< 箴言 16 >

1 心中的谋算在乎人; 舌头的应对由于耶和华。
Kuronga kwomwoyo ndekwomunhu, asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.
2 人一切所行的,在自己眼中看为清洁; 惟有耶和华衡量人心。
Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakanaka pakuona kwake, asi Jehovha anoyera zvinangwa.
3 你所做的,要交托耶和华, 你所谋的,就必成立。
Kumikidza kuna Jehovha chose chaunoita, ipapo urongwa hwako huchabudirira.
4 耶和华所造的,各适其用; 就是恶人也为祸患的日子所造。
Jehovha anoitira zvinhu zvose magumo azvo; kunyange akaipa anomuitira zuva renjodzi.
5 凡心里骄傲的,为耶和华所憎恶; 虽然连手,他必不免受罚。
Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza. Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa.
6 因怜悯诚实,罪孽得赎; 敬畏耶和华的,远离恶事。
Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa, kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa.
7 人所行的,若蒙耶和华喜悦, 耶和华也使他的仇敌与他和好。
Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, anoita kuti kunyange vavengi vake vagarisane naye murugare.
8 多有财利,行事不义, 不如少有财利,行事公义。
Zviri nani kuva nezvishoma mukururama, pane kuva nezvakawanda kwazvo mukusaruramisira.
9 人心筹算自己的道路; 惟耶和华指引他的脚步。
Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake, asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake.
10 王的嘴中有神语, 审判之时,他的口必不差错。
Miromo yamambo inotaura seinotaura chirevo chaMwari, uye muromo wake haufaniri kurega kururamisira.
11 公道的天平和秤都属耶和华; 囊中一切法码都为他所定。
Zviyero nezvienzaniso zvechokwadi zvinobva kuna Jehovha; zviyero zvose zviri muhomwe ndiye akazviita.
12 作恶,为王所憎恶, 因国位是靠公义坚立。
Madzimambo anovenga kuita zvakaipa, nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.
13 公义的嘴为王所喜悦; 说正直话的,为王所喜爱。
Madzimambo anofarira miromo inotaura chokwadi; anoremekedza munhu anotaura chokwadi.
14 王的震怒如杀人的使者; 但智慧人能止息王怒。
Kutsamwa kwamambo inhume yorufu, asi munhu akachenjera anonyaradza kutsamwa uku.
15 王的脸光使人有生命; 王的恩典好像春云时雨。
Kana chiso chamambo chichibwinya, zvinoreva upenyu, nyasha dzake dzakaita segore remvura panguva yomunakamwe.
16 得智慧胜似得金子; 选聪明强如选银子。
Zviri nani sei kuwana uchenjeri pane goridhe, kusarudza njere pane sirivha!
17 正直人的道是远离恶事; 谨守己路的,是保全性命。
Mugwagwa mukuru wavakarurama unonzvenga zvakaipa; uye anochengeta nzira yake anochengeta upenyu hwake.
18 骄傲在败坏以先; 狂心在跌倒之前。
Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, mweya wamanyawi unotangira kuwa.
19 心里谦卑与穷乏人来往, 强如将掳物与骄傲人同分。
Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza.
20 谨守训言的,必得好处; 倚靠耶和华的,便为有福。
Ani naani anoteerera kurayirwa achabudirira, uye akaropafadzwa uyo anovimba naJehovha.
21 心中有智慧,必称为通达人; 嘴中的甜言,加增人的学问。
Vakachenjera pamwoyo vanonzi ndivo vanonzvera, uye mashoko akanaka anokurudzira kurayirwa.
22 人有智慧就有生命的泉源; 愚昧人必被愚昧惩治。
Njere itsime roupenyu kuna avo vanadzo, asi upenzi hunouyisa kurangwa kumapenzi.
23 智慧人的心教训他的口, 又使他的嘴增长学问。
Mwoyo womunhu akachenjera unotungamirira muromo wake, uye miromo yake inokurudzira kurayirwa.
24 良言如同蜂房, 使心觉甘甜,使骨得医治。
Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.
25 有一条路,人以为正, 至终成为死亡之路。
Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi magumo ayo inoenda kurufu.
26 劳力人的胃口使他劳力, 因为他的口腹催逼他。
Nzara yomushandi inomushandira; nzara yake inoita kuti arambe achishanda.
27 匪徒图谋奸恶, 嘴上仿佛有烧焦的火。
Munhu asina maturo anoronga zvakaipa, uye matauriro ake akaita somoto unopisa.
28 乖僻人播散纷争; 传舌的,离间密友。
Munhu akatsauka anomutsa kupesana, uye guhwa rinoparadzanisa shamwari dzepedyo.
29 强暴人诱惑邻舍, 领他走不善之道。
Munhu anoita nechisimba anonyengera muvakidzani wake, uye anomufambisa napanzira isina kunaka.
30 眼目紧合的,图谋乖僻; 嘴唇紧闭的,成就邪恶。
Uyo anochonya nameso ake ari kuronga zvakaipa; uyo anoruma miromo yake ari kuda kuita zvakaipa.
31 白发是荣耀的冠冕, 在公义的道上必能得着。
Bvudzi rakachena ikorona yakaisvonaka; inowanikwa noupenyu hwakarurama.
32 不轻易发怒的,胜过勇士; 治服己心的,强如取城。
Zviri nani kuva munhu ane mwoyo murefu pane kuva murwi, munhu anozvibata pakutsamwa kwake ari nani pane uyo anotapa guta.
33 签放在怀里, 定事由耶和华。
Mujenya unokandirwa pamakumbo, asi zvirevo zvose zvinobva kuna Jehovha.

< 箴言 16 >