< 诗篇 141 >

1 大卫的诗。 耶和华啊,我曾求告你, 求你快快临到我这里! 我求告你的时候, 愿你留心听我的声音!
Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri. Inzwai inzwi rangu pandinodana kwamuri.
2 愿我的祷告如香陈列在你面前! 愿我举手祈求,如献晚祭!
Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuhwira; kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana.
3 耶和华啊,求你禁止我的口, 把守我的嘴!
Isai murindi pamuromo wangu, imi Jehovha; chengetai mukova wemiromo yangu.
4 求你不叫我的心偏向邪恶, 以致我和作孽的人同行恶事; 也不叫我吃他们的美食。
Mwoyo wangu ngaurege kukweverwa kune zvakaipa, kuti ndiitewo mabasa akaipa navanhu vanoita zvakaipa; ngandirege kudya zvinozipa zvavo.
5 任凭义人击打我,这算为仁慈; 任凭他责备我,这算为头上的膏油; 我的头不要躲闪。 正在他们行恶的时候,我仍要祈祷。
Akarurama ngaandirove, ndidzo tsitsi; ngaanditsiure, ndiwo mafuta pamusoro wangu. Musoro wangu hauzorambi izvozvo. Asi munyengetero wangu unorwisa mabasa avaiti vezvakaipa nguva dzose.
6 他们的审判官被扔在岩下; 众人要听我的话,因为这话甘甜。
Vatongi vavo vachakandwa kumawere, uye vakaipa vachadzidza kuti mashoko angu akanga akanaka kwazvo.
7 我们的骨头散在墓旁, 好像人耕田、刨地的土块。 (Sheol h7585)
Ivo vachati, “Sezvinoita anorima achiparura pasi, saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weguva.” (Sheol h7585)
8 主—耶和华啊,我的眼目仰望你; 我投靠你,求你不要将我撇得孤苦!
Asi meso angu anotarira kwamuri, imi Ishe Jehovha; ndinotizira kwamuri, regai kundiisa kurufu.
9 求你保护我脱离恶人为我设的网罗 和作孽之人的圈套!
Ndichengetei pamisungo yavakanditeya nayo, napaugombe hwakadzikwa navaiti vezvakaipa.
10 愿恶人落在自己的网里, 我却得以逃脱。
Vakaipa ngavawire mumimbure yavo, ini ndichipfuura napo norugare.

< 诗篇 141 >