< 诗篇 64 >

1 大卫的诗,交与伶长。 神啊,我哀叹的时候,求你听我的声音! 求你保护我的性命,不受仇敌的惊恐!
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Ndinzweiwo, imi Mwari, pandinotaura chichemo changu; dzivirirai upenyu hwangu pakutyisidzira kwavavengi.
2 求你把我隐藏, 使我脱离作恶之人的暗谋和作孽之人的扰乱。
Ndivanzei pakurangana kwavakaipa, ndibve pazhowezhowe yeungano yavaiti vezvakaipa.
3 他们磨舌如刀, 发出苦毒的言语,好像比准了的箭,
Vanorodza ndimi dzavo seminondo, uye vanonanga namashoko avo semiseve inouraya.
4 要在暗地射完全人; 他们忽然射他,并不惧怕。
Vanopfura vari pakavanda munhu asina mhosva; vanomupfura pakarepo, vasingatyi.
5 他们彼此勉励设下恶计; 他们商量暗设网罗, 说:谁能看见?
Vanokurudzira mumwe nomumwe wavo pakufunga zvakaipa, vanotaura pamusoro pokuteya misungo yavo, uye vanoti, “Ndianiko achaiona?”
6 他们图谋奸恶, 说:我们是极力图谋的。 他们各人的意念心思是深的。
Vanorangana kusaruramisira vachiti, “Tafunga zano rakakwana!” Zvirokwazvo mwoyo nomurangariro womunhu zvinonyengera.
7 但 神要射他们; 他们忽然被箭射伤。
Asi Mwari achavapfura nemiseve; pakarepo vachawira pasi.
8 他们必然绊跌,被自己的舌头所害; 凡看见他们的必都摇头。
Achaita kuti ndimi dzavo dzivashandukire, uye achavaisa pakuparadzwa; vose vanovaona vachavadzungudzira misoro vachivaseka.
9 众人都要害怕, 要传扬 神的工作, 并且明白他的作为。
Marudzi ose avanhu achatya; achaparidza mabasa aMwari, uye achafungisisa zvaakaita.
10 义人必因耶和华欢喜,并要投靠他; 凡心里正直的人都要夸口。
Vakarurama ngavafare muna Jehovha uye vavande maari; vose vakarurama mumwoyo ngavamurumbidze!

< 诗篇 64 >