< 诗篇 24 >

1 大卫的诗。 地和其中所充满的, 世界和住在其间的,都属耶和华。
Pisarema raDhavhidhi. Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi, nyika, navose vanogaramo;
2 他把地建立在海上, 安定在大水之上。
nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji.
3 谁能登耶和华的山? 谁能站在他的圣所?
Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?
4 就是手洁心清,不向虚妄, 起誓不怀诡诈的人。
Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema.
5 他必蒙耶和华赐福, 又蒙救他的 神使他成义。
Iye achagamuchira makomborero anobva kuna Jehovha nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.
6 这是寻求耶和华的族类, 是寻求你面的雅各。 (细拉)
Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka, ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho. Sera
7 众城门哪,你们要抬起头来! 永久的门户,你们要被举起! 那荣耀的王将要进来!
Simudzai misoro yenyu, imi masuo; muisimudze, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde.
8 荣耀的王是谁呢? 就是有力有能的耶和华, 在战场上有能的耶和华!
Ndianiko uyu Mambo wokubwinya? Ndiye Jehovha ane simba noumhare, Jehovha ane simba pakurwa.
9 众城门哪,你们要抬起头来! 永久的门户,你们要把头抬起! 那荣耀的王将要进来!
Simudzai misoro yenyu, imi masuo; muasimudze, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde.
10 荣耀的王是谁呢? 万军之耶和华, 他是荣耀的王! (细拉)
Ndianiko, uyu Mambo wokubwinya? Jehovha Wamasimba Ose, ndiye Mambo wokubwinya. Sera

< 诗篇 24 >