< 诗篇 89 >

1 以斯拉人以探的训诲诗。 我要歌唱耶和华的慈爱,直到永远; 我要用口将你的信实传与万代。
Masikiri raEtani muEzirahi. Ndichaimba nezvorudo rukuru rwaJehovha nokusingaperi; ndichazivisa kutendeka kwenyu nomuromo wangu kuzvizvarwa zvose.
2 因我曾说:你的慈悲必建立到永远; 你的信实必坚立在天上。
Ndichaparidza kuti rudo rwenyu runomira rwakasimba nokusingaperi, uye kuti muchasimbisa kutendeka kwenyu kudenga chaiko.
3 我与我所拣选的人立了约, 向我的仆人大卫起了誓:
Imi makati, “Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu, ndakapika kuna Dhavhidhi muranda wangu, ndichiti,
4 我要建立你的后裔,直到永远; 要建立你的宝座,直到万代。 (细拉)
‘Ndichasimbisa imba yako nokusingaperi, uye ndichasimbisa chigaro chako choushe kuzvizvarwa zvose.’” Sera
5 耶和华啊,诸天要称赞你的奇事; 在圣者的会中,要称赞你的信实。
Matenga anorumbidza zvishamiso zvenyu, imi Jehovha, kutendeka kwenyuwo muungano yavatsvene.
6 在天空谁能比耶和华呢? 神的众子中,谁能像耶和华呢?
Nokuti ndianiko kudenga kumusoro angaenzaniswa naJehovha? Ndianiko akaita saJehovha pakati pezvisikwa zvokudenga?
7 他在圣者的会中,是大有威严的 神, 比一切在他四围的更可畏惧。
Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene; iye anotyisa kwazvo kupfuura vose vakamupoteredza.
8 耶和华—万军之 神啊, 哪一个大能者像你耶和华? 你的信实是在你的四围。
Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, ndianiko akaita semi? Mune simba, imi Jehovha, uye kutendeka kwenyu kunokupoteredzai.
9 你管辖海的狂傲; 波浪翻腾,你就使它平静了。
Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa; mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza.
10 你打碎了拉哈伯,似乎是已杀的人; 你用有能的膀臂打散了你的仇敌。
Makapwanya Rahabhi somumwe wavakaurayiwa; makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.
11 天属你,地也属你; 世界和其中所充满的都为你所建立。
Matenga ndeenyu, nenyika ndeyenyuwo; makavamba nyika nezvose zviri mairi.
12 南北为你所创造; 他泊和黑门都因你的名欢呼。
Ndimi makasika kumusoro nezasi; Tabhori neHerimoni zvinoimbira zita renyu nomufaro.
13 你有大能的膀臂; 你的手有力,你的右手也高举。
Ruoko rwenyu rune simba; chanza chenyu chakasimba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa.
14 公义和公平是你宝座的根基; 慈爱和诚实行在你前面。
Kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe; rudo nokutendeka zvinokutungamirirai.
15 知道向你欢呼的,那民是有福的! 耶和华啊,他们在你脸上的光里行走。
Vakaropafadzwa avo vakadzidza kukurumbidzai, vanofamba muchiedza pamberi penyu, imi Jehovha.
16 他们因你的名终日欢乐, 因你的公义得以高举。
Vanofara muzita renyu zuva rose; vanofara mukururama kwenyu.
17 你是他们力量的荣耀; 因为你喜悦我们,我们的角必被高举。
Nokuti imi ndimi kubwinya nesimba ravo, uye nenyasha dzenyu munosimudzira runyanga rwedu.
18 我们的盾牌属耶和华; 我们的王属以色列的圣者。
Zvirokwazvo, nhoo yedu ndeyaJehovha, mambo wedu, iye Mutsvene oga waIsraeri.
19 当时,你在异象中晓谕你的圣民,说: 我已把救助之力加在那有能者的身上; 我高举那从民中所拣选的。
Ipapo makataura muchiratidzo, mukati, kuvanhu venyu vakatendeka: “Ndakaisa simba pamusoro pemhare; ndakasimudzira jaya pakati pavanhu.
20 我寻得我的仆人大卫, 用我的圣膏膏他。
Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; ndakamuzodza namafuta matsvene.
21 我的手必使他坚立; 我的膀臂也必坚固他。
Ruoko rwangu ruchamutsigira; zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa.
22 仇敌必不勒索他; 凶恶之子也不苦害他。
Hakuna muvengi achamuripisa mutero; hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira.
23 我要在他面前打碎他的敌人, 击杀那恨他的人。
Ndichapwanya vavengi vake pamberi pake, uye ndicharovera pasi vadzivisi vake.
24 只是我的信实和我的慈爱要与他同在; 因我的名,他的角必被高举。
Rudo rwangu rwakatendeka ruchava naye, uye runyanga rwake ruchasimudzirwa muzita rangu.
25 我要使他的左手伸到海上, 右手伸到河上。
Ndichaisa ruoko rwake pamusoro pegungwa, ruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi.
26 他要称呼我说:你是我的父, 是我的 神,是拯救我的磐石。
Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi Baba vangu, Mwari wangu, Dombo noMuponesi wangu.’
27 我也要立他为长子, 为世上最高的君王。
Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu, iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika.
28 我要为他存留我的慈爱,直到永远; 我与他立的约必要坚定。
Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi, uye sungano yangu naye haitongoperi.
29 我也要使他的后裔存到永远, 使他的宝座如天之久。
Ndichasimbisa imba yake nokusingaperi, uye nechigaro chake choushe chero matenga achingovapo.
30 倘若他的子孙离弃我的律法, 不照我的典章行,
“Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, uye vakasatevera zvandakatema,
31 背弃我的律例, 不遵守我的诫命,
kana vakazvidza mitemo yangu, uye vakakoniwa kuchengeta mirayiro yangu,
32 我就要用杖责罚他们的过犯, 用鞭责罚他们的罪孽。
ndicharanga chivi chavo neshamhu, uye kuipa kwavo nokurova kukuru;
33 只是我必不将我的慈爱全然收回, 也必不叫我的信实废弃。
asi handizobvisi rudo rwangu kwavari, kana kuzombopandukira kutendeka kwangu.
34 我必不背弃我的约, 也不改变我口中所出的。
Handizozvidzi sungano yangu kana kushandura zvakarehwa nemiromo yangu.
35 我一次指着自己的圣洁起誓: 我决不向大卫说谎!
Kamwe chete, ndakapika noutsvene hwangu, uye handingarevi nhema kuna Dhavhidhi,
36 他的后裔要存到永远; 他的宝座在我面前如日之恒一般,
kuti imba yake icharamba iripo nokusingaperi uye chigaro chake choushe chichagara pamberi pangu sezuva;
37 又如月亮永远坚立, 如天上确实的见证。 (细拉)
chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, chapupu chakatendeka chiri kudenga.” Sera
38 但你恼怒你的受膏者, 就丢掉弃绝他。
Asi imi makaramba, makavenga, makatsamwira kwazvo muzodziwa wenyu.
39 你厌恶了与仆人所立的约, 将他的冠冕践踏于地。
Makaparadza sungano yomuranda wenyu uye mukasvibisa korona yake muguruva.
40 你拆毁了他一切的篱笆, 使他的保障变为荒场。
Makaputsa masvingo ake ose mukaita nhare dzake matongo.
41 凡过路的人都抢夺他; 他成为邻邦的羞辱。
Vose vanopfuura napo vanomupamba; ava chiseko chavavakidzani vake.
42 你高举了他敌人的右手; 你叫他一切的仇敌欢喜。
Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake; makaita kuti vavengi vake vose vafare.
43 你叫他的刀剑卷刃, 叫他在争战之中站立不住。
Makadzosera shure munondo wake unopinza, uye hamuna kumutsigira pakurwa.
44 你使他的光辉止息, 将他的宝座推倒于地。
Makagumisa kubwinya kwake, mukawisira pasi chigaro chake choushe.
45 你减少他青年的日子, 又使他蒙羞。 (细拉)
Makatapudza mazuva oujaya hwake; makamufukidza nejasi renyadzi. Sera
46 耶和华啊,这要到几时呢? 你要将自己隐藏到永远吗? 你的忿怒如火焚烧要到几时呢?
Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here? Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko?
47 求你想念我的时候是何等的短少; 你创造世人,要使他们归何等的虚空呢?
Rangarirai kuti upenyu hwangu hunopfuura sei. Nokuti makasikira vanhu vose zvisina maturo!
48 谁能常活免死、 救他的灵魂脱离阴间的权柄呢? (细拉) (Sheol h7585)
Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu, kana angazviponesa pasimba reguva? Sera (Sheol h7585)
49 主啊,你从前凭你的信实 向大卫立誓要施行的慈爱在哪里呢?
Haiwa Ishe, rudo rwenyu rukuru rwekare rwuripiko, irwo rwamakapika nokutendeka kwenyu kuna Dhavhidhi?
50 主啊,求你记念仆人们所受的羞辱, 记念我怎样将一切强盛民的羞辱存在我怀里。
Rangarirai, Ishe kuti muranda wenyu aisekwa sei, kuti ndaitakura sei muchipfuva changu kutuka kwendudzi dzose,
51 耶和华啊,你的仇敌用这羞辱羞辱了你的仆人, 羞辱了你受膏者的脚踪。
kutuka uko vavengi venyu vaikusekai nako, imi Jehovha, pavaiseka nhambwe imwe neimwe yomuzodziwa wenyu.
52 耶和华是应当称颂的,直到永远。 阿们!阿们!
Jehovha ngaarumbidzwe nokusingaperi!

< 诗篇 89 >