< 耶利米书 8 >

1 耶和华说:“到那时,人必将犹大王的骸骨和他首领的骸骨、祭司的骸骨、先知的骸骨,并耶路撒冷居民的骸骨,都从坟墓中取出来,
“‘Panguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, mapfupa amadzimambo namachinda eJudha, namapfupa avaprista navaprofita, uye mapfupa avanhu veJerusarema, achabviswa kubva mumakuva avo.
2 抛散在日头、月亮,和天上众星之下,就是他们从前所喜爱、所事奉、所随从、所求问、所敬拜的。这些骸骨不再收殓,不再葬埋,必在地面上成为粪土;
Achava pamhene agorohwa nezuva uye achavhenekwa nomwedzi nenyeredzi dzose dzedenga, zvavakada vakazvishumira vakazvitevera uye vakabvunza kwazviri, vakazvinamata. Haangaunganidzwi kana kuvigwa, asi achafanana nomupfudze uri panyika.
3 并且这恶族所剩下的民在我所赶他们到的各处,宁可拣死不拣生。这是万军之耶和华说的。”
Kwose zvako kwandichavadzingira, vakasara vose vorudzi urwu rwakaipa, vachademba rufu pachinzvimbo choupenyu, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’
4 你要对他们说,耶和华如此说: 人跌倒,不再起来吗? 人转去,不再转来吗?
“Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: “‘Vanhu pavanowira pasi, havamukizve here? Munhu akange ambotsauka, haadzokizve here?
5 这耶路撒冷的民,为何恒久背道呢? 他们守定诡诈,不肯回头。
Zvino nemhaka yei ava vadzokera shure? Nemhaka yei Jerusarema richingogara richitsauka? Vanobatirira pakunyengera, vanoramba kudzoka.
6 我留心听,听见他们说不正直的话。 无人悔改恶行,说: 我做的是什么呢? 他们各人转奔己路, 如马直闯战场。
Ndakanyatsoteereresa, asi ivo havambotauri zvakarurama. Hakuna anotendeuka pane zvakaipa zvake achiti, “Ndaiteiko?” Mumwe nomumwe anongotevedza nzira yake sebhiza rinomhanyira kurwa hondo.
7 空中的鹳鸟知道来去的定期; 斑鸠燕子与白鹤也守候当来的时令; 我的百姓却不知道耶和华的法则。
Kunyange shohori riri mudenga rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, uye njiva, nenyenganyenga nekondo zvinocherechedza nguva yazvo yokutama. Asi vanhu vangu havazivi zvinodikanwa naJehovha.
8 你们怎么说:我们有智慧, 耶和华的律法在我们这里? 看哪,文士的假笔舞弄虚假。
“‘Munoreva seiko muchiti, “Takachenjera, nokuti tino murayiro waJehovha,” asi zvirokwazvo chinyoreso chenhema chavanyori chakanyora nhema?
9 智慧人惭愧,惊惶,被擒拿; 他们弃掉耶和华的话, 心里还有什么智慧呢?
Vakachenjera vachanyadziswa, vachavhunduka uye vachabatwa. Sezvo vakaramba shoko raJehovha, kuchenjera kwavanako kwakadiniko?
10 所以我必将他们的妻子给别人, 将他们的田地给别人为业; 因为他们从最小的到至大的都一味地贪婪, 从先知到祭司都行事虚谎。
Naizvozvo ndichapa vakadzi vavo kuna vamwe varume, neminda yavo kuvaridzi vatsva. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista saizvozvo, vose vanoita nokunyengera.
11 他们轻轻忽忽地医治我百姓的损伤,说: 平安了!平安了! 其实没有平安。
Vanosunga vanga ravanhu vangu sokunge duku duku. Vanoti, “Rugare, rugare,” ipo pasina rugare.
12 他们行可憎的事知道惭愧吗? 不然,他们毫不惭愧, 也不知羞耻。 因此他们必在仆倒的人中仆倒; 我向他们讨罪的时候, 他们必致跌倒。 这是耶和华说的。
Ko, vanonyadziswa netsika dzavo dzinonyangadza here? Kwete, havana kana nyadzi zvachose; havambozivi kuti zvinonyadzisa sei. Saka vachawa pakati pavakawa; vachaderedzwa pavacharangwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
13 耶和华说:我必使他们全然灭绝; 葡萄树上必没有葡萄, 无花果树上必没有果子, 叶子也必枯干。 我所赐给他们的, 必离开他们过去。
“‘Ndichavatorera zvavakakohwa, ndizvo zvinotaura Jehovha. Hapangazovi namazambiringa pamuzambiringa. Hakungazovi namaonde pamuti womuonde, uye mashizha azvo achaoma. Zvandakavapa vachazvitorerwa.’”
14 我们为何静坐不动呢? 我们当聚集,进入坚固城, 在那里静默不言; 因为耶和华—我们的 神使我们静默不言, 又将苦胆水给我们喝, 都因我们得罪了耶和华。
“Ko, takagarireiko pano? Unganai pamwe chete! Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa tindofira ikoko! Nokuti Jehovha Mwari wedu atitongera kufa, nokuti akatipa mvura ino muchetura kuti tinwe, nokuti takamutadzira.
15 我们指望平安, 却得不着好处; 指望痊愈的时候, 不料,受了惊惶。
Takanga takatarisira rugare asi hakuna chakanaka chakauya; takatarisira kuporeswa asi paingova nokuvhundutswa.
16 听见从但那里敌人的马喷鼻气, 他的壮马发嘶声, 全地就都震动; 因为他们来吞灭这地和其上所有的, 吞灭这城与其中的居民。
Kufemedzeka kwamabhiza omuvengi kunonzwika kuchibva kuDhani; panorira makono awo nyika yose inodedera. Auya kuzoparadza nyika nezvose zviri mairi, guta navose vanogara imomo.”
17 看哪,我必使毒蛇到你们中间, 是不服法术的, 必咬你们。 这是耶和华说的。
“Tarirai ndichatumira nyoka dzino uturu pakati penyu, mvumbi dzicharamba kuimbirwa, uye dzichakurumai,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
18 我有忧愁,愿能自慰; 我心在我里面发昏。
Haiwa, Munyaradzi wangu, pakuchema kwangu, mwoyo wangu woziya mukati mangu.
19 听啊,是我百姓的哀声从极远之地而来, 说:耶和华不在锡安吗? 锡安的王不在其中吗? 耶和华说:他们为什么以雕刻的偶像 和外邦虚无的神惹我发怒呢?
Inzwai kuchema kwavanhu vangu kunobva kunyika iri kure kure: “Ko, Jehovha haazi muZioni here? Mambo waro haachimo here?” “Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo, nezvifananidzo zvavo zvavatorwa zvisingabatsiri?”
20 麦秋已过,夏令已完, 我们还未得救!
“Kucheka kwapfuura, zhizha rapera, asi tigere kuponeswa.”
21 先知说:因我百姓的损伤, 我也受了损伤。 我哀痛,惊惶将我抓住。
Sezvo vanhu vangu vapwanyiwa, neniwo ndapwanyiwa; ndiri kuchema, uye ndiri kutya zvikuru.
22 在基列岂没有乳香呢? 在那里岂没有医生呢? 我百姓为何不得痊愈呢?
Ko, muGireadhi hamuna muti webharisamu here? Hakuna murapi ikoko here? Seiko zvino ronda ravanhu vangu risina kurapwa?

< 耶利米书 8 >