< 利未记 15 >

1 耶和华对摩西、亚伦说:
Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
2 “你们晓谕以色列人说:人若身患漏症,他因这漏症就不洁净了。
“Taurai navaIsraeri muti kwavari, ‘Kana murume upi zvake ane zvimwe zvinoerera, zvinobuda pamuviri wake, uye achava asina kunaka nokuda kwokuerera uku.
3 他患漏症,无论是下流的,是止住的,都是不洁净。
Kunyange zvikaramba zvichibuda mumuviri wake kana kuti zvikamira zvichamuita kuti ave asina kuchena. Izvi ndizvo zvinoita kuti kuerera uku kumuite kuti ave asina kuchena.
4 他所躺的床都为不洁净,所坐的物也为不洁净。
“‘Mubhedha upi zvawo unorarwa nomurume anobuda zvinoerera mumuviri wake uchava usina kuchena, uye chose chaachagara pachiri chichava chisina kuchena.
5 凡摸那床的,必不洁净到晚上,并要洗衣服,用水洗澡。
Ani naani anobata mubhedha wake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
6 那坐患漏症人所坐之物的,必不洁净到晚上,并要洗衣服,用水洗澡。
Ani naani achagara pachigaro chagarwa nomurume anobuda zvinoerera anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
7 那摸患漏症人身体的,必不洁净到晚上,并要洗衣服,用水洗澡。
“‘Ani naani achabata murume iyeye anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
8 若患漏症人吐在洁净的人身上,那人必不洁净到晚上,并要洗衣服,用水洗澡。
“‘Kana murume ane zvinoerera akasvipira mumwe munhu akachena, munhu iyeye anofanira kushambidza nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
9 患漏症人所骑的鞍子也为不洁净。
“‘Chinhu chose chichatasvwa nomurume iyeye chichava chisina kuchena,
10 凡摸了他身下之物的,必不洁净到晚上;拿了那物的,必不洁净到晚上,并要洗衣服,用水洗澡。
uye ani naani achabata zvinhu zvanga zviri pasi pake achava asina kuchena kusvikira manheru; ani naani anonhonga zvinhu izvozvo anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
11 患漏症的人没有用水涮手,无论摸了谁,谁必不洁净到晚上,并要洗衣服,用水洗澡。
“‘Ani naani achabatwa nomurume iyeye asina kushamba maoko ake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
12 患漏症人所摸的瓦器就必打破;所摸的一切木器也必用水涮洗。
“‘Hari yevhu ichabatwa nomurume iyeye inofanira kuputswa uye mudziyo upi zvawo wakagadzirwa nomuti unofanira kusukwa nemvura.
13 “患漏症的人痊愈了,就要为洁净自己计算七天,也必洗衣服,用活水洗身,就洁净了。
“‘Kana murume acheneswa kubva pakuerera kwake, anofanira kuverenga mazuva manomwe okucheneswa kwake; anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura yakachena, uye achava akachena.
14 第八天,要取两只斑鸠或是两只雏鸽,来到会幕门口、耶和华面前,把鸟交给祭司。
Pazuva rorusere anofanira kutora njiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana agodzipa kumuprista.
15 祭司要献上一只为赎罪祭,一只为燔祭;因那人患的漏症,祭司要在耶和华面前为他赎罪。
Muprista anofanira kudzibayira, imwe sechipiriso chechivi uye imwe sechipiriso chinopiswa. Nenzira iyi achamuyananisira pamberi paJehovha nokuda kwokuerera kwake.
16 “人若梦遗,他必不洁净到晚上,并要用水洗全身。
“‘Kana mbeu yomurume upi noupi ikabuda kwaari, anofanira kushamba muviri wake wose nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
17 无论是衣服是皮子,被精所染,必不洁净到晚上,并要用水洗。
Chipfeko chipi zvacho chake kana dehwe rine mbeu pariri rinofanira kusukwa nemvura uye richava risina kuchena kusvikira manheru.
18 若男女交合,两个人必不洁净到晚上,并要用水洗澡。
Kana murume akavata nomukadzi uye akabuda mbeu, vaviri ava vanofanira kushamba nemvura uye vachava vasina kuchena kusvikira manheru.
19 “女人行经,必污秽七天;凡摸她的,必不洁净到晚上。
“‘Kana mukadzi ari kumwedzi, kusachena kwokuenda kumwedzi kwake kuchapera mushure mamazuva manomwe, uye ani naani achamubata achava asina kuchena kusvikira manheru.
20 女人在污秽之中,凡她所躺的物件都为不洁净,所坐的物件也都不洁净。
“‘Chinhu chose chaachavata pachiri achiri kutevera chichava chisina kuchena uye chose chaachagara pachiri chichava chisina kuchena.
21 凡摸她床的,必不洁净到晚上,并要洗衣服,用水洗澡。
Ani naani achabata paanovata anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
22 凡摸她所坐什么物件的,必不洁净到晚上,并要洗衣服,用水洗澡。
Ani naani achabata chinhu chaachagara anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
23 在女人的床上,或在她坐的物上,若有别的物件,人一摸了,必不洁净到晚上。
Mubhedha kana chimwe chinhu chaanga akagara, kana munhu upi noupi akachibata achava asina kuchena kusvikira manheru.
24 男人若与那女人同房,染了她的污秽,就要七天不洁净;所躺的床也为不洁净。
“‘Kana murume akavata naye uye kuerera kwake kwomwedzi kukasangana naye, achava asina kuchena kwamazuva manomwe, kunyange mubhedha waanovata pauri uchava usina kuchena.
25 “女人若在经期以外患多日的血漏,或是经期过长,有了漏症,她就因这漏症不洁净,与她在经期不洁净一样。
“‘Kana mukadzi ano kuerera kweropa kwamazuva akawanda panguva isiri yokuva kwake kumwedzi, kana kuti akava nokuerera kunoenderera kupfuura nguva yake yokuva kumwedzi kwake, achava asina kuchena kwenguva yaanobuda ropa sapamazuva ake okuva kumwedzi.
26 她在患漏症的日子所躺的床、所坐的物都要看为不洁净,与她月经的时候一样。
Mubhedha upi zvawo waachavata pauri panguva yaanenge achiri kubuda ropa, uchava usina kuchena somubhedha wapakuva kwake kumwedzi, chose chaachagara chichava chisina kuchena sapanguva yokuva kwake kumwedzi.
27 凡摸这些物件的,就为不洁净,必不洁净到晚上,并要洗衣服,用水洗澡。
Ani naani achazvibata achava asina kuchena; anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
28 女人的漏症若好了,就要计算七天,然后才为洁净。
“‘Kana achinge acheneswa kubva pakuerera kwake anofanira kuverenga mazuva manomwe, mushure maizvozvo achava akachena.
29 第八天,要取两只斑鸠或是两只雏鸽,带到会幕门口给祭司。
Pazuva rorusere anofanira kutora njiva mbiri kana hangaiwa mbiri diki agouya nadzo kumuprista pamusuo weTende Rokusangana.
30 祭司要献一只为赎罪祭,一只为燔祭;因那人血漏不洁,祭司要在耶和华面前为她赎罪。
Muprista anofanira kubayira imwe sechipiriso chechivi, uye imwe sechipiriso chinopiswa. Nenzira iyi achamuyananisira pamberi paJehovha pakusachena kwake kwokubuda ropa.
31 “你们要这样使以色列人与他们的污秽隔绝,免得他们玷污我的帐幕,就因自己的污秽死亡。”
“‘Munofanira kutsaura vaIsraeri kubva pazvinhu zvose zvinoita kuti vave vasina kuchena, kuitira kuti vasafa mukusachena kwavo nokuda kwokuti vasvibisa nzvimbo yandinogara, iri pakati penyu.’”
32 这是患漏症和梦遗而不洁净的,
Iyi ndiyo mirayiro yomurume anenge ane zvinoerera, youpi noupi anenge asvibiswa nokubuda kwezvinoerera,
33 并有月经病的和患漏症的,无论男女,并人与不洁净女人同房的条例。
yomukadzi anenge ari kumwedzi, yomurume kana mukadzi anenge ane zvinoerera, uye neyomurume anovata nomukadzi anenge asina kuchena.

< 利未记 15 >