< 以赛亚书 43 >

1 雅各啊,创造你的耶和华, 以色列啊,造成你的那位, 现在如此说: 你不要害怕!因为我救赎了你。 我曾提你的名召你,你是属我的。
Asi zvino, zvanzi naJehovha, iye akasika iwe Jakobho, iye akakuumba iwe Israeri: “Usatya, nokuti ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako; uri wangu.
2 你从水中经过,我必与你同在; 你趟过江河,水必不漫过你; 你从火中行过,必不被烧, 火焰也不着在你身上。
Paunopfuura nomumvura zhinji ini ndichava newe; uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri. Paunofamba nomumoto, haungazotsvi; murazvo haungazokupisi.
3 因为我是耶和华—你的 神, 是以色列的圣者—你的救主; 我已经使埃及作你的赎价, 使古实和西巴代替你。
Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, Muponesi wako; ndinopa Ijipiti kuti ive rusununguko rwako, Etiopia neShebha pachinzvimbo chako.
4 因我看你为宝为尊; 又因我爱你, 所以我使人代替你, 使列邦人替换你的生命。
Sezvo uchikosha uye uchikudzwa pamberi pangu, uye nokuti ndinokuda, ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu pachinzvimbo choupenyu hwako.
5 不要害怕,因我与你同在; 我必领你的后裔从东方来, 又从西方招聚你。
Usatya, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako kubva kumabvazuva, ndichakuunganidzai kubva kumavirira.
6 我要对北方说,交出来! 对南方说,不要拘留! 将我的众子从远方带来, 将我的众女从地极领回,
Ndichati kurutivi rwokumusoro, ‘Varegedze!’ uye kurutivi rwezasi, ‘Usavadzivisa.’ Uyisai vanakomana vangu kubva kure, uye navanasikana vangu vabva kumigumo yenyika,
7 就是凡称为我名下的人, 是我为自己的荣耀创造的, 是我所做成,所造作的。
vose vanodanwa nezita rangu, vandakasikira kukudzwa kwangu vandakaumba uye ndikaita.”
8 你要将有眼而瞎、 有耳而聋的民都带出来!
Uyai neavo vane meso asi vari mapofu, vane nzeve asi vari matsi.
9 任凭万国聚集; 任凭众民会合。 其中谁能将此声明, 并将先前的事说给我们听呢? 他们可以带出见证来,自显为是; 或者他们听见便说:这是真的。
Ndudzi dzose ngadziungane pamwe chete, uye marudzi ngaaungane. Ndianiko pakati pavo akati izvi zvichaitika, akatiparidzira zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo kuti zvionekwe kuti havana mhosva, kuitira kuti vamwe vanzwe vagoti, “Ichokwadi.”
10 耶和华说:你们是我的见证, 我所拣选的仆人。 既是这样,便可以知道,且信服我, 又明白我就是耶和华。 在我以前没有真神; 在我以后也必没有。
“Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nomuranda wangu wandakasarudza, kuti mugoziva uye mugonditenda uye mugonzwisisa kuti ndini iye. Hakuna kumbova nomumwe mwari akaumbwa ndisati ndavapo, uye hakuchazova nomumwe shure kwangu.
11 惟有我是耶和华; 除我以外没有救主。
Ini, iyeni, ndini Jehovha, uye kunze kwangu hakuna muponesi.
12 我曾指示,我曾拯救,我曾说明, 并且在你们中间没有别神。 所以耶和华说: 你们是我的见证。 我也是 神;
Ini ndakaratidza ndikaponesa, ndikaparidza, ini, kwete vamwe vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu. Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti, “ndini Mwari.
13 自从有日子以来,我就是 神; 谁也不能救人脱离我手。 我要行事谁能阻止呢?
Hongu, kubva pamazuva akare ndini iye. Hakuna angarwira munhu muruoko rwangu. Pandinoita chinhu, ndianiko angachikonesa?”
14 耶和华—你们的救赎主、 以色列的圣者如此说: 因你们的缘故, 我已经打发人到巴比伦去; 并且我要使迦勒底人如逃民, 都坐自己喜乐的船下来。
Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsraeri: “Ndichatuma vanhu kuBhabhironi nokuda kwenyu, uye ndichaburitsa vaBhabhironi vose vachitiza, muzvikepe zvavaidada nazvo.
15 我是耶和华—你们的圣者, 是创造以色列的,是你们的君王。
Ndini Jehovha, Mutsvene Wenyu, Musiki waIsraeri, Mambo wenyu.”
16 耶和华在沧海中开道, 在大水中开路,
Zvanzi naJehovha, iye akaita nzira pakati pegungwa, nenzira mukati memvura zhinji,
17 使车辆、马匹、军兵、勇士都出来, 一同躺下,不再起来; 他们灭没,好像熄灭的灯火。
iye akabudisa ngoro namabhiza, hondo pamwe chete nezvinosimbisa, vakavata ipapo, havana kuzombomukazve, vadzimwa, vadzimwa somwenje:
18 耶和华如此说: 你们不要记念从前的事, 也不要思想古时的事。
“Chikanganwai zvinhu zvakare; musaramba muri pane zvakapfuura.
19 看哪,我要做一件新事; 如今要发现,你们岂不知道吗? 我必在旷野开道路, 在沙漠开江河。
Tarirai, ndava kuita chinhu chitsva! Zvino chava kumera; hamuchioni here? Ndiri kuita nzira mugwenga nehova musango.
20 野地的走兽必尊重我; 野狗和鸵鸟也必如此。 因我使旷野有水, 使沙漠有河, 好赐给我的百姓、我的选民喝。
Zvikara zvesango zvinondikudza, makava namazizi, nokuti ndinozvipa mvura mugwenga nehova musango, kuti ndipe vanhu vangu chokunwa, vasanangurwa vangu,
21 这百姓是我为自己所造的, 好述说我的美德。
vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.
22 雅各啊,你并没有求告我; 以色列啊,你倒厌烦我。
“Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakobho; hauna kuzvinetesa nokuda kwangu, iwe Israeri.
23 你没有将你的羊带来给我作燔祭, 也没有用祭物尊敬我; 我没有因供物使你服劳, 也没有因乳香使你厌烦。
Hauna kundivigira makwai ezvipiriso zvinopiswa, kana kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza nezvipiriso zvezviyo, kana kukunetesa nokuda zvinonhuhwira.
24 你没有用银子为我买菖蒲, 也没有用祭物的脂油使我饱足; 倒使我因你的罪恶服劳, 使我因你的罪孽厌烦。
Hauna kundivigira kana zvinotapira, kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako. Asi wakandiremedza nezvivi zvako uye ukandinetesa nokudarika kwako.
25 惟有我为自己的缘故涂抹你的过犯; 我也不记念你的罪恶。
“Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako, nokuda kwangu, handizorangaririzve zvakaipa zvako.
26 你要提醒我,你我可以一同辩论; 你可以将你的理陈明,自显为义。
Ndiyeuchidze zvakapfuura, ngatitaurirane nyaya iyi pamwe chete; zvipupurire kuti hauna mhosva.
27 你的始祖犯罪; 你的师傅违背我。
Tateguru wako akatadza; vamiririri vako vakandimukira.
28 所以,我要辱没圣所的首领, 使雅各成为咒诅, 使以色列成为辱骂。
Naizvozvo ndichanyadzisa vanokudzwa vomutemberi yako, uye ndichaita kuti Jakobho aparadzwe uye Israeri asekwe.

< 以赛亚书 43 >