< 以赛亚书 52 >

1 锡安哪,兴起!兴起! 披上你的能力! 圣城耶路撒冷啊,穿上你华美的衣服! 因为从今以后, 未受割礼、不洁净的必不再进入你中间。
Muka, muka iwe Zioni, zvifukidze nesimba. Fuka nguo dzako dzakanakisa, iwe Jerusarema, guta dzvene. Vasina kudzingiswa navakasvibiswa havachapindizve mauri.
2 耶路撒冷啊,要抖下尘土! 起来坐在位上! 锡安被掳的居民哪, 要解开你颈项的锁链!
Zunza guruva rako: simuka, ugare paushe, iwe Jerusarema. Zvisunungure pangetani dziri pamutsipa wako, iwe nhapwa, Mwanasikana weZioni.
3 耶和华如此说:“你们是无价被卖的,也必无银被赎。
Nokuti zvanzi naJehovha, “Wakatengeswa pasina mutengo, uye uchadzikinurwa pasina mari.”
4 主耶和华如此说:起先我的百姓下到埃及,在那里寄居,又有亚述人无故欺压他们。
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “Pakutanga vanhu vangu vakaenda kuIjipiti kundogarako; iye zvino Asiria inovamanikidza.
5 耶和华说:我的百姓既是无价被掳去,如今我在这里做什么呢?耶和华说:辖制他们的人呼叫,我的名整天受亵渎。
“Uye zvino ndinei pano?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti vanhu vangu vakabviswa pasina, uye avo vanovatonga vanovaseka,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uye zuva rose zita rangu rinogara richimhurwa.
6 所以,我的百姓必知道我的名;到那日他们必知道说这话的就是我。看哪,是我!”
Naizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu; naizvozvo pazuva iro vachaziva kuti ndini ndakazvitaura. Hongu, ndini iye.”
7 那报佳音,传平安, 报好信,传救恩的, 对锡安说:你的 神作王了! 这人的脚登山何等佳美!
Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzavanouya namashoko akanaka, vanoparidza rugare, vanouya namashoko akanaka, vanoparidza ruponeso, vanoti kuZioni, “Mwari wako anotonga!”
8 听啊,你守望之人的声音, 他们扬起声来,一同歌唱; 因为耶和华归回锡安的时候, 他们必亲眼看见。
Chinzwa! Nharirire dzako dzinodanidzira namanzwi adzo; vanopembera nomufaro pamwe chete. Panodzokera Jehovha kuZioni, vachazviona nameso avo pachavo.
9 耶路撒冷的荒场啊, 要发起欢声,一同歌唱; 因为耶和华安慰了他的百姓, 救赎了耶路撒冷。
Pururudzai muimbe nziyo dzomufaro pamwe chete, imi matongo eJerusarema, nokuti Jehovha anyaradza vanhu vake, akadzikinura Jerusarema.
10 耶和华在万国眼前露出圣臂; 地极的人都看见我们 神的救恩了。
Jehovha acharatidza ruoko rwake rutsvene pamberi pendudzi dzose, uye magumo ose enyika achaona ruponeso rwaMwari wedu.
11 你们离开吧!离开吧! 从巴比伦出来。 不要沾不洁净的物; 要从其中出来。 你们扛抬耶和华器皿的人哪, 务要自洁。
Ibvai, ibvai, budai ikoko! Musabata chinhu chine tsvina! Budaimo mugova vakachena, imi munotakura midziyo yaJehovha.
12 你们出来必不致急忙, 也不致奔逃。 因为,耶和华必在你们前头行; 以色列的 神必作你们的后盾。
Asi hamungazobudi nokukurumidza kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha achakutungamirirai, Mwari waIsraeri achakurindai mushure.
13 我的仆人行事必有智慧, 必被高举上升, 且成为至高。
Tarirai muranda wangu achaita nouchenjeri; achasimudzirwa uye achakwidzwa pamusoro, uye achakudzwa kwazvo.
14 许多人因他惊奇; 他的面貌比别人憔悴; 他的形容比世人枯槁。
Sezvo vazhinji vakashamiswa naye, chiso chake chakanga chakakuvadzwa zvikuru, kupfuura chomunhu upi zvake, uye chimiro chake chakanga chakanganiswa, kupfuura kuratidzika kwomunhu,
15 这样,他必洗净许多国民; 君王要向他闭口。 因所未曾传与他们的,他们必看见; 未曾听见的,他们要明白。
saka iye achasasa ndudzi zhinji, uye madzimambo achafumbira miromo nokuda kwake. Nokuti zvavakanga vasina kuudzwa, vachazviona, uye zvavasina kumbonzwa, vachazvinzwisisa.

< 以赛亚书 52 >