< 箴言 29 >

1 人屡次受责罚,仍然硬着颈项; 他必顷刻败坏,无法可治。
Munhu anoramba akaomesa mutsipa wake mushure mokutsiurwa kazhinji achaparadzwa nokukurumidza, kusina chingamubatsira.
2 义人增多,民就喜乐; 恶人掌权,民就叹息。
Kana vakarurama vachiwanda, vanhu vanofara; asi kana vakaipa vachitonga, vanhu vanogomera.
3 爱慕智慧的,使父亲喜乐; 与妓女结交的,却浪费钱财。
Munhu anoda uchenjeri anouyisa mufaro kuna baba vake, asi anoshamwaridzana nechifeve anoparadza pfuma yake.
4 王借公平,使国坚定; 索要贿赂,使国倾败。
Nokururamisira mambo anosimbisa nyika, asi uyo anokara fufuro anoiparadza.
5 谄媚邻舍的, 就是设网罗绊他的脚。
Ani naani anonyengera muvakidzani wake anodzikira tsoka dzake mumbure.
6 恶人犯罪,自陷网罗; 惟独义人欢呼喜乐。
Munhu akaipa anoteyiwa nezvivi zvake, asi munhu akarurama anogona kuimba uye agofara.
7 义人知道查明穷人的案; 恶人没有聪明,就不得而知。
Vakarurama vane hanya nokururamisirwa kwavarombo, asi vakaipa havana hanya naizvozvo.
8 亵慢人煽惑通城; 智慧人止息众怒。
Vatuki vanomutsa bope muguta, asi vanhu vakachenjera vanodzora kutsamwa.
9 智慧人与愚妄人相争, 或怒或笑,总不能使他止息。
Kana munhu akachenjera akaenda kumatare nebenzi, benzi rinotsamwa uye rigotuka, zvokuti hapangavi norugare.
10 好流人血的,恨恶完全人, 索取正直人的性命。
Vanhu vanofarira kudeura ropa vanovenga munhu akarurama, uye vanotsvaka kuuraya vakarurama.
11 愚妄人怒气全发; 智慧人忍气含怒。
Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anozvibata.
12 君王若听谎言, 他一切臣仆都是奸恶。
Kana mutongi akateerera nhema machinda ake ose achava akaipa.
13 贫穷人、强暴人在世相遇; 他们的眼目都蒙耶和华光照。
Murombo nomunhu anomanikidza vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye anoita kuti meso avo vose aone.
14 君王凭诚实判断穷人; 他的国位必永远坚立。
Kana mambo akatonga varombo nokururamisira, chigaro chake choushe chinogara chakachengetedzeka nguva dzose.
15 杖打和责备能加增智慧; 放纵的儿子使母亲羞愧。
Shamhu yokuranga inopa uchenjeri, asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.
16 恶人加多,过犯也加多, 义人必看见他们跌倒。
Kana vakaipa vachiwanda, nezvivi zvinowandawo, asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.
17 管教你的儿子,他就使你得安息, 也必使你心里喜乐。
Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare; achauyisa mufaro kumweya wako.
18 没有异象,民就放肆; 惟遵守律法的,便为有福。
Pasina chizaruro, vanhu vanoramba kuzvidzora; asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro.
19 只用言语,仆人不肯受管教; 他虽然明白,也不留意。
Muranda haarayirwi namashoko zvawo chete, nokuti kunyange achinzwisisa, haangadaviri.
20 你见言语急躁的人吗? 愚昧人比他更有指望。
Unoona here munhu anotaura achikurumidza? Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye.
21 人将仆人从小娇养, 这仆人终久必成了他的儿子。
Kana munhu akaregerera muranda wake kubva paudiki, achazotarisira kodzero dzomwanakomana pakupedzisira.
22 好气的人挑启争端; 暴怒的人多多犯罪。
Munhu akashatirwa anomutsa kupesana, uye munhu ane hasha anoita zvivi zvizhinji.
23 人的高傲必使他卑下; 心里谦逊的,必得尊荣。
Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi, asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa.
24 人与盗贼分赃,是恨恶自己的性命; 他听见叫人发誓的声音,却不言语。
Anoshamwaridzana nembavha anozvivenga iye pachake; anoiswa pasi pemhiko, asi haangakwanisi kupa uchapupu.
25 惧怕人的,陷入网罗; 惟有倚靠耶和华的,必得安稳。
Kutya munhu kuchava musungo, asi ani naani anovimba naJehovha achagara akachengetedzeka.
26 求王恩的人多; 定人事乃在耶和华。
Vazhinji vanotsvaka nyasha kumutongi, asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha.
27 为非作歹的,被义人憎嫌; 行事正直的,被恶人憎恶。
Vakarurama vanovenga vasina kutendeka; vakaipa vanovenga vakarurama.

< 箴言 29 >