< 耶利米书 50 >

1 耶和华借先知耶利米论巴比伦和迦勒底人之地所说的话。
Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha kubudikidza nomuprofita Jeremia pamusoro peBhabhironi nenyika yavaBhabhironi:
2 你们要在万国中传扬报告, 竖立大旗; 要报告,不可隐瞒,说: 巴比伦被攻取, 彼勒蒙羞, 米罗达惊惶。 巴比伦的神像都蒙羞; 她的偶像都惊惶。
“Zivisai, uye paridzai pakati pendudzi, simudzai mureza uye paridzai; musasiya kana chinhu, asi muti, ‘Bhabhironi richakundwa; Bheri richanyadziswa, Merodhaki richazara nokutya. Zvifananidzo zvaro zvichanyadziswa uye zvifananidzo zvaro zvichazara nokutya.’
3 “因有一国从北方上来攻击她,使她的地荒凉,无人居住,连人带牲畜都逃走了。”
Rudzi runobva kumusoro rucharirwisa, uye ruchaparadza nyika yaro. Hakuna munhu achagaramo; zvose vanhu nezvipfuwo zvichatizira kure.
4 耶和华说:“当那日子、那时候,以色列人要和犹大人同来,随走随哭,寻求耶和华—他们的 神。
“Mumazuva iwayo, nenguva iyoyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu veIsraeri navanhu veJudha pamwe chete vachaenda kundotsvaka Jehovha Mwari wavo vachichema.
5 他们必访问锡安,又面向这里,说:‘来吧,你们要与耶和华联合为永远不忘的约。’
Vachabvunza nzira inoenda kuZioni, vagotendeutsira zviso zvavo kwairi. Vachauya vagozvisunga kuna Jehovha, nesungano isingaperi isingakanganwiki.
6 “我的百姓作了迷失的羊,牧人使他们走差路,使他们转到山上。他们从大山走到小山,竟忘了安歇之处。
“Vanhu vangu vanga vari makwai akarasika; vafudzi vavo vakavatsausa, uye vakavaita kuti vadzungaire pamusoro pamakomo. Vakadzungaira pamusoro pamakomo nezvikomo, ndokukanganwa nzvimbo yavo yokuzorora.
7 凡遇见他们的,就把他们吞灭。敌人说:‘我们没有罪;因他们得罪那作公义居所的耶和华,就是他们列祖所仰望的耶和华。’
Ani naani akavawana akavadya; vavengi vavo vakati, ‘Isu hatina mhosva, nokuti vakatadzira Jehovha, iye mafuro avo echokwadi, iye Jehovha, tariro yamadzibaba avo.’
8 “我民哪,你们要从巴比伦中逃走,从迦勒底人之地出去,要像羊群前面走的公山羊。
“Tizai mubude muBhabhironi; siyai nyika yavaBhabhironi, mugoita sembudzi inotungamirira makwai.
9 因我必激动联合的大国从北方上来攻击巴比伦,他们要摆阵攻击她;她必从那里被攻取。他们的箭好像善射之勇士的箭,一枝也不徒然返回。
Nokuti ndichamutsa Bhabhironi uye ndichaisa pamusoro paro ndudzi huru dzakabatana dzinobva kumusoro. Vachazvigadzirira kurwa naro, uye richakundwa kubva nechokumusoro. Miseve yavo ichava semhare pakurwa, dzisingadzoki dzisina chadzakabata.
10 迦勒底必成为掠物;凡掳掠她的都必心满意足。这是耶和华说的。”
Naizvozvo Bhabhironi richapambwa; vose vanoripamba vachawana mugove wavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
11 抢夺我产业的啊, 你们因欢喜快乐, 且像踹谷撒欢的母牛犊, 又像发嘶声的壮马。
“Nokuda kwokuti munofara nokufarisisa, iyemi munopamba nhaka yangu, nokuti munokwakuka setsiru rinopura zviyo, muchirira samabhiza,
12 你们的母巴比伦就极其抱愧, 生你们的必然蒙羞。 她要列在诸国之末, 成为旷野、旱地、沙漠。
mai venyu vachanyadziswa kwazvo; ivo vakakuberekai vachanyadziswa. Vachava mudiki pandudzi, renje, nenyika yakaoma, uye gwenga.
13 因耶和华的忿怒,必无人居住, 要全然荒凉。 凡经过巴比伦的要受惊骇, 又因她所遭的灾殃嗤笑。
Nokuda kwokutsamwa kwaJehovha hamungagarwi, asi richava dongo chose. Vose vanopfuura pedyo neBhabhironi vachatyiswa, uye vacharidza muridzo nokuda kwamavanga ake ose.
14 所有拉弓的,你们要在巴比伦的四围摆阵, 射箭攻击她。 不要爱惜箭枝, 因她得罪了耶和华。
“Mirai panzvimbo dzenyu makakomba Bhabhironi, imi mose munowembura uta. Ripfurei! Musasiye kana museve nokuti rakatadzira Jehovha.
15 你们要在她四围呐喊; 她已经投降。 外郭坍塌了, 城墙拆毁了, 因为这是耶和华报仇的事。 你们要向巴比伦报仇; 她怎样待人,也要怎样待她。
Pururudzai pamusoro pake kumativi ose! Rakanda mapfumo pasi, shongwe dzaro dzawa, masvingo aro akoromoka. Sezvo kuri kutsiva kwaJehovha, tsivai pariri; riitirei sezvarakaitira vamwe.
16 你们要将巴比伦撒种的 和收割时拿镰刀的都剪除了。 他们各人因怕欺压的刀剑, 必归回本族,逃到本土。
Bvisai mudyari muBhabhironi, nomucheki nejeko rake pakukohwa. Nokuda kwomunondo womumanikidzi mumwe nomumwe ngaadzokere kuvanhu vake, mumwe nomumwe ngaatizire kunyika yake.
17 “以色列是打散的羊,是被狮子赶出的。首先是亚述王将他吞灭,末后是巴比伦王尼布甲尼撒将他的骨头折断。”
“Israeri makwai akapararira akadzingirwa kure neshumba. Akatanga kumudya akanga ari mambo weAsiria; akapedzisira kupwanya mapfupa ake ndiNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.”
18 所以万军之耶和华—以色列的 神如此说:“我必罚巴比伦王和他的地,像我从前罚亚述王一样。
Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: “Ndicharanga mambo weBhabhironi nenyika yake, sokuranga kwandakaita mambo weAsiria.
19 我必再领以色列回他的草场,他必在迦密和巴珊吃草,又在以法莲山上和基列境内得以饱足。”
Asi ndichadzosera Israeri kumafuro ake, uye achafura paKarimeri nepaBhashani; achadya akaguta pazvikomo zveEfuremu neGireadhi.
20 耶和华说:“当那日子、那时候,虽寻以色列的罪孽,一无所有;虽寻犹大的罪恶,也无所见;因为我所留下的人,我必赦免。”
Mumazuva iwayo, panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mhaka yaIsraeri ichatsvakwa, asi pachange pasina mhosva, uye zvivi zveJudha zvichatsvakwa, asi hapana chichawanikwa, nokuti ndichakanganwira vakasara vandakasiya.
21 耶和华说:上去攻击米拉大翁之地, 又攻击比割的居民。 要追杀灭尽, 照我一切所吩咐你的去行。
“Rwisai nyika yeMarataimi neavo vagere muPekodhi. Dzingirirai, urayai uye muvaparadze zvachose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Muite zvose zvandakurayirai.
22 境内有打仗和大毁灭的响声。
Mheremhere yehondo iri munyika, mheremhere yokuparadza kukuru!
23 全地的大锤何竟砍断破坏? 巴比伦在列国中何竟荒凉?
Yavhunika nokupwanyika seiko nyundo yenyika yose! Bhabhironi rava dongo seiko pakati pendudzi!
24 巴比伦哪,我为你设下网罗, 你不知不觉被缠住。 你被寻着,也被捉住; 因为你与耶和华争竞。
Ndakakuisira musungo, iwe Bhabhironi, uye wakabatwa usati wazviziva; wakawanikwa ukapambwa nokuti wakapikisana naJehovha,
25 耶和华已经开了武库, 拿出他恼恨的兵器; 因为主—万军之耶和华 在迦勒底人之地有当做的事。
Jehovha akazarura dura rezvombo ndokubudisa zvombo zvehasha dzake, nokuti Ishe Jehovha Wamasimba Ose ane basa rokuita munyika yavaBhabhironi.
26 你们要从极远的边界来攻击她, 开她的仓廪, 将她堆如高堆, 毁灭净尽,丝毫不留。
Uyai murwe naro muchibva kure. Zarurai matura aro; muriunganidze semirwi yezviyo. Riparadzei zvachose, parege kuva navanosara.
27 要杀她的一切牛犊, 使他们下去遭遇杀戮。 他们有祸了, 因为追讨他们的日子已经来到。 (
Muuraye hondo diki dzaro dzose; ngadziendeswe kundobayiwa! Vane nhamo! Nokuti zuva ravo rasvika, nguva yokurangwa kwavo.
28 有从巴比伦之地逃避出来的人,在锡安扬声报告耶和华—我们的 神报仇,就是为他的殿报仇。)
Inzwai vanotiza navapoteri vanobva kuBhabhironi, vanoparidza muZioni kuti Jehovha Mwari wedu akatsiva sei, kutsivira temberi yake.
29 “招集一切弓箭手来攻击巴比伦。要在巴比伦四围安营,不要容一人逃脱,照着她所做的报应她;她怎样待人,也要怎样待她,因为她向耶和华—以色列的圣者发了狂傲。
“Kokerai vapfuri vemiseve varwe neBhabhironi, vose vanowembura uta. Rikombei rose; ngakurege kuva nounopukunyuka. Riripirei nokuda kwamabasa avo; riitireiwo sezvarakaita. Nokuti vakamhura Jehovha, Iye Mutsvene weIsraeri.
30 所以她的少年人必仆倒在街上。当那日,一切兵丁必默默无声。这是耶和华说的。”
Naizvozvo majaya aro achawira mumigwagwa; varwi varo vose vachanyarara kuti mwiro pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
31 主—万军之耶和华说: 你这狂傲的啊,我与你反对, 因为我追讨你的日子已经来到。
“Tarira, ndinorwa newe, iwe wokuzvikudza,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose, “nokuti zuva rako rasvika, nguva yokurangwa kwako.
32 狂傲的必绊跌仆倒,无人扶起。 我也必使火在他的城邑中着起来, 将他四围所有的尽行烧灭。
Anozvikudza achagumburwa agowa, uye hapana achamusimudza; ndichatungidza moto mumaguta ake uchapisa vose vakamupoteredza.”
33 万军之耶和华如此说:“以色列人和犹大人一同受欺压;凡掳掠他们的都紧紧抓住他们,不肯释放。
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Vanhu veIsraeri vakamanikidzwa, navanhu veJudha vakamanikidzwawo, vapambi vavo vose vakavabata, zvakasimba, vanoramba kuvaregedza kuti vaende.
34 他们的救赎主大有能力,万军之耶和华是他的名。他必伸清他们的冤,好使全地得平安,并搅扰巴比伦的居民。”
Asi mudzikinuri wavo ane simba; Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake. Achavareverera nhaka yavo nesimba kuti azorodze nyika yavo, asi achashayisa zororo kuna avo vanogara muBhabhironi.
35 耶和华说:“有刀剑临到迦勒底人和巴比伦的居民, 并她的首领与智慧人。
“Munondo pamusoro pavaBhabhironi!” ndizvo zvinotaura Jehovha, “pamusoro peavo vagere muBhabhironi, napamusoro pamachinda aro navakachenjera varo!
36 有刀剑临到矜夸的人, 他们就成为愚昧; 有刀剑临到她的勇士, 他们就惊惶。
Munondo pamusoro pavaprofita varo venhema! Vachava mapenzi. Munondo pamusoro pemhare dzaro! Vachazadzwa nokutya.
37 有刀剑临到她的马匹、车辆, 和其中杂族的人民; 他们必像妇女一样。 有刀剑临到她的宝物, 就被抢夺。
Munondo pamusoro pamabhiza nengoro dzaro, napamusoro pavatorwa vose vari pazvigaro zvaro! Vachava vakadzi. Munondo pamusoro pepfuma yaro! Ichapambwa.
38 有干旱临到她的众水, 就必干涸; 因为这是有雕刻偶像之地, 人因偶像而颠狂。
Mvura yaro zhinji ngaipwe! Ichaoma. Nokuti inyika yezvifananidzo, zvifananidzo zvichapenga nokutya.
39 所以旷野的走兽和豺狼必住在那里,鸵鸟也住在其中,永无人烟,世世代代无人居住。”
“Saka mhuka dzomugwenga namapere zvichagarako, uye zizi richagara imomo. Haichazogarwizve, uye hapana achagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.
40 耶和华说:“必无人住在那里,也无人在其中寄居,要像我倾覆所多玛、蛾摩拉,和邻近的城邑一样。
Sokukoromorwa kwakaitwa Sodhomu neGomora naMwari pamwe chete namaguta akavakidzana nawo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saizvozvo hakuna achagarako; hakuna munhu achagara mairi.
41 看哪,有一种民从北方而来, 并有一大国和许多君王被激动,从地极来到。
“Tarirai! Hondo inobva nechokumusoro; rudzi rukuru namadzimambo mazhinji ari kumutswa kubva kumagumo enyika.
42 他们拿弓和枪, 性情残忍,不施怜悯; 他们的声音像海浪匉訇。 巴比伦城啊, 他们骑马, 都摆队伍如上战场的人, 要攻击你。
Vakapakata uta namapfumo; vano utsinye uye havana tsitsi. Vanotinhira segungwa vakatasva mabhiza avo; vanouya vakaita savarume vakagadzirira kurwa, kuti vakurwise, iwe Mwanasikana weBhabhironi.
43 巴比伦王听见他们的风声, 手就发软, 痛苦将他抓住, 疼痛仿佛产难的妇人。
Mambo weBhabhironi akanzwa guhu pamusoro pavo, maoko ake akapera simba. Kutya kwakamubata, kurwadziwa sekwomukadzi wosununguka.
44 “仇敌必像狮子从约旦河边的丛林上来,攻击坚固的居所。转眼之间,我要使他们逃跑,离开这地。谁蒙拣选,我就派谁治理这地。谁能比我呢?谁能给我定规日期呢?有何牧人能在我面前站立得住呢?
Seshumba inouya ichibva mudondo reJorodhani ichienda kumafuro akapfuma, ndichadzinga Bhabhironi kubva munyika yayo pakarepo. Ndianiko akatsaurwa wandichagadza pane izvi? Ndiani akaita seni uye ndiani achamisidzana neni? Uye ndoupi mufudzi angandidzivisa?”
45 你们要听耶和华攻击巴比伦所说的谋略和他攻击迦勒底人之地所定的旨意。仇敌定要将他们群众微弱的拉去,定要使他们的居所荒凉。
Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi, zvaakaronga pamusoro penyika yavaBhabhironi: Makwayana emapoka avo achakwekweredzerwa kure; achaparadza mafuro awo zvachose nokuda kwavo.
46 因巴比伦被取的声音,地就震动,人在列邦都听见呼喊的声音。”
Pachanzwikwa kutinhira kwokukundwa kweBhabhironi, nyika ichadedera; kuchema kwayo kuchanzwikwa pakati pamarudzi.

< 耶利米书 50 >