< 以赛亚书 37 >

1 希西家王听见就撕裂衣服,披上麻布,进了耶和华的殿,
Mambo Hezekia akati anzwa izvi, akabvarura nguo dzake akafuka masaga akapinda mutemberi yaJehovha.
2 使家宰以利亚敬和书记舍伯那,并祭司中的长老,都披上麻布,去见亚摩斯的儿子先知以赛亚,
Akatuma Eriakimu mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, navakuru vavaprista, vose vakapfeka masaga, kumuprofita Isaya mwanakomana waAmozi.
3 对他说:“希西家如此说:‘今日是急难、责罚、凌辱的日子,就如妇人将要生产婴孩,却没有力量生产。
Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia: Nhasi izuva renhamo nokutukwa uye kunyadziswa, sezvinoitika kana vana vakasvika pakuzvarwa asi simba rokusununguka pasina.
4 或者耶和华—你的 神听见拉伯沙基的话,就是他主人亚述王打发他来辱骂永生 神的话;耶和华—你的 神听见这话就发斥责。故此,求你为余剩的民扬声祷告。’”
Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko omukuru wehondo, akatumwa naishe wake, mambo weAsiria, kuzomhura Mwari mupenyu, uye kuti azomutuka pamusoro pamashoko aakanzwa iye Jehovha Mwari wenyu. Naizvozvo nyengetererai vakasara vari vapenyu.”
5 希西家王的臣仆就去见以赛亚。
Vabati vaHezekia vakati vasvika kuna Isaya,
6 以赛亚对他们说:“要这样对你们的主人说,耶和华如此说:‘你听见亚述王的仆人亵渎我的话,不要惧怕。
Isaya akati kwavari, “Udzai ishe wenyu kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Usatya hako zvawakanzwa, mashoko andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.
7 我必惊动他的心;他要听见风声就归回本地,我必使他在那里倒在刀下。’”
Teererai! Ndichaisa mweya maari wokuti akangonzwa rimwe guhu, achadzokera kunyika yake, uye ikoko, ndichaita kuti aurayiwe nomunondo.’”
8 拉伯沙基回去,正遇见亚述王攻打立拿;原来他早听见亚述王拔营离开拉吉。
Mukuru wehondo akati anzwa kuti mambo weAsiria akanga abva kuBhakishi, akadzoka akawana mambo achirwa neRibhina.
9 亚述王听见人论古实王特哈加说:“他出来要与你争战。”亚述王一听见,就打发使者去见希西家,吩咐他们说:
Zvino Senakeribhi akagamuchira mashoko okuti Tirihaka, muEtiopia mambo weIjipiti, akanga achiuya kuzorwa naye. Akati anzwa izvozvo, akatuma nhume kuna mambo Hezekia neshoko iri rokuti:
10 “你们对犹大王希西家如此说:‘不要听你所倚靠的 神欺哄你说:耶路撒冷必不交在亚述王的手中。
“Udzai Hezekia mambo weJudha muti: Mwari waunovimba naye ngaarege kukunyengera achiti, ‘Jerusarema harizoiswa muruoko rwamambo weAsiria.’
11 你总听说亚述诸王向列国所行的乃是尽行灭绝,难道你还能得救吗?
Zvirokwazvo wakanzwa zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose vachidziparadza chose. Zvino iwe ucharwirwa here?
12 我列祖所毁灭的,就是歌散、哈兰、利色,和属提·拉撒的伊甸人;这些国的神何曾拯救这些国呢?
Ko, vamwari vamamwe marudzi akaparadzwa namadzibaba angu vakavarwira here, vamwari veGezani, neHarani neRezefi navanhu vokuEdheni vakanga vari kuTeri Asari?
13 哈马的王,亚珥拔的王,西法瓦音城的王,希拿和以瓦的王,都在哪里呢?’”
Mambo weHamati aripiko, namambo weArifadhi namambo weguta reSefarivhaimi, kana Hena kana Ivha?”
14 希西家从使者手里接过书信来,看完了,就上耶和华的殿,将书信在耶和华面前展开。
Hezekia akagamuchira tsamba kubva mumaoko enhume, akaiverenga. Ipapo akakwidza kutemberi yaJehovha akaitambanudza pamberi paJehovha.
15 希西家向耶和华祷告说:
Uye Hezekia akanyengetera kuna Jehovha achiti,
16 “坐在二基路伯上万军之耶和华—以色列的 神啊,你—惟有你是天下万国的 神,你曾创造天地。
“Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mugere pakati pamakerubhimi, imi moga ndimi Mwari aripo pamusoro poumambo hwose hwenyika. Makasika denga nepasi.
17 耶和华啊,求你侧耳而听;耶和华啊,求你睁眼而看,要听西拿基立的一切话,他是打发使者来辱骂永生 神的。
Rerekai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; zarurai meso enyu, Jehovha muone; teererai mashoko ose aSenakeribhi aakatuma kuzozvidza nawo Mwari mupenyu.
18 耶和华啊,亚述诸王果然使列国和列国之地变为荒凉,
“Ichokwadi, Jehovha, kuti madzimambo eAsiria akaparadza chose ndudzi idzi dzose nenyika dzadzo.
19 将列国的神像都扔在火里;因为他本不是神,乃是人手所造的,是木头、石头的,所以灭绝他。
Vakakanda vamwari vavo mumoto vakavaparadza, nokuti vakanga vasiri vamwari asi matanda chete namatombo akaitwa namaoko avanhu.
20 耶和华—我们的 神啊,现在求你救我们脱离亚述王的手,使天下万国都知道惟有你是耶和华。”
Zvino, Jehovha Mwari wedu, tidzikinurei kubva muruoko rwake, kuitira kuti madzimambo ose enyika azive kuti imi moga, Jehovha, ndimi Mwari.”
21 亚摩斯的儿子以赛亚就打发人去见希西家,说:“耶和华—以色列的 神如此说,你既然求我攻击亚述王西拿基立,
Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi akatumira shoko kuna Hezekia achiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Nokuda kwokuti wanyengetera kwandiri pamusoro paSenakeribhi mambo weAsiria,
22 所以耶和华论他这样说: 锡安的处女藐视你,嗤笑你; 耶路撒冷的女子向你摇头。
heri shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake: “Mhandara Mwanasikana weZioni anokuzvidza uye anokuseka. Mwanasikana weJerusarema anokudzungudzira musoro wake paunenge uchitiza.
23 你辱骂谁,亵渎谁? 扬起声来,高举眼目攻击谁呢? 乃是攻击以色列的圣者。
Ndianiko wawatuka uye ukamhura? Ndianiko wawasimudzira inzwi rako, uye ukasimudzira meso ako uchizvikudza? Ndiye Mutsvene waIsraeri!
24 你借你的臣仆辱骂主说: 我率领许多战车上山顶, 到黎巴嫩极深之处; 我要砍伐其中高大的香柏树 和佳美的松树。 我必上极高之处, 进入肥田的树林。
Navaranda vako watutira kutuka pamusoro paIshe. Uye wakati, ‘Nengoro dzangu zhinji ndakakwira makomo marefu, kumusoro-soro kweRebhanoni. Ndakatema misidhari yayo mirefu refu, nemisipuresi yayo yakanakisisa. Ndakasvika kumusoro-soro kwayo, nokumasango ayo akanakisisa.
25 我已经挖井喝水; 我必用脚掌踏干埃及的一切河。
Ndakachera matsime munyika yavamwe, ndikanwa mvura imomo. Netsoka dzangu ndakapwisa hova dzose dzeIjipiti.’
26 耶和华说:你岂没有听见 我早先所做的、古时所立的吗? 现在借你使坚固城荒废,变为乱堆。
“Hauna kunzwa here? Izvi ndakazviita kare. Ndakazvironga pamazuva akare; zvino ndaita kuti zviitike, nokuti wakaparadza maguta akakomberedzwa akava mirwi yamatombo.
27 所以其中的居民力量甚小, 惊惶羞愧。 他们像野草,像青菜, 如房顶上的草, 又如田间未长成的禾稼。
Vanhu vawo, vapererwa nesimba, vavhundutswa uye vanyadziswa. Vafanana nembeu mumunda, namabukira manyoro, sebundo ramera padenga remba, ratsva risati rakura.
28 你坐下,你出去,你进来, 你向我发烈怒,我都知道。
“Asi ndinoziva paunogara uye nguva yaunouya neyaunoenda uye kuti unondiitira hasha zvakadii.
29 因你向我发烈怒, 又因你狂傲的话达到我耳中, 我就要用钩子钩上你的鼻子, 把嚼环放在你口里, 使你从原路转回去。
Nokuda kwehasha dzako kwandiri uye nokuda kwokuti kusateerera kwako kwasvika munzeve dzangu, ndichaisa chiredzo changu mumhuno dzako namatomu angu mumuromo mako, uye ndichaita kuti udzokere nenzira yawakauya nayo.
30 “以色列人哪,我赐你们一个证据:你们今年要吃自生的,明年也要吃自长的,至于后年,你们要耕种收割,栽植葡萄园,吃其中的果子。
“Ichi ndicho chichava chiratidzo kuvarwi, iwe Hezekia: “Gore rino muchadya zvinomera zvoga, uye mugore rinotevera muchadya mabukira azvo. Asi mugore rechitatu mudyare mugokohwa, mudyare minda yemizambiringa mugodya michero yayo.
31 犹大家所逃脱余剩的,仍要往下扎根,向上结果。
Zvakare, vakasara veimba yaJudha vachava nemidzi pasi uye vachabereka michero kumusoro.
32 必有余剩的民从耶路撒冷而出;必有逃脱的人从锡安山而来。万军之耶和华的热心必成就这事。
Nokuti muJerusarema muchabuda vachasara, uye muZioni muchabuda boka ravachapunyuka. Kushingaira kwaJehovha kuchazviita.
33 “所以耶和华论亚述王如此说:他必不得来到这城,也不在这里射箭,不得拿盾牌到城前,也不筑垒攻城。
“Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, “Haazopindi muguta iri kana kupfura museve pano. Haazosviki mberi kwaro nenhoo kana kuvaka gomo revhu pariri.
34 他从哪条路来,必从那条路回去,必不得来到这城。这是耶和华说的。
Achadzokera nenzira yaakauya nayo; haazopindi muguta rino,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
35 因我为自己的缘故,又为我仆人大卫的缘故,必保护拯救这城。”
“Ndichadzivirira guta rino uye ndichariponesa, nokuda kwangu uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu!”
36 耶和华的使者出去,在亚述营中杀了十八万五千人。清早有人起来一看,都是死尸了。
Ipapo mutumwa waJehovha akabuda akauraya varume zviuru zana namakumi masere nezvishanu pamusasa wavaAsiria. Vanhu vakati vachimuka mangwanani, onei mitumbi yavakafa!
37 亚述王西拿基立就拔营回去,住在尼尼微。
Naizvozvo Senakeribhi mambo weAsiria akaputsa musasa. Akadzokera kuNinevhe akandogara ikoko.
38 一日在他的神—尼斯洛庙里叩拜,他儿子亚得米勒和沙利色用刀杀了他,就逃到亚拉腊地。他儿子以撒哈顿接续他作王。
Mumwe musi achinamata ari mutemberi yamwari wake Nisiroki, Adhiramereki naSharezeri, vanakomana vake vakamuuraya nomunondo, ndokutizira kunyika yeArarati. Mwanakomana waEsarihadhoni akamutevera paushe.

< 以赛亚书 37 >