< 耶利米书 39 >

1 犹大王西底家第九年十月,巴比伦王尼布甲尼撒率领全军来围困耶路撒冷。
Uku ndiko kutorwa kwakaitwa Jerusarema: Mugore repfumbamwe ramambo Zedhekia mambo weJudha, mumwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akauya kuzorwisa Jerusarema nehondo yake yose uye akarikomba.
2 西底家十一年四月初九日,城被攻破。
Zvino mugore regumi nerimwe raZedhekia, pazuva repfumbamwe romwedzi wechina, masvingo eguta akakoromorwa.
3 耶路撒冷被攻取的时候,巴比伦王的首领尼甲·沙利薛、三甲·尼波、撒西金—拉撒力、尼甲·沙利薛—拉墨,并巴比伦王其余的一切首领都来坐在中门。
Ipapo machinda ose amambo weBhabhironi akauya ndokugara paSuo Rapakati, vaiti: Nerigari-Sharezeri weSamugari naNebho-Saresekimi mukuru wavaranda vamambo weBhabhironi, naNerigari-Sharezeri mukuru aiva nechinzvimbo chapamusoro, namamwe machinda ose amambo weBhabhironi.
4 犹大王西底家和一切兵丁看见他们,就在夜间从靠近王园两城中间的门出城逃跑,往亚拉巴逃去。
Zedhekia mambo weJudha navarwi vose vakati vavaona, vakatiza; vakabuda muguta usiku vakaenda nenzira yokubindu ramambo, napasuo raiva pakati pamasvingo maviri, ndokunanga kuArabha.
5 迦勒底的军队追赶他们,在耶利哥的平原追上西底家,将他拿住,带到哈马地的利比拉、巴比伦王尼布甲尼撒那里;尼布甲尼撒就审判他。
Asi hondo yavaBhabhironi yakavadzinganisa ndokubatira Zedhekia mumapani eJeriko. Vakamubata ndokumuendesa kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati kwaakamupa mutongo wake.
6 巴比伦王在利比拉、西底家眼前杀了他的众子,又杀了犹大的一切贵胄,
Ipapo paRibhira Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake uye akaurayawo makurukota ose eJudha.
7 并且剜西底家的眼睛,用铜链锁着他,要带到巴比伦去。
Ipapo akatumbura meso aZedhekia ndokumusunga nengetani kuti aende naye kuBhabhironi.
8 迦勒底人用火焚烧王宫和百姓的房屋,又拆毁耶路撒冷的城墙。
VaBhabhironi vakapisa muzinda wamambo nedzimba dzavanhu vakakoromora masvingo eJerusarema.
9 那时,护卫长尼布撒拉旦将城里所剩下的百姓和投降他的逃民,以及其余的民都掳到巴比伦去了。
Nebhuzaradhani mukuru wehondo yavarindi akaendesa kuBhabhironi vanhu vakanga vasara muguta pamwe chete navaya vakanga vazvipira kwaari uye noruzhinji rwavanhu.
10 护卫长尼布撒拉旦却将民中毫无所有的穷人留在犹大地,当时给他们葡萄园和田地。
Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akasiya munyika yeJudha vamwe varombo vakanga vasina chinhu; uye panguva iyoyo akavapa minda yemizambiringa nemimwe minda.
11 巴比伦王尼布甲尼撒提到耶利米,嘱咐护卫长尼布撒拉旦说:
Zvino Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akanga arayira izvi pamusoro paJeremia kubudikidza naNebhuzaradhani mukuru wavarindi, achiti,
12 “你领他去,好好地看待他,切不可害他;他对你怎么说,你就向他怎么行。”
“Mutorei mumuchengete; musamuitira zvakaipa asi mumuitire zvose zvaanokumbira.”
13 护卫长尼布撒拉旦和尼布沙斯班—拉撒力、尼甲·沙利薛—拉墨,并巴比伦王的一切官长,
Saka Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, naNebhushazibhani mukuru wavaranda, naNerigari-Sharezeri aiva mukuru wenʼanga namamwe machinda ose amambo weBhabhironi
14 打发人去,将耶利米从护卫兵院中提出来,交与沙番的孙子亚希甘的儿子基大利,带回家去。于是耶利米住在民中。
vakatumira nhume kuti Jeremia abviswe paruvazhe rwavarindi. Vakamuendesa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti vamudzosere kumusha kwake. Saka akaramba agere pakati pavanhu vokwake.
15 耶利米还囚在护卫兵院中的时候,耶和华的话临到他说:
Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia achakapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti,
16 “你去告诉古实人以伯·米勒说,万军之耶和华—以色列的 神如此说:我说降祸不降福的话必临到这城,到那时必在你面前成就了。
“Enda undoudza Ebhedhi-Mereki muEtiopia kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndava pedyo kuzadzisa mashoko angu pamusoro peguta rino nenjodzi, kwete kubudirira. Panguva iyoyo zvichazadzisika pamberi pako.
17 耶和华说:到那日我必拯救你,你必不致交在你所怕的人手中。
Asi iwe ndichakurwira pazuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, haungaiswi mumaoko evaunotya.
18 我定要搭救你,你不致倒在刀下,却要以自己的命为掠物,因你倚靠我。这是耶和华说的。”
Ndichakuponesa; haungaurayiwi nomunondo asi uchatiza noupenyu hwako, nokuti unovimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha.’”

< 耶利米书 39 >