< 以赛亚书 63 >

1 这从以东的波斯拉来, 穿红衣服, 装扮华美, 能力广大, 大步行走的是谁呢? 就是我, 是凭公义说话, 以大能施行拯救。
Ndianiko uyu anobva kuEdhomu, anobva kuBhozira, ane nguo dzakatsvuka seropa? Ndianiko uyu, akafuka zvinobwinya, anofamba muukuru hwesimba rake? “Ndini ndinotaura nokururama, ndine simba rokuponesa.”
2 你的装扮为何有红色? 你的衣服为何像踹酒榨的呢?
Seiko nguo dzenyu dzakatsvuka sedzomunhu anotsika chisviniro chewaini?
3 我独自踹酒榨; 众民中无一人与我同在。 我发怒将他们踹下, 发烈怒将他们践踏。 他们的血溅在我衣服上, 并且污染了我一切的衣裳。
“Ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kubva kundudzi dzose hapana akanga aneni. Ndakavatsika-tsika mukutsamwa kwangu uye ndakavapwanyira pasi muhasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguo dzangu, ndikasvibisa nguo dzangu dzose.
4 因为,报仇之日在我心中; 救赎我民之年已经来到。
Nokuti zuva rokutsiva rakanga riri mumwoyo mangu, uye gore rokudzikinura kwangu rasvika.
5 我仰望,见无人帮助; 我诧异,没有人扶持。 所以,我自己的膀臂为我施行拯救; 我的烈怒将我扶持。
Ndakatarisa, asi pakanga pasina angabatsira, ndakashamiswa nokuti hapana akatsigira; naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso, uye hasha dzangu dzakanditsigira.
6 我发怒,踹下众民; 发烈怒,使他们沉醉, 又将他们的血倒在地上。
Ndakatsika-tsika ndudzi mukutsamwa kwangu; muhasha dzangu ndakaita kuti vadhakwe uye ndakadurura ropa ravo pasi.”
7 我要照耶和华一切所赐给我们的, 提起他的慈爱和美德, 并他向以色列家所施的大恩; 这恩是照他的怜恤 和丰盛的慈爱赐给他们的。
Ndichataura nezvounyoro hwaJehovha, iwo mabasa aanofanira kukudzwa nawo, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha, hongu, izvo zvinhu zvizhinji zvaakaitira imba yaIsraeri, nokuda kwetsitsi dzake uye nengoni dzake zhinji.
8 他说:他们诚然是我的百姓, 不行虚假的子民; 这样,他就作了他们的救主。
Akati, “Zvirokwazvo ndivo vanhu vangu, ivo vanakomana vasingazovi venhema kwandiri,” naizvozvo akava Muponesi wavo.
9 他们在一切苦难中, 他也同受苦难; 并且他面前的使者拯救他们; 他以慈爱和怜悯救赎他们; 在古时的日子常保抱他们,怀搋他们。
Mumatambudziko avo ose naiyewo akatambudzika, uye mutumwa wokuvapo kwake akavaponesa. Murudo rwake nengoni akavadzikinura; akavasimudza uye akavatakura mumazuva ose akare.
10 他们竟悖逆,使主的圣灵担忧。 他就转作他们的仇敌, 亲自攻击他们。
Asi vakamumukira vakachemedza Mweya wake Mutsvene. Saka akashanduka akava muvengi wavo, uye iye amene akarwa navo.
11 那时,他们想起古时的日子— 摩西和他百姓,说: 将百姓和牧养他全群的人 从海里领上来的在哪里呢? 将他的圣灵降在他们中间的在哪里呢?
Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare, mazuva aMozisi navanhu vake, vakati, aripiko akavayambutsa gungwa, nomufudzi wamakwai ake? Aripiko akaisa Mweya wake Mutsvene pakati pavo,
12 使他荣耀的膀臂在摩西的右手边行动, 在他们前面将水分开, 要建立自己永远的名,
iye akavatumira ruoko rwake rwokukudzwa nesimba kuti ruve paruoko rworudyi rwaMozisi, iye akaparadzanisa mvura pamberi pavo, kuti azviwanire mukurumbira usingaperi,
13 带领他们经过深处, 如马行走旷野, 使他们不致绊跌的在哪里呢?
iye akavatungamirira nomakadzika? Sebhiza murenje, havana kugumburwa;
14 耶和华的灵使他们得安息, 仿佛牲畜下到山谷; 照样,你也引导你的百姓, 要建立自己荣耀的名。
semombe dzinoburukira kubani, vakapiwa zororo noMweya waJehovha. Ndiwo matungamiriro amakaita vanhu venyu kuti muzviitire zita rine mukurumbira.
15 求你从天上垂顾, 从你圣洁荣耀的居所观看。 你的热心和你大能的作为在哪里呢? 你爱慕的心肠和怜悯向我们止住了。
Tarirai pasi muri kudenga uye muone, kubva pachigaro chenyu chakakwirira chitsvene uye chinobwinya. Kushingaira kwenyu nesimba renyu zviripiko? Unyoro hwenyu netsitsi dzenyu zvakabviswa kwatiri.
16 亚伯拉罕虽然不认识我们, 以色列也不承认我们, 你却是我们的父。 耶和华啊,你是我们的父; 从万古以来,你名称为“我们的救赎主”。
Asi muri Baba vedu, kunyange Abhurahama asingatizivi kana naIsraeri asingatiziviwo; imi, Jehovha, ndimi Baba vedu, Mudzikinuri wedu kubva kare ndiro zita renyu.
17 耶和华啊,你为何使我们走差离开你的道, 使我们心里刚硬、不敬畏你呢? 求你为你仆人, 为你产业支派的缘故,转回来。
Haiwa Jehovha, munotiregereiko tichidzungaira, kubva panzira dzenyu muchiomesa mwoyo yedu kuti tirege kukutyai? Dzokai nokuda kwavaranda venyu, iwo marudzi enhaka yenyu.
18 你的圣民不过暂时得这产业; 我们的敌人已经践踏你的圣所。
Kwenguva duku vanhu venyu vakatora nzvimbo yenyu tsvene, asi zvino vavengi vedu vakatsika-tsika nzvimbo yenyu tsvene.
19 我们好像你未曾治理的人, 又像未曾得称你名下的人。
Isu tiri venyu kubva kare; asi ivo hamuna kumbovatonga, havana kumbodaidzwa nezita renyu.

< 以赛亚书 63 >