< 诗篇 5 >

1 大卫的诗,交与伶长。用吹的乐器。 耶和华啊,求你留心听我的言语, 顾念我的心思!
Kumutungamiri wokuimba. Nenyere. Pisarema raDhavhidhi. Rerekerai nzeve yenyu kumashoko angu, imi Jehovha. Rangarirai chikumbiro changu.
2 我的王我的 神啊,求你垂听我呼求的声音! 因为我向你祈祷。
Teererai inzwi rokuchema kwangu, Mambo wangu naMwari wangu, nokuti ndinonyengetera kwamuri.
3 耶和华啊,早晨你必听我的声音; 早晨我必向你陈明我的心意,并要警醒!
Mangwanani, munonzwa inzwi rangu, imi Jehovha; mangwanani ndinoisa zvikumbiro zvangu pamberi penyu uye ndichimirira netariro.
4 因为你不是喜悦恶事的 神, 恶人不能与你同居。
Imi hamusi Mwari anofarira zvakaipa; munhu akaipa haangagari nemi.
5 狂傲人不能站在你眼前; 凡作孽的,都是你所恨恶的。
Munhu anozvikudza haangamiri pamberi penyu; munovenga vose vanoita zvakaipa.
6 说谎言的,你必灭绝; 好流人血弄诡诈的,都为耶和华所憎恶。
Munoparadza vose vanoreva nhema; vanoteura ropa navanhu vanonyengera, Jehovha anovasema.
7 至于我,我必凭你丰盛的慈爱进入你的居所; 我必存敬畏你的心向你的圣殿下拜。
Asi ini, nenyasha dzenyu huru, ndichapinda mumba menyu; norukudzo, ndichakotamira pasi pamberi penyu, ndakatarira kutemberi yenyu tsvene.
8 耶和华啊,求你因我的仇敌,凭你的公义引领我, 使你的道路在我面前正直。
Nditungamirirei, imi Jehovha, mukururama kwenyu nokuda kwavavengi vangu, ruramisai nzira yenyu pamberi pangu.
9 因为,他们的口中没有诚实; 他们的心里满有邪恶; 他们的喉咙是敞开的坟墓; 他们用舌头谄媚人。
Hakuna shoko rinobva mumuromo mavo ringavimbwa naro; mwoyo yavo izere nokuparadza. Huro dzavo iguva rakashama; vanotaura zvinonyengera norurimi rwavo.
10 神啊,求你定他们的罪! 愿他们因自己的计谋跌倒; 愿你在他们许多的过犯中把他们逐出, 因为他们背叛了你。
Haiwa Mwari, vapei mhosva! Ngavawisirwe pasi nerangano dzavo. Vabvisei nokuda kwezvivi zvavo zvizhinji, nokuti vakakumukirai.
11 凡投靠你的,愿他们喜乐,时常欢呼, 因为你护庇他们; 又愿那爱你名的人都靠你欢欣。
Asi vose vanovanda mamuri ngavafare; ngavagare vachiimba nomufaro. Tambanudzirai pamusoro pavo kudzivirira kwenyu, kuitira kuti vaya vanoda zita renyu vafare mamuri.
12 因为你必赐福与义人; 耶和华啊,你必用恩惠如同盾牌四面护卫他。
Nokuti zvirokwazvo, imi Jehovha, munoropafadza vakarurama; munovakomberedza nenyasha dzenyu sokunge nenhoo.

< 诗篇 5 >