< 列王紀上 15 >

1 尼八的兒子耶羅波安王十八年,亞比央登基作猶大王,
Mugore regumi namasere roumambo hwaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhija akagadzwa samambo weJudha.
2 在耶路撒冷作王三年。他母親名叫瑪迦,是押沙龍的女兒。
Akatonga muJerusarema kwamakore matatu. Zita ramai vake rainzi Maaka mwanasikana waAbhisharomu.
3 亞比央行他父親在他以前所行的一切惡,他的心不像他祖大衛的心,誠誠實實地順服耶和華-他的上帝。
Akaita zvivi zvose zvakanga zvaitwa nababa vake asati ava mambo; mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake sezvakanga zvakaita mwoyo watateguru wake Dhavhidhi.
4 然而耶和華-他的上帝因大衛的緣故,仍使他在耶路撒冷有燈光,叫他兒子接續他作王,堅立耶路撒冷。
Zvisinei, nokuda kwaDhavhidhi, Jehovha Mwari wake akamupa mwenje muJerusarema nokumutsa mwanakomana kuti amutevere paumambo uye nokusimbisa Jerusarema.
5 因為大衛除了赫人烏利亞那件事,都是行耶和華眼中看為正的事,一生沒有違背耶和華一切所吩咐的。
Nokuti Dhavhidhi akanga aita zvakanga zvakarurama pamberi paJehovha uye akanga asina kutadza kuchengeta kana ipi zvayo yemirayiro yaJehovha mumazuva ose oupenyu hwake, kunze kwenyaya yaUria muHiti.
6 羅波安在世的日子常與耶羅波安爭戰。
Paiva nehondo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu muupenyu hwose hwaAbhija.
7 亞比央其餘的事,凡他所行的,都寫在猶大列王記上。亞比央常與耶羅波安爭戰。
Kana zviri zvimwe zvinhu zvakaitika panguva yokutonga kwaAbhija, nazvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aJudha? Pakati paAbhija naJerobhoamu pakanga pane hondo.
8 亞比央與他列祖同睡,葬在大衛的城裏。他兒子亞撒接續他作王。
Abhija akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa, mwanakomana wake, akamutevera paumambo.
9 以色列王耶羅波安二十年,亞撒登基作猶大王,
Mugore ramakumi maviri raJerobhoamu mambo weIsraeri, Asa akava mambo weJudha,
10 在耶路撒冷作王四十一年。他祖母名叫瑪迦,是押沙龍的女兒。
uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana negore rimwe chete. Zita rambuya vake rainzi Maaka, mwanasikana waAbhisharomu.
11 亞撒效法他祖大衛行耶和華眼中看為正的事,
Asa akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Dhavhidhi.
12 從國中除去孌童,又除掉他列祖所造的一切偶像;
Akabvisa varume vaizviita zvifeve zvavamwe varume panzvimbo dzokupira munyika uye akabvisa zvifananidzo zvose zvakanga zvaitwa namadzibaba ake.
13 並且貶了他祖母瑪迦太后的位,因她造了可憎的偶像亞舍拉。亞撒砍下她的偶像,燒在汲淪溪邊,
Akabvisawo mbuya vake Maaka pachinzvimbo chavo samai vamambo, nokuti vakanga vagadzira danda rinonyangadza raAshera. Asa akatema danda iri akaripisa muMupata weKidhironi.
14 只是邱壇還沒有廢去。亞撒一生卻向耶和華存誠實的心。
Kunyange asina kubvisa nzvimbo dzakakwirira, mwoyo waAsa wakanga wakazvipira zvizere kuna Jehovha muupenyu hwake hwose.
15 亞撒將他父親所分別為聖與自己所分別為聖的金銀和器皿都奉到耶和華的殿裏。
Akauyisa mutemberi yaJehovha sirivha negoridhe nezvinhu zvaakanga akumikidza iye nababa vake.
16 亞撒和以色列王巴沙在世的日子常常爭戰。
Pakanga pane hondo pakati paAsa naBhaasha, mambo weIsraeri munguva yose yavakanga vachitonga.
17 以色列王巴沙上來要攻擊猶大,修築拉瑪,不許人從猶大王亞撒那裏出入。
Bhaasha, mambo weIsraeri, akaenda kundorwa neJudha, akasimbisa Rama kuti adzivise ani naani zvake kubuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha.
18 於是亞撒將耶和華殿和王宮府庫裏所剩下的金銀都交在他臣僕手中,打發他們往住大馬士革的亞蘭王-希旬的孫子、他伯利們的兒子便‧哈達那裏去,
Ipapo Asa akatora sirivha yose negoridhe rose rakanga rasara mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nezvose zvaiva mumuzinda wake. Akazvipa kumachinda ake akazvitumira kuna Bheni-Hadhadhi, mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHezioni, mambo weAramu, akanga achitonga muDhamasiko.
19 說:「你父曾與我父立約,我與你也要立約。現在我將金銀送你為禮物,求你廢掉你與以色列王巴沙所立的約,使他離開我。」
Akati, “Ngatinyoreranei chibvumirano imi neni, sezvazvakanga zvakaita pakati pababa vangu nababa venyu. Tarirai, ndakutumirai chipo chesirivha negoridhe. Zvino imi chiputsai chibvumirano chenyu naBhaasha mambo weIsraeri kuitira kuti abve kuno kwandiri.”
20 便‧哈達聽從亞撒王的話,派軍長去攻擊以色列的城邑;他們就攻破以雲、但、亞伯‧伯‧瑪迦、基尼烈全境、拿弗他利全境。
Bheni-Hadhadhi akabvumirana naMambo Asa akatumira vatungamiri vamauto ake kuti vandorwisa maguta eIsraeri. Akakunda Ijoni, Dhani, Abheri Bheti Maaka neKinereti yose pamwe chete neNafutari.
21 巴沙聽見,就停工不修築拉瑪了,仍住在得撒。
Bhaasha paakanzwa izvi akaregera kuvaka Rama akadzokera kuTiza.
22 於是亞撒王宣告猶大眾人,不准一個推辭,吩咐他們將巴沙修築拉瑪所用的石頭、木頭都運去,用以修築便雅憫的迦巴和米斯巴。
Ipapo Mambo Asa akarayira Judha yose, hapana akasiyiwa, ivo vakatora kubva kuRama matombo namatanda akanga achishandiswa naBhaasha ikoko. Mambo Asa akaashandisa kuvaka Gebha muBhenjamini, neMizipawo.
23 亞撒其餘的事,凡他所行的,並他的勇力與他所建築的城邑,都寫在猶大列王記上。亞撒年老的時候,腳上有病。
Kana zviri zvimwe zvose zvakaitika panguva yokutonga kwaAsa, zvose zvaakaita, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha? Zvisinei, panguva yokukwegura kwake, tsoka dzake dzakabatwa nechirwere.
24 亞撒與他列祖同睡,葬在他祖大衛城他列祖的墳地裏。他兒子約沙法接續他作王。
Ipapo Asa akazorora namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muguta rababa vake Dhavhidhi. Zvino mwanakomana wake Jehoshafati akamutevera paumambo.
25 猶大王亞撒第二年,耶羅波安的兒子拿答登基作以色列王共二年,
Nadhabhi, mwanakomana waJerobhoamu akava mambo weIsraeri mugore rechipiri raAsa mambo weJudha, uye akatonga Israeri kwamakore maviri.
26 拿答行耶和華眼中看為惡的事,行他父親所行的,犯他父親使以色列人陷在罪裏的那罪。
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira dzababa vake nomuchivi chavo, icho chaakaita kuti Israeri iite.
27 以薩迦人亞希雅的兒子巴沙背叛拿答,在非利士的基比頓殺了他。那時拿答和以色列眾人正圍困基比頓。
Bhaasha, mwanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira, akamuuraya paGibhetoni guta romuFiristia, panguva yarakanga rakombwa naNadhabhi navaIsraeri vose.
28 在猶大王亞撒第三年巴沙殺了他,篡了他的位。
Bhaasha akauraya Nadhabhi mugore rechitatu raAsa, mambo weJudha, uye akamutevera paumambo.
29 巴沙一作王就殺了耶羅波安的全家,凡有氣息的沒有留下一個,都滅盡了,正應驗耶和華藉他僕人示羅人亞希雅所說的話。
Achingoti tangei kutonga, akabva auraya mhuri yose yaJerobhoamu. Haana kusiyira Jerobhoamu mumwe chete achifema, asi akavaparadza vose sezvazvakarehwa naJehovha kubudikidza nomuranda wake Ahija muShiro,
30 這是因為耶羅波安所犯的罪使以色列人陷在罪裏,惹動耶和華-以色列上帝的怒氣。
nokuda kwezvivi zvakanga zvaitwa naJerobhoamu nezvaakaita kuti Israeri iite, uye nokuti akaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe.
31 拿答其餘的事,凡他所行的,都寫在以色列諸王記上。
Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaNadhabhi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?
32 亞撒和以色列王巴沙在世的日子常常爭戰。
Pakati paAsa naBhaasha, mambo weIsraeri, pakanga pane hondo panguva yose yokutonga kwavo.
33 猶大王亞撒第三年,亞希雅的兒子巴沙在得撒登基作以色列眾人的王共二十四年。
Mugore rechitatu raAsa mambo weJudha, Bhaasha, mwanakomana waAhija, akava mambo weIsraeri yose muTiza, uye akatonga kwamakore makumi maviri namana.
34 他行耶和華眼中看為惡的事,行耶羅波安所行的道,犯他使以色列人陷在罪裏的那罪。
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira dzaJerobhoamu nomuchivi chake, chaakaita kuti Israeri iite.

< 列王紀上 15 >