< 耶利米书 30 >

1 耶和华的话临到耶利米说:
Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti,
2 “耶和华—以色列的 神如此说:你将我对你说过的一切话都写在书上。
“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Nyora mubhuku mashoko ose andakakuudza.
3 耶和华说:日子将到,我要使我的百姓以色列和犹大被掳的人归回;我也要使他们回到我所赐给他们列祖之地,他们就得这地为业。这是耶和华说的。”
Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘andichadzosa vanhu vangu, vaIsraeri navaJudha kubva kuutapwa. Uye ndichavadzosera kunyika yandakapa madzitateguru avo kuti ive yavo,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.”
4 以下是耶和华论到以色列和犹大所说的话:
Aya ndiwo mashoko akataurwa naJehovha pamusoro peIsraeri neJudha:
5 耶和华如此说:我们听见声音, 是战抖惧怕而不平安的声音。
“Zvanzi naJehovha: “‘Tinonzwa kuchema kwevanotya, kwokutyisidzirwa, kwete kworugare.
6 你们且访问看看, 男人有产难吗? 我怎么看见人人用手掐腰, 像产难的妇人, 脸面都变青了呢?
Bvunzai muone: Ko, murume angagona kusununguka mwana here? Zvino, seiko ndichiona murume mumwe nomumwe akasimba akabata padumbu pake namaoko ake somukadzi orwadziwa, zviso zvose zvachenuruka?
7 哀哉!那日为大, 无日可比; 这是雅各遭难的时候, 但他必被救出来。
Haiwa, zuva iro richatyisa seiko! Hakuna richafanana naro. Ichava nguva yaJakobho yokutambudzika, asi achaponeswa pairi.
8 万军之耶和华说:“到那日,我必从你颈项上折断仇敌的轭,扭开他的绳索;外邦人不得再使你作他们的奴仆。
“‘Pazuva iro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichavhuna joko pamitsipa yavo uye ndichadambura zvisungo zvavo; havachazoitwizve varanda navatorwa.
9 你们却要事奉耶和华—你们的 神和我为你们所要兴起的王大卫。”
Asi, vachashumira Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo, iye wandichavamutsira.
10 故此,耶和华说: 我的仆人雅各啊,不要惧怕; 以色列啊,不要惊惶; 因我要从远方拯救你, 从被掳到之地拯救你的后裔; 雅各必回来得享平靖安逸, 无人使他害怕。
“‘Saka, usatya, iwe Jakobho muranda wangu; usavhunduka, iwe Israeri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Zvirokwazvo ndichakuponesa kubva kunyika iri kure, zvizvarwa zvako kubva kunyika youtapwa hwavo. Jakobho achavazve norunyararo uye nokuchengetedzeka, uye hakuna achazomutyisa.
11 因我与你同在,要拯救你, 也要将所赶散你到的那些国灭绝净尽, 却不将你灭绝净尽,倒要从宽惩治你, 万不能不罚你。 这是耶和华说的。
Ndinewe uye ndichakuponesa,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Kunyange zvazvo ndakaparadza chose ndudzi dzose dzandakakuparadzira pakati padzo, handingazokuparadze zvachose iwe. Ndichakuranga asi nokururamisira chete; handingakusiyi usina kurangwa zvachose.’
12 耶和华如此说: 你的损伤无法医治; 你的伤痕极其重大。
“Zvanzi naJehovha: “‘Ronda rako harirapiki, kukuvadzwa kwako hakupori.
13 无人为你分诉, 使你的伤痕得以缠裹; 你没有医治的良药。
Hakuna anokureverera mhaka yako, vanga rako harina mushonga, hapana kuporeswa kwako.
14 你所亲爱的都忘记你, 不来探问你。 我因你的罪孽甚大,罪恶众多, 曾用仇敌加的伤害伤害你, 用残忍者的惩治惩治你。
Vose vaikuda vakakukanganwa; havachina hanya newe. Ndakakurova sezvinoitwa nomuvengi ndikakuranga sezvinoitwa neano utsinye nokuti mhosva yako ihuru uye zvivi zvako zvakawanda.
15 你为何因损伤哀号呢? 你的痛苦无法医治。 我因你的罪孽甚大,罪恶众多, 曾将这些加在你身上。
Unochemeiko pamusoro pevanga rako, nokurwadziswa kwako kusingarapike? Nokuda kwokukura kwemhaka yako nezvivi zvizhinji ndakaita zvinhu izvi kwauri.
16 故此,凡吞吃你的必被吞吃; 你的敌人个个都被掳去; 掳掠你的必成为掳物; 抢夺你的必成为掠物。
“‘Asi vose vanokudya iwe vachadyiwawo; vavengi vako vose vachaenda kuutapwa. Vanokupamba, vachapambwawo; vose vanokuparadza, ndichavaparadzawo.
17 耶和华说:我必使你痊愈, 医好你的伤痕, 都因人称你为被赶散的, 说:这是锡安,无人来探问的!
Asi ndichakudzorera pautano uye ndichaporesa maronda ako,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘nokuti iwe wakanzi murashwa, Zioni zvaro risina ane hanya naro.’
18 耶和华如此说: 我必使雅各被掳去的帐棚归回, 也必顾惜他的住处。 城必建造在原旧的山冈; 宫殿也照旧有人居住。
“Zvanzi naJehovha: “‘Ndichadzosazve pfuma yamatende aJakobho uye ndichanzwira ugaro hwake tsitsi; guta richavakwazve pamatongo aro, nomuzinda uchamira panzvimbo yawo yakafanira.
19 必有感谢和欢乐的声音从其中发出, 我要使他们增多,不致减少; 使他们尊荣,不致卑微。
Nziyo dzokuvonga dzichabva kwavari uye nenzwi romufaro. Ndichawedzera kuwanda kwavo, uye havangatapudzwi; ndichavavigira kukudzwa, uye havangadukupiswi,
20 他们的儿女要如往日; 他们的会众坚立在我面前; 凡欺压他们的,我必刑罚他。
Vana vavo vachava sepamazuva ekare, uye ungano yavo ichasimbiswa pamberi pangu; ndicharanga vose vanovamanikidza.
21 他们的君王必是属乎他们的; 掌权的必从他们中间而出。 我要使他就近我, 他也要亲近我; 不然,谁有胆量亲近我呢? 这是耶和华说的。
Mutungamiri wavo achava mumwe wokwavo; anovabata ushe achamutswa pakati pavo. Ndichamuswededza pedyo uye iye achaswedera pedyo neni, nokuti ndianiko achazvipira kuti ave pedyo neni?’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
22 你们要作我的子民, 我要作你们的 神。
‘Saka muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.’”
23 看哪,耶和华的忿怒 好像暴风已经发出; 是扫灭的暴风, 必转到恶人的头上。
Tarirai, dutu raJehovha richaputika mukutsamwa kwake, mhepo inovhuvhuta ichimona pamisoro yavakaipa.
24 耶和华的烈怒必不转消, 直到他心中所拟定的成就了; 末后的日子你们要明白。
Kutsamwa kunotyisa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza zvinovavarirwa nomwoyo wake. Mumazuva anouya muchanzwisisa izvozvi.

< 耶利米书 30 >