有兩個翅膀,各長五肘,從這翅膀尖到那翅膀尖共有十肘;
Bapiro rimwe chete rekerubhi rokutanga rakanga rakareba makubhiti mashanu, uye rimwe bapiro rakanga rakareba makubhiti mashanu, makubhiti gumi kubva pamuromo perimwe bapiro kusvika pamuromo perimwe bapiro.
25 那一個基路伯的兩個翅膀也是十肘,兩個基路伯的尺寸、形像都是一樣。
Kerubhi rechipiri rakanga rakarebawo makubhiti gumi, nokuti makerubhi maviri aya akanga akafanana pakukura namaumbirwo.
26 這基路伯高十肘,那基路伯也是如此。
Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti gumi.
27 他將兩個基路伯安在內殿裏;基路伯的翅膀是張開的,這基路伯的一個翅膀挨着這邊的牆,那基路伯的一個翅膀挨着那邊的牆,裏邊的兩個翅膀在殿中間彼此相接;
Akaisa makerubhi munzvimbo yomukatikati metemberi, mapapiro amakerubhi akatambanudzwa. Bapiro rerimwe kerubhi raiguma mamwe madziro, bapiro rerimwe richiguma mamwe madziro uye mamwe mapapiro awo aigumana pakati peimba.
28 又用金子包裹二基路伯。
Akafukidza makerubhi negoridhe.
29 內殿、外殿周圍的牆上都刻着基路伯、棕樹,和初開的花。
Akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwe neyamaruva akazaruka, pamadziro ose akatenderedza mudzimba dzomukati nedzimba dzokunze.
30 內殿、外殿的地板都貼上金子。
Akafukidzawo pasi pedzimba dzomukati nedzimba dzokunze dzetemberi negoridhe.
31 又用橄欖木製造內殿的門扇、門楣、門框;門口有牆的五分之一。
Akagadzirira musuo wenzvimbo tsvene yomukati makonhi omuti womuorivhi; chivivo chapamusoro namagwatidziro zvaiva namativi mashanu.
32 在橄欖木做的兩門扇上刻着基路伯、棕樹,和初開的花,都貼上金子。
Pamakonhi maviri aya omuti womuorivhi akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwe neyamaruva akazaruka, akafukidza makerubhi nemiti yemichindwe negoridhe rakarohwa.
33 又用橄欖木製造外殿的門框,門口有牆的四分之一。
Nenzira imwe cheteyo akagadzirirawo musuo weimba huru chivivo namagwatidziro zvomuti womuorivhi zvakanga zvine mativi mana.
34 用松木做門兩扇。這扇分兩扇,是摺疊的;那扇分兩扇,也是摺疊的。
Akaitawo makonhi maviri omuti womusipuresi, mapenga maviri egonhi rimwe aigona kupetwa, uye mapenga maviri erimwe gonhi aigona kupetwa.
35 上面刻着基路伯、棕樹,和初開的花,都用金子貼了。
Akaveza makerubhi, miti yemichindwe namaruva akazaruka paari, akazvifukidza negoridhe rakarohwa zvakaenzanirana pamusoro pezvakavezwa.
36 他又用鑿成的石頭三層、香柏木一層建築內院。
Uye akavaka chivanze chomukati chine hwaro hutatu hwamatombo akavezwa, nehwaro humwe chete hwamatanda omusidhari.
37 所羅門 在位第四年西弗月,立了耶和華殿的根基。
Hwaro hwetemberi yaJehovha hwakavakwa mugore rechina, mumwedzi waZivhi.
38 到十一年布勒月,就是八月,殿和一切屬殿的都按着樣式造成。他建殿的工夫共有七年。
Mugore regumi nerimwe mumwedzi waBhuri, mwedzi worusere, temberi yakapera kuvakwa yose sezvayakanga yakafanira kuitwa. Akapedza makore manomwe achiivaka.

< 列王紀上 6 >